Johani 4:11-15
Johani 4:11-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mukadzi akati, “Ishe, hamuna chamungacheresa nacho uye tsime rakadzika. Ko, mvura mhenyu mungaiwanepi? Ko, imi muri mukuru here, kuna baba vedu Jakobho, avo vakatipa tsime uye vakanwa pariri ivo pachavo, sezvakaitawo vanakomana vavo namakwai avo nemombe?” Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achava nenyotazve, asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi kuitira kuti ndirege kuzova nenyotazve uye ndirege kuramba ndichingouya kuzochera mvura pano.”
Johani 4:11-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mukadzi akati kwaari, “Ishe, hamuna chamungachera nacho, tsime rakadzika, zvino mvura mhenyu mungaiwanepiko? Ko muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime iri, vakanwa pariri vamene navanakomana vavo nezvipfuwo zvavo?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Mumwe nomumwe, anonwa mvura iyi, achava nenyotazve. Asi ani naani, anonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi; asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuuya kuchera pano.”
Johani 4:11-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mukadzi uya akati kwaari, “Changamire inga hamuna chokuchera nacho wani uye tsime rakadzika iyo mvura mhenyu yacho munoiwanepi? Muri mukuru here pana Baba vedu Jakobho akatipa tsimwe iri naivoo pachavo vakanwa mariri navana vavo nezvipfuwo zvavo?” Jesu akati kwaari, “Munhu anonwa mvura iyi achava nenyotazve. Asi munhu wose anonwa mvura yandinomupa, haambofa akaita nyotazve, mvura yandichamupa ichava chisipiti chemvura maari inoramba ichibvinina kusvikira kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Changamire ndipeiwo zvangu mvura iyoyo, kuti ndirege kuva nenyota zvakare kana kuzouya kuno kuzoteka mvura.”
Johani 4:11-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna‐camuŋgacera naco, tsime rakadzika, ɀino mvura mhenyu muŋgaiwanepiko? Ko muri mukuru kunaɓaɓa ʋeɗu Jakobo, ʋakatipa tsime iri, ʋakanwa pariri ʋamene naʋanakomana ʋaʋo neɀipfuwo ɀaʋo? Jesu akapindura, akati kwaari: Mumŋe nomumŋe, unonwa mvura iyi, ucaʋa nenyota ɀe. Asi aninani, unonwa mvura yandicamupa ini, haacazoʋi nenyota nokusiŋgaperi; asi mvura, yandicamupa, icaʋa mukati make tsime remvura, inovaira kuʋupenyu bgusiŋgaperi. Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzoʋa nenyota, kana kuʋuya kucera pano.
Johani 4:11-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)