Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 6:22-59

Johani 6:22-59 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Ramangwana racho, vanhu vaya vakasara kumhiri kwegungwa, vakazviona kuti pakanga pane igwa rimwechete chete ipapo. Uye kuti Jesu haana kunge apinda muigwa iroro pamwechete navadzidzi vake asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. Asi pane magwa akabva kuTibheriasi akasvikawo pedyo nenzvimbo yavakadya chingwa chiya mushure mokunge Tenzi ambotenda. Zvino vanhu pavakaona kuti Jesu akanga asipo pamwechete navadzidzi vake, ivo pachavo vakapinda mumagwa aye vakaenda kuKapenaumu kundotsvaka Jesu. Pavakamuwana kumhiri kuya kweGungwa, vakati kwaari, “Rabhi makauya kuno riniko?” Jesu akavapindura achiti, “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri hamusi kunditsvaka nokuti makaona zviratidzo asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. Musashandire chokudya chinopera asi chokudya chinogara kusvikira kuupenyu husingaperi chamunopiwa noMwanakomana womunhu, nokuti Mwari Baba vakaisa rupawo rwavo paari.” Ivo ndokuti kwaari, “Chii chatingaite kuti tishande mabasa aMwari?” Jesu akavapindura achiti, “Basa raMwari nderiri rokuti: Imi munofanira kutenda muna iye waakatuma.” Saka vakati kwaari, “Ko zvino iwe chiratidzoi chaungaite kuti tione tigotenda mauri; chii chaungaite? Madzibaba edu vakadya mana murenje sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.” Jesu akati kwavari: “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, haasi Mosesi akakupai chingwa chinobva kudenga. Baba vangu ndivo vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndechiya chinobva kudenga uye chinopa upenyu kunyika.” Vakati kwaari, “Tenzi tipei chingwa ichocho nguva dzose.” Jesu akati kwavari, “Ini ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri haaiti nzara uye anotenda mandiri haambofa akanzwa nyota. Asi imi, sezvandambokuudzai munondiona zvenyu asi hamutendi. Chose chandinopiwa naBaba chinouya kwandiri uye anenge auya kwandiri handimurasiri kunze. Nokuti ndakauya ndichibva kudenga kwete kuzoita kuda kwangu asi kuda kwewakandituma. Kuda kwewakandituma ndokuku kwokuti handifaniri kurasikirwa nechose zvacho chaanenge andipa asi kutochimutsa pazuva remhedziso. Uku ndiko kuda kwababa vangu kokuti wose anoona mwanakomana achitenda maari awane upenyu husingaperi uye ndichamumutsa nezuva remhedziso.” VaJudha vakabva vamunyunyutira nokuti akati, “Ndini chingwa chakabva kudenga.” Vakati, “Uyu handiye here Jesu Mwanakomana waJosefi watinoziva baba naamai vake. Zvino angagoti sei ndakaburuka kudenga.” Jesu akavapindura achiti, “Musanyunyute pakati penyu. “Hapana angauye kwandiri kana Baba vakandituma vasina kutomukweva. Iniwo ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Zvakanyorwa muvaporofita kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari. Munhu wose anoteerera Baba nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’ Hazvirevi kuti pana akamboona Baba kusiya iye akabva kuna Mwari ndiye akaona Baba. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri anotenda anoupenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi vakafa. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chokuti anenge achidya haazofa. Ini ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Munhu wose anodya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose, inyama yangu pachangu.” VaJudha vakaitirana nharo pachavo vachiti, “Munhu uyu angatipe sei nyama yake kuti tidye?” Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake hamuna upenyu mamuri. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ano upenyu husingaperi uye ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu kudya chaiko uye ropa rangu kunwa chaiko. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri neniwo maari. Sokutumwa kwandakaitwa naBaba vapenyu uye kuti ndinoraramiswa naBaba ndizvozvowo zvinoita vanondidya vachararamiswa neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chisina kufanana nechakadyiwa, namadzitateguru enyu vakafa. Anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Izvi akazvitaura musinagogu paaidzidzisa kuKaperinaumu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 6

Johani 6:22-59 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Fume mangwana, vanhu vazhinji vakanga vasara mhiri kwegungwa vakatanga kuona kuti pakanga pachingova neigwa rimwe chete ipapo, uye kuti Jesu haana kunge apinda mariri kuti aende navadzidzi vake, asi kuti vakanga vaenda vari voga. Ipapo mamwe magwa aibva kuTibheriasi akasvika pedyo nenzvimbo yakanga yadyirwa chingwa navanhu shure kwokuvonga kwaShe. Vazhinji vakati vaona kuti Jesu navadzidzi vake vakanga vasisipo, vakapinda mumagwa ndokuenda kuKapenaume vachitsvaka Jesu. Vakati vamuwana ari mhiri kwegungwa vakamubvunza vakati, “Rabhi, makauya kuno riniko?” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, muri kunditsvaka, kwete nokuda kwokuti makaona zviratidzo, asi nokuda kwokuti makadya zvingwa uye mukaguta. Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari.” Ipapo vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko kuti tiite mabasa anodikanwa naMwari?” Jesu akapindura akati, “Basa raMwari nderiri: kuti mutende kuna iye waakatuma.” Saka vakamubvunza vakati, “Muchatiratidza chiratidzo cheiko chatingaona kuti tigokutendai? Muchaiteiko? Madzibaba edu akadya mana murenje; sezvazvakanyorwa zvichinzi: ‘Akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.’ ” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haasi Mozisi akakupai chingwa chakabva kudenga, asi kuti ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye anopa upenyu kunyika.” Ivo vakati, “Ishe, kubva zvino zvichienda mberi, tipei chingwa ichi.” Ipapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota. Asi sezvandakakuudzai, makandiona uye hamutendi nazvino. Zvose zvandinopiwa naBaba zvichauya kwandiri, uye ani naani anouya kwandiri handingatongomurasiri kure. Nokuti handina kuburuka kubva kudenga kuti ndizoita kuda kwangu asi kuti ndizoita kuda kwaiye akandituma. Uye uku ndiko kuda kwaiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa navose vaakandipa, asi kuti ndivamutse pazuva rokupedzisira. Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana agotenda kwaari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.” Ipapo, vaJudha vakatanga kugununʼuna pamusoro pake nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.” Vakati, “Ko, uyu haasi Jesu, mwanakomana waJosefa here, watinoziva baba vake namai vake? Zvino anotaura sei achiti, ‘Ndakaburuka kubva kudenga’?” Jesu akapindura akati, “Regai kugununʼuna pakati penyu. Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira. Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri. Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa. Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi. Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.” Ipapo vaJudha vakatanga kukakavadzana zvikuru pakati pavo vachiti, “Munhu uyu angatipa nyama yake kuti tiidye seiko?” Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho. Ani naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari. Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichirarama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu. Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Akataura izvi paakanga achidzidzisa ari musinagoge muKapenaume.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 6

Johani 6:22-59 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ava mangwana vanhu vazhinji, vakanga vamire mhiri kwegungwa, vakaona kuti pakanga pasina rimwe igwa duku ipapo, asi iro rimwe makanga mapinda vadzidzi vake, mariri, uye kuti Jesu haana kupinda muigwa navadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. (Asi mamwe magwa maduku akanga abva Tibheriasi, akasvika pedyo pavakadyira zvingwa, Ishe ambovonga). Zvino vanhu vazhinji vakati vaona, kuti Jesu haapo, navadzidzi vake, vakapinda vamene mumagwa maduku, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu. Zvino vakati vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari, “Rabhi, mauya pano riniko?” Jesu akavapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hamunditsvaki nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. Musabatira basa kutsvaka zvokudya zvinopera, asi batirai basa kuti muwane zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi, zvamuchapiwa naMwanakomana womunhu; nokuti baba, Mwari, vakaisa chisimbiso kwaari.” Zvino vakati kwaari, “Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Basa raMwari ndiro, kuti mutende kuna iye waakatuma.” Zvino vakati kwaari, “Munoita chiratidzo chipiko, kuti tione, tikutendei? Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Akavapa chingwa chikabva kudenga, kuti vadye.’ ” Zvino Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, akanga asi iye Mosesi, akakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndibaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndicho chinoburuka kudenga, chinopa pasi upenyu.” Zvino vakati kwaari, “Ishe, tipei chingwa ichi misi yose.” Jesu akati kwavari, “Ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri, haangatongovi nenzara, noanotenda kwandiri haangatongovi nenyota. Asi ndakakuudzai, kuti makandiona, asi hamutendi. “Zvose baba zvavanondipa zvichauya kwandiri; noanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze. Nokuti handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma. Kuda kwoakandituma ndiko, kuti pazvose zvaakandipa, ndirege kurasikirwa nomumwechete waakanditurira, asi kuti ndivamutse nezuva rokupedzisira. Nokuti kuda kwababa vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, anotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave noupenyu husingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.” Zvino vaJudha vakagun'un'una pamusoro pake, nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kudenga.” Vakati, “Uyu haasi Jesu, Mwanakomana waJosefa, watinoziva baba namai vake here? Zvino angagoti seiko, ndakaburuka kudenga?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Musagun'un'una pakati penyu. “Hakuna munhu angauya kwandiri, kana baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. Muvaporofita makanyorwa, muchinzi, ‘Vachadzidziswa vose naMwari.’ Mumwe nomumwe akazvinzwa kuna baba, akadzidza, anouya kwandiri. Handirevi kuti kune munhu akaona baba; asi uyo anobva kuna Mwari, ndiye akaona baba. “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anotenda, ano hupenyu usingaperi. Ndini chingwa choupenyu. “Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa. Ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa. Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, achararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, yandinopira upenyu hwapasi.” Zvino vaJudha vakakakavara pakati pavo, vachiti, “Munhu uyu angatipa seiko nyama yake, tidye?” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana musingadyi nyama yoMwanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. “Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi; ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho, neropa rangu chokunwa chaicho. Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari. Baba vapenyu, sezvavakandituma, neni ndichirarama nababa; saizvozvo anondidya, achararama neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka kudenga; hazvina kuita samadzibaba akadya, akafa; anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Akareva zvinhu izvi musinagoge, achidzidzisa paKapenaume.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 6

Johani 6:22-59 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ramangwana racho, vanhu vaya vakasara kumhiri kwegungwa, vakazviona kuti pakanga pane igwa rimwechete chete ipapo. Uye kuti Jesu haana kunge apinda muigwa iroro pamwechete navadzidzi vake asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. Asi pane magwa akabva kuTibheriasi akasvikawo pedyo nenzvimbo yavakadya chingwa chiya mushure mokunge Tenzi ambotenda. Zvino vanhu pavakaona kuti Jesu akanga asipo pamwechete navadzidzi vake, ivo pachavo vakapinda mumagwa aye vakaenda kuKapenaumu kundotsvaka Jesu. Pavakamuwana kumhiri kuya kweGungwa, vakati kwaari, “Rabhi makauya kuno riniko?” Jesu akavapindura achiti, “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri hamusi kunditsvaka nokuti makaona zviratidzo asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. Musashandire chokudya chinopera asi chokudya chinogara kusvikira kuupenyu husingaperi chamunopiwa noMwanakomana womunhu, nokuti Mwari Baba vakaisa rupawo rwavo paari.” Ivo ndokuti kwaari, “Chii chatingaite kuti tishande mabasa aMwari?” Jesu akavapindura achiti, “Basa raMwari nderiri rokuti: Imi munofanira kutenda muna iye waakatuma.” Saka vakati kwaari, “Ko zvino iwe chiratidzoi chaungaite kuti tione tigotenda mauri; chii chaungaite? Madzibaba edu vakadya mana murenje sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.” Jesu akati kwavari: “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, haasi Mosesi akakupai chingwa chinobva kudenga. Baba vangu ndivo vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndechiya chinobva kudenga uye chinopa upenyu kunyika.” Vakati kwaari, “Tenzi tipei chingwa ichocho nguva dzose.” Jesu akati kwavari, “Ini ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri haaiti nzara uye anotenda mandiri haambofa akanzwa nyota. Asi imi, sezvandambokuudzai munondiona zvenyu asi hamutendi. Chose chandinopiwa naBaba chinouya kwandiri uye anenge auya kwandiri handimurasiri kunze. Nokuti ndakauya ndichibva kudenga kwete kuzoita kuda kwangu asi kuda kwewakandituma. Kuda kwewakandituma ndokuku kwokuti handifaniri kurasikirwa nechose zvacho chaanenge andipa asi kutochimutsa pazuva remhedziso. Uku ndiko kuda kwababa vangu kokuti wose anoona mwanakomana achitenda maari awane upenyu husingaperi uye ndichamumutsa nezuva remhedziso.” VaJudha vakabva vamunyunyutira nokuti akati, “Ndini chingwa chakabva kudenga.” Vakati, “Uyu handiye here Jesu Mwanakomana waJosefi watinoziva baba naamai vake. Zvino angagoti sei ndakaburuka kudenga.” Jesu akavapindura achiti, “Musanyunyute pakati penyu. “Hapana angauye kwandiri kana Baba vakandituma vasina kutomukweva. Iniwo ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Zvakanyorwa muvaporofita kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari. Munhu wose anoteerera Baba nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’ Hazvirevi kuti pana akamboona Baba kusiya iye akabva kuna Mwari ndiye akaona Baba. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri anotenda anoupenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi vakafa. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chokuti anenge achidya haazofa. Ini ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Munhu wose anodya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose, inyama yangu pachangu.” VaJudha vakaitirana nharo pachavo vachiti, “Munhu uyu angatipe sei nyama yake kuti tidye?” Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake hamuna upenyu mamuri. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ano upenyu husingaperi uye ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu kudya chaiko uye ropa rangu kunwa chaiko. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri neniwo maari. Sokutumwa kwandakaitwa naBaba vapenyu uye kuti ndinoraramiswa naBaba ndizvozvowo zvinoita vanondidya vachararamiswa neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chisina kufanana nechakadyiwa, namadzitateguru enyu vakafa. Anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Izvi akazvitaura musinagogu paaidzidzisa kuKaperinaumu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 6

Johani 6:22-59 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Aʋa maŋgwana ʋanhu ʋazhinji, ʋakaŋga ʋamire mhiri kweguŋgwa, ʋakaʋona kuti pakaŋga pasinerimŋe igwa ɗuku ipapo, asi iro rimŋe makaŋga mapinda ʋadzidzi ʋake, mariri, ʋuye kuti Jesu haana‐kupinda mugwa naʋadzidzi ʋake, asi kuti ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaenda ʋoga. (Asi mamŋe magwa maɗuku akaŋga abva Tiberiasi, akaȿika pedyo paʋakadyira ɀiŋgwa, Ishe amboʋoŋga). Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaʋona, kuti Jesu haa’po, naʋadzidzi ʋake, ʋakapinda ʋamene mumagwa maɗuku, ʋakaȿika Kapernaume, ʋacitȿaka Jesu. Ɀino ʋakati ʋamuwana mhiri kweguŋgwa, ʋakati kwaari: Rabi, maʋuya pano riniko? Jesu akaʋapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hamunditȿaki nokuti makaʋona ɀiratidzo, asi nokuti makadya ɀiŋgwa mukaguta. Musaɓatira ɀokudya ɀinopera, asi ɀokudya ɀinogara kuʋupenyu bgusiŋgaperi, ɀamucapiwa noMŋanakomana womunhu; nokuti Ƃaɓa, Mŋari, ʋakaisa cisimbiso kwaari. Ɀino ʋakati kwaari: Ticaiteiko, kuti tiɓate maɓasa aMŋari? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ƃasa raMŋari ndiro, kuti mutende kunaiye waakatuma. Ɀino ʋakati kwaari: Munoita ciratidzo cipiko, kuti tiʋone, tikutendei? Imi munoɓateiko? Madziɓaɓa eɗu akadya mana murenje, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Wakaʋapa ciŋgwa cakabva kuɗeŋga, kuti ʋadye. Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Wakaŋga asi iye Mosesi, wakakupai ciŋgwa cakabva kuɗeŋga, asi ndiƂaɓa ʋaŋgu ʋanokupai ciŋgwa caɀokwaɗi, cinobva kuɗeŋga. Nokuti ciŋgwa caMŋari ndico cinoɓuruka kuɗeŋga, cinopa nyika ʋupenyu. Ɀino ʋakati kwaari: Ishe, tipei ciŋgwa ici misi yose. Jesu akati kwaʋari: Ndini ciŋgwa coʋupenyu; unoʋuya kwandiri, haaŋgatoŋgoʋi nenzara, nounotenda kwandiri haaŋgatoŋgoʋi nenyota. Asi ndakakuʋudzai, kuti makandiʋona, asi hamutendi. Ɀose Ƃaɓa ɀaʋanondipa ɀicaʋuya kwandiri; nounoʋuya kwandiri, handiŋgatoŋgomurashiri kunze. Nokuti handina‐kuɓuruka kuɗeŋga, kuti ndiite kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwowakandituma. Kuɗa kwowakandituma ndiko, kuti paɀose ɀaakandipa, ndirege kurashikirwa necimŋe, asi kuti ndicimutse nezuʋa rokupedzisira. Nokuti kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ndiko, kuti mumŋe nomumŋe, unotarira Mŋanakomana, nokutenda kwaari, aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. Ɀino ʋaJuda ʋakaŋuŋuna pamsoro pake, nokuti wakati: Ndini ciŋgwa cakaɓuruka kuɗeŋga. Ʋakati: Uyu haazi Jesu, Mŋanakomana waJosefa, watinoziʋa ɓaɓa namai ʋake here? Ɀino uŋgagoti seiko: Ndakaɓuruka kuɗeŋga? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Musaŋuŋuna pakati penyu. Hakunomunhu uŋgaʋuya kwandiri, kana Ƃaɓa, ʋakandituma, ʋasiŋgamukweʋi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. Muʋaprofita makanyorwa, mucinzi: Ʋacadzidziswa ʋose naMŋari. Mumŋe nomumŋe wakaɀinzwa kunaƂaɓa, akadzidza, unoʋuya kwandiri. Handireʋi kuti kunomunhu wakaʋona Ƃaɓa; asi uyo unobva kunaMŋari, ndiye wakaʋona Ƃaɓa. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda, unoʋupenyu bgusiŋgaperi. Ndini ciŋgwa coʋupenyu. Madziɓaɓa enyu akadya mana murenje, akafa. Ici ndico ciŋgwa, cinoɓuruka kuɗeŋga, kuti munhu acidye, arege kufa. Ndini ciŋgwa cipenyu, cakaɓuruka kuɗeŋga; kana munhu acidya ciŋgwa ici, ucararama nokusiŋgaperi; ciŋgwa candicapa, inyama yaŋgu, bguʋe ʋupenyu bgenyika. Ɀino ʋaJuda ʋakakakaʋara pakati paʋo, ʋaciti: Munhu uyu uŋgatipa seiko nyama yake, tidye? Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana musiŋgadyi nyama yoMŋanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamunoʋupenyu mamuri. Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; ini ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. Nokuti nyama yaŋgu ndiɀo ɀokudya ɀaɀokwaɗi, neropa raŋgu ɀokunwa ɀaɀokwaɗi. Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unogara mandiri, neni maari. Ƃaɓa ʋapenyu, seɀaʋakandituma, neni ndicirarama naƂaɓa; saiɀoɀo unondidya, ucararama neni. Ici ndico ciŋgwa cakaɓuruka kuɗeŋga; haɀina‐kuita samadziɓaɓa akadya, akafa; unodya ciŋgwa ici ucararama nokusiŋgaperi. Wakareʋa ɀinhu iɀi musinagoge, acidzidzisa paKapernaume.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 6