Johani 4:4-10
Johani 4:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino akanga achifanira kupfuura nomuSamaria. Saka akasvika paguta romuSamaria rainzi Saika, pedyo nomunda wakanga wapiwa kuna Josefa nababa vake Jakobho. Tsime raJakobho raiva ipapo, uye Jesu, aneta sezvo akanga achibva parwendo, akagara pasi patsime ipapo. Yakanga iri nguva inenge yechitanhatu. Mukadzi muSamaria akati auya kuzochera mvura, Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa?” (Vadzidzi vake vakanga vapinda muguta kuti vandotenga zvokudya.) Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.) Jesu akamupindura akati, “Dai waiziva chipo chaMwari uye kuti ndiani anokumbira mvura kwauri, ungadai wakumbira kwaari uye angadai akupa mvura mhenyu.”
Johani 4:4-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akanga achifanira kupfuura neSamaria. Zvino akasvika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedyo nemunda wakanga wapa Jakobho mwanakomana wake Josefa. Tsime raJakobho rakanga riripo. Zvino Jesu aneta nokufamba, ndokungogara zvake patsime. Yaiva nguva inenge yechitanhatu. Zvino mumwe mukadzi weSamaria akasvikapo kuzochera mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipeiwo, ndinwe.” Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga zvokudya. Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari, “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria). Jesu akapindura, akati kwaari, “Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri, ndipeiwo ndinwe, ungadai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.”
Johani 4:4-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Aifanira kutopfuura nomuSamaria. Nezvo akasvika nomuguta reSamaria rinonzi Sukari riri pedyo nomunda wakapa Jakobho kuna Josefi mwana wake. Ipapo paiva netsime raJakobho naizvozvo Jesu zvaakanga aneta nerwendo rwake akagara pedyo netsime iroro. Yakanga iri nguva yokunge zuva rorova panhongonya. Pakauya mumwe mukadzi wechiSamaria? Ipapo kuzoteka mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa.” Izvozvo vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga chokudya. Mukadzi uya wechiSamaria akati kwaari, “Zvauya sei kuti imi muJudha mukumbire mvura yokunwa kuneni mukadzi wechiSamaria.” Aidaro nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria. Jesu akamupindura achiti: “Dai wanga uchiziva kuti Mwari ari kuda kukupei uye kuti ndiani ari kukuti ndipewo mvura yokunwa, ungatodai uriwe wamukumbira iye achikupa mvura mhenyu.”
Johani 4:4-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakaŋga acifanira kupfuʋura neSamaria. Ɀino akaȿika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedyo nenyika yakaŋga yapa Jakobo mŋanakomana wake Josefa. Tsime raJakobo rakaŋga riri’po. Ɀino Jesu aneta nokufamba, ndokuŋgogara ɀake patsime. Yaiʋa ŋguʋa ineŋge yecitanhatu. Ɀino mumŋe mukadzi weSamaria akaȿika’po kuzocera mvura. Jesu akati kwaari: Ndipeiʋo, ndinwe. Nokuti ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaenda muguta kundoteŋga ɀokudya. Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko iwe muJuda, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria? (Nokuti ʋaJuda haʋafambidzani naʋaSamaria). Jesu akapindura, akati kwaari: Ƌai waiziʋa cipo caMŋari, ʋuye kuti ndiani unoti kwauri, ndipei ʋo ndinwe, uŋgaɗai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.
Johani 4:4-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)