Johani 3:31-36
Johani 3:31-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Uyo anobva kumusoro ndiye ari pamusoro pavose; uyo anobva panyika ndowenyika, uye anotaura somunhu anobva panyika. Uyo anobva kudenga ndiye ari pamusoro pavose. Iye anopupura zvaakaona nezvaakanzwa, asi hakuna munhu anogamuchira uchapupu hwake. Munhu anohugamuchira, anopupura kuti Mwari ndowechokwadi. Nokuti uyo akatumwa naMwari anotaura mashoko aMwari, nokuti Mwari anopa Mweya asingayeri. Baba vanoda Mwanakomana uye vakaisa zvose mumaoko ake. Ani naani anotenda muMwanakomana ano upenyu husingaperi, asi ani naani anoramba Mwanakomana haangaoni upenyu, nokuti kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.”
Johani 3:31-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Anobva kumusoro ndiye uri pamusoro pavose; noanobva panyika ndowenyika, anotaura zvenyika; anobva kudenga ndiye ari pamusoro pavose. Zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu anogamuchira kupupura kwake. Uyo akagamuchira kupupura kwake, akasimbisa kuti Mwari ndowechokwadi. Nokuti akatumwa naMwari, ndiye anotaura mashoko aMwari; nokuti haapi Mweya asina mwero. Baba vanoda Mwanakomana, vakamupa zvose muruoko rwake. Anotenda Mwanakomana, ano upenyu husingaperi; asi asingatereri Mwanakomana, haangaoni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.
Johani 3:31-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Iye anobva kumusoro ari pamusoro pavose. Wapanyika ndewapanyika uye anotaura nezvapanyika; uyo anobva kudenga ari pamusoro pavose. Zvaakaona nezvaakanzwa ndizvo zvaanopupura asi uchapupu hwake ihwohwo hauna anohugamuchira. Munhu anogamuchira uchapupu hwake ihwohwo anotsinhira kuti, Mwari ari pachokwadi. Nokuti akatumwa naMwari anotaura mazwi aMwari nokuti Mwari haana kumupa Mweya achiita zvokuera. Baba vanoda Mwanakomana uye vakaisa zvinhu zvose mumaoko ake. Anotenda muna Mwanakomana anoupenyu husingaperi uyo asingateereri Mwanakomana haamboona upenyu asi hasha dzaMwari dzichanangana naye.”
Johani 3:31-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unobva kumsoro ndiye uri pamsoro paʋose; nounobva panyika ndowenyika, unotaura ɀenyika; unobva kuɗeŋga ndiye uri pamsoro paʋose. Ɀaakaʋona neɀaakanzwa, ndiɀo ɀaanopupura; asi hakunomunhu unogamucira kupupura kwake. Uyo wakagamucira kupupura kwake, wakasimbisa kuti Mŋari ndowaɀokwaɗi. Nokuti wakatumŋa naMŋari, ndiye unotaura mashoko aMŋari; nokuti haapi Mŋeya aciyera. Ƃaɓa ʋanoɗa Mŋanakomana, ʋakamupa ɀose muruʋoko rwake. Unotenda kuMŋanakomana, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; asi usiŋgatereri Mŋanakomana, haaŋgaʋoni ʋupenyu, asi kutsamŋa kwaMŋari kunogara pamsoro pake.
Johani 3:31-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)