Johani 4:25-42
Johani 4:25-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mukadzi akati, “Ndinoziva kuti Mesiya, anonzi Kristu, ari kuuya. Paanouya, acharondedzera zvinhu zvose kwatiri.” Ipapo Jesu akataura akati, “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.” Pakarepo vadzidzi vake vakadzokera kwaari uye vakashamiswa vachiona achitaura nomukadzi. Asi hapana akamubvunza kuti, “Unodei?” kana kuti “Munotaurireiko naye?” Ipapo, asiya chirongo chake, mukadzi akadzokera kuguta akandoti kuvanhu, “Uyai, muone murume anditaurira zvinhu zvose zvandakaita. Kuti uyu angava iye Kristu here?” Vakabuda muguta vakapinda munzira yavo vakananga kwaari. Vanhu vasati vasvika, vadzidzi vake vakafanomukurudzira vachiti, “Rabhi, imbowanai chamungadya.” Asi iye akati kwavari, “Ndine chokudya chandinodya chamusingazivi.” Ipapo vadzidzi vake vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Asi pano munhu amuvigira zvokudya kanhi?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake. Ko, imi hamuti here, ‘Kwasara mwedzi mina ipapo kucheka kwobva kwasvika?’ Ndinoti kwamuri, svinurai meso enyu uye mutarise kuminda! Yatoibva kuti ikohwewe. Kunyange iye zvino mukohwi anopiwa mubayiro wake, kunyange izvozvi anokohwa zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuitira kuti mukushi nomukohwi vagofara pamwe chete. Nokuti tsumo inoti, ‘Mumwe anokusha uye mumwe anokohwa ndeyezvokwadi.’ Ndakakutumai kunokohwa zvamusina kushandira. Vamwe vakaita basa rakaoma, uye imi makakohwa mubayiro wokubata kwavo.” VaSamaria vazhinji vaibva muguta iro vakatenda kwaari nokuda kwouchapupu hwomukadzi hwokuti, “Akanditaurira zvose zvandakaita.” Saka vaSamaria vakasvika kwaari, vakamukumbira kuti agare navo, nokudaro akagarapo kwamazuva maviri. Uye nokuda kwamashoko ake vamwezve vazhinji vakava vatendi. Vakati kumukadzi uya, “Hatichatongotendi nokuda kwezvawataura chete; zvino tazvinzwira pachedu, uye tinoziva kuti murume uyu chokwadi ndiye Muponesi wenyika.”
Johani 4:25-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mukadzi akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesiasi anouya, anonzi Kristu; kana iye asvika, uchatiudza zvose.” Jesu akati kwaari, “Ini, ndinotaura newe, ndini iye.” Zvino vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa vachiona kuti anotaurirana nomukadzi; kunyange zvakadaro hakuna mumwe akati, “Munotsvakeiko kwaari?” Kana, “Munotaurireiko naye?” Ipapo mukadzi akasiya chirongo chake, akaenda muguta, akati kuvanhu, “Uyai muone munhu, akandiudza zvose zvandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here?” Vakabuda muguta, vakaenda kwaari. Nenguva iyo vadzidzi vake vakafanomunyengetera, vachiti, “Rabhi, chidyai.” Iye akati kwavari, “Ini ndine zvokudya, zvandinodya, zvamusingazivi.” Zvino vadzidzi vakataurirana, vachiti, “Kasi mumwe amuvigira zvokudya kanhi?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwoakandituma, nokupedza basa rake. Ko imi hamuti, ‘Kwasara mwedzi mina, kukohwa kwasvika?’ Tarirai, ini ndinoti kwamuri, simudzai meso enyu, onai minda, kuti yatochena kuti ikohwiwe. Anocheka anopiwa mubayiro, anounganidza mbesanwa muupenyu husingaperi; kuti anokusha naanocheka vafare vose. Nokuti tsumo ndeyechokwadi, inoti, ‘Mumwe anokusha, mumwe achikohwa.’ Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kubindukira; vamwe vakabindukira, zvino imi mapinda pane zvavakabindukira ivo.” Zvino vaSamaria vazhinji veguta iro vakatenda kwaari neshoko romukadzi, akapupura, achiti, “Andiudza zvose zvandakaita.” Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetera kuti agare navo; akagarapo mazuva maviri. Navamwe vazhinji vakatenda neshoko rake. Vakati kumukadzi, “Hatichatendi nokureva kwako; tazvinzwira timene, tinoziva kuti uye ndiye Muponesi wapasi pose.”
Johani 4:25-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mukadzi uya akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesia ari kuuya iye anonzi Kristu. Kana auya achatiratidza zvinhu zvose.” Jesu akati kwaari, “Iyeni ndiri kutaura kwauri ndini iye.” Ipapo ndipo pakabva pauya vadzidzi vake. Vakashamiswa kuti aitaura nomunhukadzi. Asi hapana akati, “Munodei kwaari?” Kana kuti, “Munotaurirei naye?” Naizvozvo mukadzi uya akasiya chirongo chake akaenda muguta akati kuvanhu, “Uyai muone munhu anditaurira zvose zvandakaita. Angave iye Kristu here?” Vanhu vakabuda muguta vachienda kwaari. Izvozvo vadzidzi vake vakanga vachimunyengetedza vachiti, “Rabhi chimbodyai.” Asi iye akavati, “Ndine chokudya chamusingazivi.” Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti, “Pane amuunzira chokudya here?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu kuita zvinodiwa naiye akandituma uye kupedza basa rake. Handiti munoti, ‘Kwasara mwedzi mina kukohwa kwobva kwauya?’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Simudzai musoro muone kuti minda yatsvuka, yoda kukohwiwa. Mukohwi ava kuwana mubayiro wake uchaunganidza muchero wokuupenyu husingaperi zvokuti mudyari nomukohwi vafare pamwechete.’ Pano apa tsumo iya inotaura chokwadi inoti, ‘Mumwe mudyari, mumwe mukohwi.’ Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kushandira; vamwe ndivo vakashanda; imi mukapinda mumubayiro webasa ravamwe.” VaSamaria vazhinji vaibva muguta iroro vakatenda maari pamusana pouchapupu hwomudzimai uya akati “Wanditaurira zvose zvandakaita.” Naizvozvo vaSamaria pavakauya kwaari vakamukumbira kuti ambogara navo. Akagaramo kwamazuva maviri. Vamwe vazhinjiwo vakatenda nokuda kwamazwi ake. Vakati kumudzimai uya, “Zvino hatitendi pamusana pamazwi ako nokuti isu tazvinzwira toga. Tavakuziva kuti zvechokwadi uyu ndiye Muponesi wapasi pose.”
Johani 4:25-42 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mukadzi akati kwaari: Ndinoziʋa kuti Mesiasi unoʋuya, unonzi Kristu; kana iye aȿika, ucatiʋudza ɀose. Jesu akati kwaari: Ini, ndinotaura newe, ndini iye. Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakaȿika, ʋakashamiswa ʋaciʋona kuti unotaurirana nomukadzi; kunyaŋge ɀakaɗaro hakunomumŋe wakati: Munotȿakeiko? Kana: Munotaurireiko naye? Ipapo mukadzi akasiya ciroŋgo cake, akaenda muguta, akati kuʋanhu: Ʋuyai muʋone munhu, wakandiʋudza ɀose ɀandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here? Ʋakaɓuɗa muguta, ʋakaenda kwaari. Neŋguʋa iyo ʋadzidzi ʋake ʋakafano‐munyeŋgetera, ʋaciti: Rabi, cidyai. Iye akati kwaʋari: Ini ndineɀokudya, ɀandinodya, ɀamusiŋgaziʋi. Ɀino ʋadzidzi ʋakataurirana, ʋaciti: Kasi mumŋe wamuʋigira ɀokudya kanhi? Jesu akati kwaʋari: Ɀokudya ɀaŋgu ndiɀo, kuti ndiite kuɗa kwowakandituma, nokupedza ɓasa rake. Ko imi hamuti: Kwasara mŋedzi minna, kuceka kwaȿika? Tarirai, ini ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, ʋonai minda, kuti yatoibvira kuceka. Unoceka unopiwa muɓairo, unoʋuŋganidza ɀiɓereko muʋupenyu bgusiŋgaperi; kuti unokusha nounoceka ʋafare ʋose. Nokuti shumo ndeyaɀokwaɗi, inoti: Mumŋe unokusha, mumŋe aciceka. Ndakakutumai kundoceka ɀamusakaɓatira; ʋamŋe ʋakaɓata, ɀino imi mapinda paneɀaʋakaɓatira iʋo. Ɀino ʋaSamaria ʋazhinji ʋeguta iro ʋakatenda kwaari neshoko romukadzi, wakapupura, aciti: Wandiʋudza ɀose ɀandakaita. Ɀino ʋaSamaria ʋakati ʋaciȿika kwaari, ʋakamunyeŋgetera kuti agare naʋo; akagara’po mazuʋa maʋiri. Naʋamŋe ʋazhinji ʋakatenda neshoko rake. Ʋakati kumukadzi: Haticatendi nokureʋa kwako; taɀinzwira timene, tinoziʋa kuti uyu ndiye Muponesi wenyika ɀirokwaɀo.
Johani 4:25-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)