Johani 4:9-14
Johani 4:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.) Jesu akamupindura akati, “Dai waiziva chipo chaMwari uye kuti ndiani anokumbira mvura kwauri, ungadai wakumbira kwaari uye angadai akupa mvura mhenyu.” Mukadzi akati, “Ishe, hamuna chamungacheresa nacho uye tsime rakadzika. Ko, mvura mhenyu mungaiwanepi? Ko, imi muri mukuru here, kuna baba vedu Jakobho, avo vakatipa tsime uye vakanwa pariri ivo pachavo, sezvakaitawo vanakomana vavo namakwai avo nemombe?” Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achava nenyotazve, asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.”
Johani 4:9-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari, “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria). Jesu akapindura, akati kwaari, “Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri, ndipeiwo ndinwe, ungadai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, hamuna chamungachera nacho, tsime rakadzika, zvino mvura mhenyu mungaiwanepiko? Ko muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime iri, vakanwa pariri vamene navanakomana vavo nezvipfuwo zvavo?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Mumwe nomumwe, anonwa mvura iyi, achava nenyotazve. Asi ani naani, anonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi; asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.”
Johani 4:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mukadzi uya wechiSamaria akati kwaari, “Zvauya sei kuti imi muJudha mukumbire mvura yokunwa kuneni mukadzi wechiSamaria.” Aidaro nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria. Jesu akamupindura achiti: “Dai wanga uchiziva kuti Mwari ari kuda kukupei uye kuti ndiani ari kukuti ndipewo mvura yokunwa, ungatodai uriwe wamukumbira iye achikupa mvura mhenyu.” Mukadzi uya akati kwaari, “Changamire inga hamuna chokuchera nacho wani uye tsime rakadzika iyo mvura mhenyu yacho munoiwanepi? Muri mukuru here pana Baba vedu Jakobho akatipa tsimwe iri naivoo pachavo vakanwa mariri navana vavo nezvipfuwo zvavo?” Jesu akati kwaari, “Munhu anonwa mvura iyi achava nenyotazve. Asi munhu wose anonwa mvura yandinomupa, haambofa akaita nyotazve, mvura yandichamupa ichava chisipiti chemvura maari inoramba ichibvinina kusvikira kuupenyu husingaperi.”
Johani 4:9-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko iwe muJuda, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria? (Nokuti ʋaJuda haʋafambidzani naʋaSamaria). Jesu akapindura, akati kwaari: Ƌai waiziʋa cipo caMŋari, ʋuye kuti ndiani unoti kwauri, ndipei ʋo ndinwe, uŋgaɗai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu. Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna‐camuŋgacera naco, tsime rakadzika, ɀino mvura mhenyu muŋgaiwanepiko? Ko muri mukuru kunaɓaɓa ʋeɗu Jakobo, ʋakatipa tsime iri, ʋakanwa pariri ʋamene naʋanakomana ʋaʋo neɀipfuwo ɀaʋo? Jesu akapindura, akati kwaari: Mumŋe nomumŋe, unonwa mvura iyi, ucaʋa nenyota ɀe. Asi aninani, unonwa mvura yandicamupa ini, haacazoʋi nenyota nokusiŋgaperi; asi mvura, yandicamupa, icaʋa mukati make tsime remvura, inovaira kuʋupenyu bgusiŋgaperi.
Johani 4:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)