Johani 4:27-30
Johani 4:27-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakarepo vadzidzi vake vakadzokera kwaari uye vakashamiswa vachiona achitaura nomukadzi. Asi hapana akamubvunza kuti, “Unodei?” kana kuti “Munotaurireiko naye?” Ipapo, asiya chirongo chake, mukadzi akadzokera kuguta akandoti kuvanhu, “Uyai, muone murume anditaurira zvinhu zvose zvandakaita. Kuti uyu angava iye Kristu here?” Vakabuda muguta vakapinda munzira yavo vakananga kwaari.

Johani 4:27-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa vachiona kuti anotaurirana nomukadzi; kunyange zvakadaro hakuna mumwe akati, “Munotsvakeiko kwaari?” Kana, “Munotaurireiko naye?” Ipapo mukadzi akasiya chirongo chake, akaenda muguta, akati kuvanhu, “Uyai muone munhu, akandiudza zvose zvandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here?” Vakabuda muguta, vakaenda kwaari.
Johani 4:27-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo ndipo pakabva pauya vadzidzi vake. Vakashamiswa kuti aitaura nomunhukadzi. Asi hapana akati, “Munodei kwaari?” Kana kuti, “Munotaurirei naye?” Naizvozvo mukadzi uya akasiya chirongo chake akaenda muguta akati kuvanhu, “Uyai muone munhu anditaurira zvose zvandakaita. Angave iye Kristu here?” Vanhu vakabuda muguta vachienda kwaari.
Johani 4:27-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakaȿika, ʋakashamiswa ʋaciʋona kuti unotaurirana nomukadzi; kunyaŋge ɀakaɗaro hakunomumŋe wakati: Munotȿakeiko? Kana: Munotaurireiko naye? Ipapo mukadzi akasiya ciroŋgo cake, akaenda muguta, akati kuʋanhu: Ʋuyai muʋone munhu, wakandiʋudza ɀose ɀandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here? Ʋakaɓuɗa muguta, ʋakaenda kwaari.
Johani 4:27-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)