Johani 4:43-54
Johani 4:43-54 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mazuva maviri akati apfuura, akabva akaenda kuGarirea. Zvino Jesu pachake akanga ambopupura kuti muprofita haakudzwi munyika yokwake. Akati asvika muGarirea, vaGarirea vakamugamuchira. Vakanga vaona zvose zvaakanga aita muJerusarema pamutambo wePasika, nokuti naivowo vaivapo. Akashanyirazve Kana yomuGarirea, uko kwaakanga ashandura mvura ikava waini. Uye ikoko kwakanga kuno mumwe mutariri wamambo akanga ane mwanakomana wake akanga avete achirwara paKapenaume. Murume uyu akati anzwa kuti Jesu asvika muGarirea achibva kuJudhea, akaenda kwaari akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake, uyo akanga ava pedyo nokufa. Jesu akati kwaari, “Kana imi vanhu musina kuona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.” Mutariri wamambo akati, “Ishe, burukai muuye mwana wangu asati afa.” Jesu akapindura akati, “Enda hako. Mwanakomana wako achararama.” Murume uyu akagamuchira shoko raJesu akaenda. Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mukomana akanga apora. Akati abvunza nguva yakatanga mwana kunzwa zviri nani, ivo vakati kwaari, “Fivha yakabva paari nezuro panguva dzechinomwe.” Ipapo baba vaya vakayeuka kuti ndiyo yakanga iri nguva chaiyo paakanzi naJesu, “Mwanakomana wako achararama.” Saka iye neimba yake yose vakatenda. Ichi ndicho chakanga chiri chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva kuJudhea ava kuGarirea.
Johani 4:43-54 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva maviri akati apfuura, akabvapo; akaenda Gariria. Nokuti Jesu amene akapupura, kuti muporofita haakudzwi munyika yake. Zvino akati achisvika Gariria, vaGariria vakamugamuchira, nokuti vakanga vaona zvose zvaakaita Jerusaremu pamutambo wePasika, nokuti naivo vakanga vaendawo kumutambo wePasika. Zvino Jesu akasvikazve paKana yeGariria, paakanga ashandura mvura ikaita waini. Ipapo pakanga panorimwe gurukota raishe, mwanakomana wake akanga achirwara paKapenaume. Iye akati achinzwa kuti Jesu abva Judhea, asvika Gariria, akaenda kwaari, akamunyengetera kuti aburuke kundoporesa mwanakomana wake; nokuti akanga achitandadza. Zvino Jesu akati kwaari, “Kana musingaoni zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.” Gurukota raishe rakati kwaari, “Ishe, burukai henyu, mwana wangu asati afa.” Jesu akati kwaari, “Enda hako, mwanakomana wako mupenyu.” Munhu uyu akatenda shoko rakarehwa naJesu kwaari, akaenda. Akati achaburuka, varanda vake vakasangana naye, vakati, “Mwana wenyu mupenyu.” Zvino akavabvunza nguva yaakatanga kunaya nayo. Vakati kwaari, “Zuro nenguva yechinomwe fivha yakabva kwaari.” Zvino baba vakaziva kuti ndiyo nguva Jesu yaakati kwaari, “Mwanakomana wako mupenyu.” Iye akatenda nemhuri yake yose. Ichi ndicho chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva Judhea, asvika Gariria.
Johani 4:43-54 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure memazuva maviri aya akaenda kuGarirea. Iye Jesu pachake akanga ambopupurawo kuti, “Muporofita haaremekedzwi munyika make.” Paakasvika kuGarirea, vaGarirea vakamugamuchira nokuti vakanga vaona zvose zvaakaita kuJerusaremu pamazuva makuru nokuti naivowo vakanga vaenda kumazuva makuru iwayo. Akaendazve kuKana yokuGarirea kwaakanga asandura mvura ikava waini. KuKapenaumu kwaiva negurukota rairwarirwa nomwana mukomana. Murume uyu paakanzwa kuti Jesu akanga auya kuGarirea achibva kuJudhea akaenda akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake nokuti akanga avapedyo nokufa. Saizvozvo akati kwaari, “Kana musina kuona zviratidzo nezvishamiso hamutendi.” Gurukota riya rakati kwaari, “Changamire uyai mwana wangu asati afa.” Jesu akati, “Chiendai zvenyu mwana wenyu achararama.” Murume uya akadavira zvaakaudzwa naJesu akabva aenda. Paakanga avakudzika vashandi vake vakasangana naye vakamuudza kuti, “Mwana wake akanga ararama.” Naizvozvo akabvunza nguva yaakatangisa kuita zvakanaka. Vakati kwaari, “Denda rakamusiya nezuro panguva dzahwani masikati.” Baba ava vakabva vazviziva kuti ndiyo nguva iya Jesu yaakataura kuti Mwana wenyu achararama. Naizvozvo iye pamwechete nevemhuri yake yose, akatenda. Ichi ndicho chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu paakabva kuJudhea achiuya kuGarirea.
Johani 4:43-54 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa maʋiri akati apfuʋura, akabva’po; akaenda Garirea Nokuti Jesu amene wakapupura, kuti muprofita haakudzwi munyika yake. Ɀino wakati aciȿika Garirea, ʋaGarirea ʋakamugamucira, nokuti ʋakaŋga ʋaʋona ɀose ɀaakaita Jerusarema pamutambo, nokuti naiʋo ʋakaŋga ʋaenda ʋo kumutambo. Ɀino Jesu wakaȿika ɀe paKana yeGarirea, paakaŋga ashandura mvura ikaita waini. Ipapo pakaŋga panomumŋe mutariri washe, mŋanakomana wake wakaŋga acirwara paKapernaume. Iye wakati acinzwa kuti Jesu wabva Judea, waȿika Garirea, akaenda kwaari, akamunyeŋgetera kuti aɓuruke kundoporesa mŋanakomana wake; nokuti wakaŋga wotandadza. Ɀino Jesu akati kwaari: Kana musiŋgaʋoni ɀiratidzo neɀishamiso, hamuŋgatoŋgotendi. Mutariri washe akati kwaari: Ishe, ɓurukai henyu, mŋana waŋgu asati afa. Jesu akati kwaari: Enda hako, mŋanakomana wako mupenyu. Munhu uyu akatenda shoko rakarebga naJesu kwaari, akaenda. Wakati acaɓuruka, ʋaranda ʋake ʋakasoŋgana naye, ʋakati: Mŋana wenyu mupenyu. Ɀino akaʋabvunza ŋguʋa yaakataŋga kunaya nayo. Ʋakati kwaari: Zuro neŋguʋa yecinomŋe fiviri yakabva kwaari. Ɀino ɓaɓa ʋakaziʋa kuti ndiyo ŋguʋa Jesu yaakati kwaari: Mŋanakomana wako mupenyu. Iye akatenda nemhuri yake yose. Ici ndico ciratidzo cecipiri cakaitwa naJesu, abva Judea, aȿika Garirea.
Johani 4:43-54 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)