Johani 6:16-21
Johani 6:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nguva yamadekwana yakati yasvika, vadzidzi vake vakaburuka vakaenda kugungwa, uko kwavakandopinda mugwa vakasimuka vakayambuka vakaenda mhiri kwegungwa vakananga kuKapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, uye Jesu akanga asati ava pavari. Mhepo ine simba yakanga ichivhuvhuta uye kukava namafungu ane hasha. Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru. Asi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.” Ipapo vakafara kumugamuchira mugwa; pakarepo igwa rakasvika kumahombekombe kwavakanga vakananga.
Johani 6:16-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa; vakapinda muigwa, vakatanga kuyambuka gungwa kuenda Kapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, asi Jesu akanga asati asvika kwavari. Gungwa rikatanga kumutswa nemhepo huru yaivhuvhuta. Zvino vakati vakwasva zvikuru masitadhia anenge makumi maviri namashanu, kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pemvura, achiswedera pedyo negwa; vakatya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatya.” Zvino vakafara kumugamuchira muigwa, igwa rikasvika pakarepo kunyika kwavakanga vachienda.
Johani 6:16-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ava madeko, vadzidzi vake vakadzika kugungwa vakapinda mugwa vakatangisa kuyambuka gungwa vachienda kuKapenaumu. Izvozvo kwakanga kwasviba. Uye Jesu akanga asati auya kwavari. Gungwa rakanyanduka nokuda kwemhepo yaivhuvhuta nesimba. Vadzidzi pavakanga vakwasva kwamakiromita mashanu kana kuti matanhatu vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa achiuya pedyo negwa. Vakabva vabatwa nokutya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatye zvenyu.” Naizvozvo vakabva vafara kumugachira mugwa. Pakarepo igwa rakabva rasvika kumahombekombe ekwavaienda.
Johani 6:16-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino aʋa maɗekwana, ʋadzidzi ʋake ʋakaɓurukira kuguŋgwa; ʋakapinda mugwa, ʋakataŋga kuyambuka guŋgwa kuenda Kapernaume. Ɀino kwakaŋga kwaȿiɓa, asi Jesu wakaŋga asati aȿika kwaʋari. Guŋgwa rikataŋga kumutswa nemhepo huru yaivuvuta. Ɀino ʋakati ʋakwaȿa ɀikuru mastadia aneŋge makumi maʋiri namashanu, kana makumi matatu, ʋakaʋona Jesu acifamba pamsoro peguŋgwa, acisweɗera pedyo negwa; ʋakatya. Asi iye akati kwaʋari: Ndini, musatya. Ɀino ʋakafara kumugamucira mugwa, igwa rikaȿika pakarepo kunyika kwaʋakaŋga ʋacienda.
Johani 6:16-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)