Johani 6:15-21
Johani 6:15-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zvino Jesu paakazviona kuti vakanga vavakuuya kuzomumanikidza kumuita mambo, Jesu akabva abvazve pavari akaenda kumakomo ari oga zvake pachake. Ava madeko, vadzidzi vake vakadzika kugungwa vakapinda mugwa vakatangisa kuyambuka gungwa vachienda kuKapenaumu. Izvozvo kwakanga kwasviba. Uye Jesu akanga asati auya kwavari. Gungwa rakanyanduka nokuda kwemhepo yaivhuvhuta nesimba. Vadzidzi pavakanga vakwasva kwamakiromita mashanu kana kuti matanhatu vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa achiuya pedyo negwa. Vakabva vabatwa nokutya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatye zvenyu.” Naizvozvo vakabva vafara kumugachira mugwa. Pakarepo igwa rakabva rasvika kumahombekombe ekwavaienda.
Johani 6:15-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu, akaziva kuti vaida kumumanikidza kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda kugomo ari oga. Nguva yamadekwana yakati yasvika, vadzidzi vake vakaburuka vakaenda kugungwa, uko kwavakandopinda mugwa vakasimuka vakayambuka vakaenda mhiri kwegungwa vakananga kuKapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, uye Jesu akanga asati ava pavari. Mhepo ine simba yakanga ichivhuvhuta uye kukava namafungu ane hasha. Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru. Asi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.” Ipapo vakafara kumugamuchira mugwa; pakarepo igwa rakasvika kumahombekombe kwavakanga vakananga.
Johani 6:15-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu, zvaakaziva kuti voda kuuya kumubata nesimba kuzomuita mambo, akabvazve, akaenda mugomo ari oga. Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa; vakapinda muigwa, vakatanga kuyambuka gungwa kuenda Kapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, asi Jesu akanga asati asvika kwavari. Gungwa rikatanga kumutswa nemhepo huru yaivhuvhuta. Zvino vakati vakwasva zvikuru masitadhia anenge makumi maviri namashanu, kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pemvura, achiswedera pedyo negwa; vakatya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatya.” Zvino vakafara kumugamuchira muigwa, igwa rikasvika pakarepo kunyika kwavakanga vachienda.
Johani 6:15-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Jesu paakazviona kuti vakanga vavakuuya kuzomumanikidza kumuita mambo, Jesu akabva abvazve pavari akaenda kumakomo ari oga zvake pachake. Ava madeko, vadzidzi vake vakadzika kugungwa vakapinda mugwa vakatangisa kuyambuka gungwa vachienda kuKapenaumu. Izvozvo kwakanga kwasviba. Uye Jesu akanga asati auya kwavari. Gungwa rakanyanduka nokuda kwemhepo yaivhuvhuta nesimba. Vadzidzi pavakanga vakwasva kwamakiromita mashanu kana kuti matanhatu vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa achiuya pedyo negwa. Vakabva vabatwa nokutya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatye zvenyu.” Naizvozvo vakabva vafara kumugachira mugwa. Pakarepo igwa rakabva rasvika kumahombekombe ekwavaienda.
Johani 6:15-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu, ɀaakaziʋa kuti ʋoɗokuʋuya kumuɓata nesimba kuzomuita mambo, akabva ɀe, akaenda mugomo ari oga. Ɀino aʋa maɗekwana, ʋadzidzi ʋake ʋakaɓurukira kuguŋgwa; ʋakapinda mugwa, ʋakataŋga kuyambuka guŋgwa kuenda Kapernaume. Ɀino kwakaŋga kwaȿiɓa, asi Jesu wakaŋga asati aȿika kwaʋari. Guŋgwa rikataŋga kumutswa nemhepo huru yaivuvuta. Ɀino ʋakati ʋakwaȿa ɀikuru mastadia aneŋge makumi maʋiri namashanu, kana makumi matatu, ʋakaʋona Jesu acifamba pamsoro peguŋgwa, acisweɗera pedyo negwa; ʋakatya. Asi iye akati kwaʋari: Ndini, musatya. Ɀino ʋakafara kumugamucira mugwa, igwa rikaȿika pakarepo kunyika kwaʋakaŋga ʋacienda.