Johani 4:14-17
Johani 4:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi kuitira kuti ndirege kuzova nenyotazve uye ndirege kuramba ndichingouya kuzochera mvura pano.” Iye akati, “Enda, undodana murume wako ugodzoka pano.” Akapindura akati, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka pawati hauna murume.
Johani 4:14-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi ani naani, anonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi; asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuuya kuchera pano.” Jesu akati kwaari, “Enda, undodana murume wako, ugouya pano.” Mukadzi akapindura, akati kwaari, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka, zvawati, ‘Handina murume.’
Johani 4:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi munhu wose anonwa mvura yandinomupa, haambofa akaita nyotazve, mvura yandichamupa ichava chisipiti chemvura maari inoramba ichibvinina kusvikira kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Changamire ndipeiwo zvangu mvura iyoyo, kuti ndirege kuva nenyota zvakare kana kuzouya kuno kuzoteka mvura.” Jesu akamuti, “Enda undodana murume wako uuye kuno.” Mukadzi akamupindura achiti, “Handina murume ini.” Jesu akati kwaari, “Wataura zvakanaka kuti, ‘Handina murume,’
Johani 4:14-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi aninani, unonwa mvura yandicamupa ini, haacazoʋi nenyota nokusiŋgaperi; asi mvura, yandicamupa, icaʋa mukati make tsime remvura, inovaira kuʋupenyu bgusiŋgaperi. Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzoʋa nenyota, kana kuʋuya kucera pano. Jesu akati kwaari: Enda, undoɗana murume wako, ugoʋuya pano. Mukadzi akapindura, akati kwaari: Handinomurume. Jesu akati kwaari: Wareʋa ɀakanaka, ɀawati: Handinomurume.
Johani 4:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)