Johani 4:1-15
Johani 4:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaFarisi vakanzwa kuti Jesu akanga achiteverwa navanhu vazhinji uye achibhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johani, kunyange zvake akanga asiri Jesu aibhabhatidza, asi vadzidzi vake. Ishe akati anzwa izvi, akabva kuJudhea akadzokera kuGarirea zvakare. Zvino akanga achifanira kupfuura nomuSamaria. Saka akasvika paguta romuSamaria rainzi Saika, pedyo nomunda wakanga wapiwa kuna Josefa nababa vake Jakobho. Tsime raJakobho raiva ipapo, uye Jesu, aneta sezvo akanga achibva parwendo, akagara pasi patsime ipapo. Yakanga iri nguva inenge yechitanhatu. Mukadzi muSamaria akati auya kuzochera mvura, Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa?” (Vadzidzi vake vakanga vapinda muguta kuti vandotenga zvokudya.) Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.) Jesu akamupindura akati, “Dai waiziva chipo chaMwari uye kuti ndiani anokumbira mvura kwauri, ungadai wakumbira kwaari uye angadai akupa mvura mhenyu.” Mukadzi akati, “Ishe, hamuna chamungacheresa nacho uye tsime rakadzika. Ko, mvura mhenyu mungaiwanepi? Ko, imi muri mukuru here, kuna baba vedu Jakobho, avo vakatipa tsime uye vakanwa pariri ivo pachavo, sezvakaitawo vanakomana vavo namakwai avo nemombe?” Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achava nenyotazve, asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi kuitira kuti ndirege kuzova nenyotazve uye ndirege kuramba ndichingouya kuzochera mvura pano.”
Johani 4:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Ishe akati aziva kuti vaFarisi vakanga vanzwa kuti Jesu akaita nokubhabhatidza vadzidzi kupfuura Johani, kunyange Jesu akanga asingabhabhatidzi amene, asi vadzidzi vake, akabva Judhea, akaendazve Gariria. Akanga achifanira kupfuura neSamaria. Zvino akasvika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedyo nemunda wakanga wapa Jakobho mwanakomana wake Josefa. Tsime raJakobho rakanga riripo. Zvino Jesu aneta nokufamba, ndokungogara zvake patsime. Yaiva nguva inenge yechitanhatu. Zvino mumwe mukadzi weSamaria akasvikapo kuzochera mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipeiwo, ndinwe.” Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga zvokudya. Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari, “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria). Jesu akapindura, akati kwaari, “Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri, ndipeiwo ndinwe, ungadai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, hamuna chamungachera nacho, tsime rakadzika, zvino mvura mhenyu mungaiwanepiko? Ko muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime iri, vakanwa pariri vamene navanakomana vavo nezvipfuwo zvavo?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Mumwe nomumwe, anonwa mvura iyi, achava nenyotazve. Asi ani naani, anonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi; asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuuya kuchera pano.”
Johani 4:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakaziva kuti vaFarisei vakanga vanzwa kuti Jesu ari kuwana vadzidzi vazhinji uye kuti ari kuombeka vadzidzi vakawanda kupinda Johani kunyange zvazvo Jesu pachake akanga asingaombeki asi vadzidzi vake. Akabva abva kuJudhea akaendazve kuGarirea. Aifanira kutopfuura nomuSamaria. Nezvo akasvika nomuguta reSamaria rinonzi Sukari riri pedyo nomunda wakapa Jakobho kuna Josefi mwana wake. Ipapo paiva netsime raJakobho naizvozvo Jesu zvaakanga aneta nerwendo rwake akagara pedyo netsime iroro. Yakanga iri nguva yokunge zuva rorova panhongonya. Pakauya mumwe mukadzi wechiSamaria? Ipapo kuzoteka mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa.” Izvozvo vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga chokudya. Mukadzi uya wechiSamaria akati kwaari, “Zvauya sei kuti imi muJudha mukumbire mvura yokunwa kuneni mukadzi wechiSamaria.” Aidaro nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria. Jesu akamupindura achiti: “Dai wanga uchiziva kuti Mwari ari kuda kukupei uye kuti ndiani ari kukuti ndipewo mvura yokunwa, ungatodai uriwe wamukumbira iye achikupa mvura mhenyu.” Mukadzi uya akati kwaari, “Changamire inga hamuna chokuchera nacho wani uye tsime rakadzika iyo mvura mhenyu yacho munoiwanepi? Muri mukuru here pana Baba vedu Jakobho akatipa tsimwe iri naivoo pachavo vakanwa mariri navana vavo nezvipfuwo zvavo?” Jesu akati kwaari, “Munhu anonwa mvura iyi achava nenyotazve. Asi munhu wose anonwa mvura yandinomupa, haambofa akaita nyotazve, mvura yandichamupa ichava chisipiti chemvura maari inoramba ichibvinina kusvikira kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Changamire ndipeiwo zvangu mvura iyoyo, kuti ndirege kuva nenyota zvakare kana kuzouya kuno kuzoteka mvura.”
Johani 4:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Ishe wakati aziʋa kuti ʋaFarise ʋakaŋga ʋanzwa kuti Jesu wakaita nokubapatidza ʋadzidzi kupfuʋura Johane, (kunyaŋge Jesu wakaŋga asiŋgabapatidzi amene, asi ʋadzidzi ʋake), akabva Judea, akaenda ɀeGarirea. Wakaŋga acifanira kupfuʋura neSamaria. Ɀino akaȿika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedyo nenyika yakaŋga yapa Jakobo mŋanakomana wake Josefa. Tsime raJakobo rakaŋga riri’po. Ɀino Jesu aneta nokufamba, ndokuŋgogara ɀake patsime. Yaiʋa ŋguʋa ineŋge yecitanhatu. Ɀino mumŋe mukadzi weSamaria akaȿika’po kuzocera mvura. Jesu akati kwaari: Ndipeiʋo, ndinwe. Nokuti ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaenda muguta kundoteŋga ɀokudya. Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko iwe muJuda, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria? (Nokuti ʋaJuda haʋafambidzani naʋaSamaria). Jesu akapindura, akati kwaari: Ƌai waiziʋa cipo caMŋari, ʋuye kuti ndiani unoti kwauri, ndipei ʋo ndinwe, uŋgaɗai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu. Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna‐camuŋgacera naco, tsime rakadzika, ɀino mvura mhenyu muŋgaiwanepiko? Ko muri mukuru kunaɓaɓa ʋeɗu Jakobo, ʋakatipa tsime iri, ʋakanwa pariri ʋamene naʋanakomana ʋaʋo neɀipfuwo ɀaʋo? Jesu akapindura, akati kwaari: Mumŋe nomumŋe, unonwa mvura iyi, ucaʋa nenyota ɀe. Asi aninani, unonwa mvura yandicamupa ini, haacazoʋi nenyota nokusiŋgaperi; asi mvura, yandicamupa, icaʋa mukati make tsime remvura, inovaira kuʋupenyu bgusiŋgaperi. Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzoʋa nenyota, kana kuʋuya kucera pano.
Johani 4:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)