Johani 6:1-24
Johani 6:1-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvi, Jesu akayambuka akaenda mhiri kumahombekombe eGungwa reGarirea (ndiro Gungwa reTibheriasi), uye vazhinji zhinji vakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakanga aita pavarwere. Ipapo Jesu akakwira pagomo akagara pasi navadzidzi vake. Mutambo wavaJudha wePasika wakanga wava pedyo. Jesu akati asimudza meso ake akaona vanhu vazhinji zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tichatenga chingwa kupiko chokuti vanhu ava vadye?” Akabvunza izvi achida chete kumuedza, nokuti akanga atoziva kare mupfungwa dzake zvaakanga achizoita. Firipi akamupindura akati, “Mubayiro unoshandirwa kwemwedzi misere haugoni kutenga chingwa chinokwana mumwe nomumwe hake, kuti awane chimedu!” Mumwe wavadzidzi vake, Andirea, mununʼuna waPetro, akati, “Houno mukomana ane zvingwa zviduku zvebhari nehove mbiri, asi zvingasvikepiko pakati pavanhu vakawanda zvakadai?” Jesu akati, “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Panzvimbo iyo pakanga pano uswa huzhinji kwazvo, uye varume vakagara pasi vakanga vachikarosvika zviuru zvishanu. Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove. Vakati vadya vose, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvose zvasara. Musarega zvichiraswa.” Saka vakazviunganidza zvikazara matengu gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu, zvakanga zvasiyiwa navaya vakanga vadya. Vanhu vakati vaona chiratidzo chakanga chaitwa naJesu, vakatanga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye muprofita aifanira kuuya panyika.” Jesu, akaziva kuti vaida kumumanikidza kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda kugomo ari oga. Nguva yamadekwana yakati yasvika, vadzidzi vake vakaburuka vakaenda kugungwa, uko kwavakandopinda mugwa vakasimuka vakayambuka vakaenda mhiri kwegungwa vakananga kuKapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, uye Jesu akanga asati ava pavari. Mhepo ine simba yakanga ichivhuvhuta uye kukava namafungu ane hasha. Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru. Asi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.” Ipapo vakafara kumugamuchira mugwa; pakarepo igwa rakasvika kumahombekombe kwavakanga vakananga. Fume mangwana, vanhu vazhinji vakanga vasara mhiri kwegungwa vakatanga kuona kuti pakanga pachingova neigwa rimwe chete ipapo, uye kuti Jesu haana kunge apinda mariri kuti aende navadzidzi vake, asi kuti vakanga vaenda vari voga. Ipapo mamwe magwa aibva kuTibheriasi akasvika pedyo nenzvimbo yakanga yadyirwa chingwa navanhu shure kwokuvonga kwaShe. Vazhinji vakati vaona kuti Jesu navadzidzi vake vakanga vasisipo, vakapinda mumagwa ndokuenda kuKapenaume vachitsvaka Jesu.
Johani 6:1-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo Jesu akaenda mhiri kwegungwa reGariria, ndiro reTibheriasi. Vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera, nokuti vakaona zviratidzo zvaaiita kuvarwere. Jesu akakwira mugomo, akagaramo navadzidzi vake. Pasika, mutambo wavaJudha, wakanga uri pedyo. Zvino Jesu akati achitarira, akaona vanhu vazhinji-zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tingatengepiko zvingwa, kuti vanhu ava vadye?” Akareva izvozvo kuti amuedze, nokuti iye akaziva amene zvaakanga achida kuita. Firipi akamupindura, achiti, “Zvingwa zvamadhenari ana mazana maviri hazvingavaringani, kuti mumwe nomumwe atore zvishoma.” Zvino mumwe wavadzidzi vake, Andireya, munun'una waSimoni Petirosi, akati kwaari, “Pano pano mukomana, ane zvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri; asi izvi zvingakwanira sei vanhu vazhinji?” Jesu akati, “Garisai vanhu pasi.” Zvino kwakanga kuno uswa huzhinji ipapo. Naizvozvo varume vakagara pasi, kuwanda kwavo kunenge zviuru zvishanu. Zvino Jesu akatora zvingwa; akavonga, akazvipa vakanga vagere pasi; nehovewo saizvozvo pavaida napo. Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvakasara, kuti zvirege kurasika.” Ipapo vakazviunganidza, vakazadza matengu ane gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakanga zvasara kuna vakadya. Zvino vanhu vakati vaona chiratidzo chaakaita, vakati, “Zvirokwazvo uyu muporofita, anouya panyika.” Zvino Jesu, zvaakaziva kuti voda kuuya kumubata nesimba kuzomuita mambo, akabvazve, akaenda mugomo ari oga. Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa; vakapinda muigwa, vakatanga kuyambuka gungwa kuenda Kapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, asi Jesu akanga asati asvika kwavari. Gungwa rikatanga kumutswa nemhepo huru yaivhuvhuta. Zvino vakati vakwasva zvikuru masitadhia anenge makumi maviri namashanu, kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pemvura, achiswedera pedyo negwa; vakatya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatya.” Zvino vakafara kumugamuchira muigwa, igwa rikasvika pakarepo kunyika kwavakanga vachienda. Ava mangwana vanhu vazhinji, vakanga vamire mhiri kwegungwa, vakaona kuti pakanga pasina rimwe igwa duku ipapo, asi iro rimwe makanga mapinda vadzidzi vake, mariri, uye kuti Jesu haana kupinda muigwa navadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. (Asi mamwe magwa maduku akanga abva Tibheriasi, akasvika pedyo pavakadyira zvingwa, Ishe ambovonga). Zvino vanhu vazhinji vakati vaona, kuti Jesu haapo, navadzidzi vake, vakapinda vamene mumagwa maduku, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu.
Johani 6:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvo Jesu akaenda kumhiri kwegungwa reGarirea kana kuti gungwa reTibheriasi. Gurumwandira ravanhu rakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakaita pavarwere. Jesu akakwira mugomo ndokugara pasi navadzidzi vake. Izvozvo mazuva makuru avaJudha ePasika akanga ava pedyo. Jesu paakasimudza musoro akaona manyoramanyore avanhu achiuya kwaari. Akati kuna Firipi, “Tichatenga kupi chingwa chokuti vanhu ava vadye.” Izvi akataura kuri kumuedza zvake. Nokuti iye aiziva zvaaizoita. Firipi akamupindura achiti, “Mazana maviri emari yemadhenari haigoni kutenga chingwa chinokwana kuti mumwe nomumwe awane kachidimbu.” Mumwe wavadzidzi vake ainzi Andireya, munun'una waSimoni Pita akati kwaari, “Pane mukomana ari pano ane zvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri asi zvingabatsirei panavanhu vakawanda kudai.” Jesu akati itii vanhu vagare pasi. Ipapo pakanga paine uswa hwakawanda. Varume vakagara pasi vainge zviuru zvishanu. Jesu ndokutora zvingwa zviya otenda Mwari ndokuzvigovera kuvanhu vakanga vakagara pasi. Akaita zvimwechetezvo nehove dziya. Akavapa pamadiro avo. Pavakanga vaguta akati vadzidzi vake vaunganidze zvimedu zvakasara kuitira kuti pashaye nechinoraswa. Saizvozvo vakazviunganidza vakazadza tswanda gumi nembiri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu zvakasiiwa navakadya vaya. Vanhu pavakaona chiratidzo chaakanga aita, vakati chokwadi uyu ndiye muporofita uya ainzi ari kuuya pasi pano. Zvino Jesu paakazviona kuti vakanga vavakuuya kuzomumanikidza kumuita mambo, Jesu akabva abvazve pavari akaenda kumakomo ari oga zvake pachake. Ava madeko, vadzidzi vake vakadzika kugungwa vakapinda mugwa vakatangisa kuyambuka gungwa vachienda kuKapenaumu. Izvozvo kwakanga kwasviba. Uye Jesu akanga asati auya kwavari. Gungwa rakanyanduka nokuda kwemhepo yaivhuvhuta nesimba. Vadzidzi pavakanga vakwasva kwamakiromita mashanu kana kuti matanhatu vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa achiuya pedyo negwa. Vakabva vabatwa nokutya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatye zvenyu.” Naizvozvo vakabva vafara kumugachira mugwa. Pakarepo igwa rakabva rasvika kumahombekombe ekwavaienda. Ramangwana racho, vanhu vaya vakasara kumhiri kwegungwa, vakazviona kuti pakanga pane igwa rimwechete chete ipapo. Uye kuti Jesu haana kunge apinda muigwa iroro pamwechete navadzidzi vake asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. Asi pane magwa akabva kuTibheriasi akasvikawo pedyo nenzvimbo yavakadya chingwa chiya mushure mokunge Tenzi ambotenda. Zvino vanhu pavakaona kuti Jesu akanga asipo pamwechete navadzidzi vake, ivo pachavo vakapinda mumagwa aye vakaenda kuKapenaumu kundotsvaka Jesu.
Johani 6:1-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo Jesu wakenda mhiri kweguŋgwa reGarirea, ndiro reTiberiasi. Ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera, nokuti ʋakaʋona ɀiratidzo ɀaaiita kuʋarwere. Jesu akakwira mugomo, akagara’mo naʋadzidzi ʋake. Paseka, mutambo waʋaJuda, wakaŋga uri pedyo. Ɀino Jesu wakati acitarira, akaʋona ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋaciʋuya kwaari, akati kunaFiripo: Tiŋgateŋgepiko ɀiŋgwa, kuti ʋanhu aʋa ʋadye? Wakareʋa iɀoɀo kuti amuidze, nokuti iye wakaziʋa amene ɀaakaŋga aciɗa kuita. Firipo akamupindura, aciti: Ɀiŋgwa ɀamadenari anamazana maʋiri haɀiŋgaʋariŋgani, kuti mumŋe nomumŋe atore ɀishoma. Ɀino mumŋe waʋadzidzi ʋake, Andreasi, munuŋuna waSimoni Petro, akati kwaari: Pano panomukomana, uneɀiŋgwa ɀishanu ɀebari nehoʋe mbiri; asi iɀi ɀiŋgakwanira sei ʋanhu ʋazhinji ʋakaɗai? Jesu akati: Garisai ʋanhu pasi. Ɀino kwakaŋga kunoʋuswa bguzhinji ipapo. Naiɀoɀo ʋarume ʋakagara pasi, kuwanda kwaʋo kuneŋge ɀuru ɀishanu. Ɀino Jesu akatora ɀiŋgwa; akaʋoŋga, akaɀipa ʋakaŋga ʋagere pasi; nehoʋe ʋo saiɀoɀo paʋaiɗa napo. Ɀino ʋakati ʋaguta, akati kuʋadzidzi ʋake: Ʋuŋganidzai ɀimeɗu ɀakasara, kuti kurege kurashika cinhu. Ipapo ʋakaɀiʋuŋganidza, ʋakazadza mateŋgu anegumi namaʋiri neɀimeɗu ɀeɀiŋgwa ɀishanu ɀebari, ɀakaŋga ɀasara kunaʋakadya. Ɀino ʋanhu ʋakati ʋaʋona ciratidzo caakaita, ʋakati: Ɀirokwaɀo uyu muprofita, unoʋuya panyika. Ɀino Jesu, ɀaakaziʋa kuti ʋoɗokuʋuya kumuɓata nesimba kuzomuita mambo, akabva ɀe, akaenda mugomo ari oga. Ɀino aʋa maɗekwana, ʋadzidzi ʋake ʋakaɓurukira kuguŋgwa; ʋakapinda mugwa, ʋakataŋga kuyambuka guŋgwa kuenda Kapernaume. Ɀino kwakaŋga kwaȿiɓa, asi Jesu wakaŋga asati aȿika kwaʋari. Guŋgwa rikataŋga kumutswa nemhepo huru yaivuvuta. Ɀino ʋakati ʋakwaȿa ɀikuru mastadia aneŋge makumi maʋiri namashanu, kana makumi matatu, ʋakaʋona Jesu acifamba pamsoro peguŋgwa, acisweɗera pedyo negwa; ʋakatya. Asi iye akati kwaʋari: Ndini, musatya. Ɀino ʋakafara kumugamucira mugwa, igwa rikaȿika pakarepo kunyika kwaʋakaŋga ʋacienda. Aʋa maŋgwana ʋanhu ʋazhinji, ʋakaŋga ʋamire mhiri kweguŋgwa, ʋakaʋona kuti pakaŋga pasinerimŋe igwa ɗuku ipapo, asi iro rimŋe makaŋga mapinda ʋadzidzi ʋake, mariri, ʋuye kuti Jesu haana‐kupinda mugwa naʋadzidzi ʋake, asi kuti ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaenda ʋoga. (Asi mamŋe magwa maɗuku akaŋga abva Tiberiasi, akaȿika pedyo paʋakadyira ɀiŋgwa, Ishe amboʋoŋga). Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaʋona, kuti Jesu haa’po, naʋadzidzi ʋake, ʋakapinda ʋamene mumagwa maɗuku, ʋakaȿika Kapernaume, ʋacitȿaka Jesu.
Johani 6:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)