Johani 3:3-8
Johani 3:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva.” Nikodhimasi akabvunza akati, “Munhu angaberekwa seiko iye ava mukuru? Zvirokwazvo haangagoni kupinda mudumbu ramai vake kechipiri kuti aberekwe patsva!” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angapinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura uye noMweya. Nyama inobereka nyama, asi Mweya anobereka Mweya. Haufaniri kushamiswa nezvandareva ndichiti, ‘Unofanira kuberekwa patsva.’ Mhepo inovhuvhuta ichienda kwainoda. Unonzwa inzwi rayo, asi haugoni kuziva kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvakaitawo vose vakaberekwa noMweya.”
Johani 3:3-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akapindura, akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi kutsva, haangaoni ushe hwaMwari.” Nikodhimo akati kwaari, “Munhu angagoberekwa seiko ava mukuru? Angapindazve mudumbu ramai vake rwechipiri, akaberekwa here?” Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muushe hwaMwari. Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya. Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri, munofanira kuberekwa kutsva. Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa izwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; mumwe nomumwe akaberekwa naMweya akadaro.”
Johani 3:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akamuti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu asina kuzvarwa patsva haangaoni umambo hwaMwari.’ ” Nikodhimasi akati kwaari, “Ko iye munhu angazvarwe sei iye avamukuru, anogona here kupinda kechipiri munhumbu maamai vake achizozvarwa?” Jesu akapindura achiti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu akasazvarwa nemvura naMweya haangapindi muumambo hwaMwari. Chinenge chazvarwa nenyama inyama chinenge chazvarwa naMweya mweya usashamisike nezvandati unofanira kuzvarwa patsva. Mhepo inovhuvhuta kwainoda, unonzwa kuvhuvhuta kwayo asi hauzivi kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvimwechetezvo nomunhu wose anoberekwa naMweya.’ ”
Johani 3:3-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akapindura, akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi kutȿa, haaŋgaʋoni ʋushe bgaMŋari. Nikodimo akati kwaari: Munhu uŋgagoɓerekwa seiko aʋa mukuru? Uŋgapinda ɀe muɗumbu ramai ʋake rwecipiri, akaɓerekwa here? Jesu akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi nemvura noMŋeya, haaŋgagoni kupinda muʋushe bgaMŋari. Cakaɓerekwa nenyama inyama, cakaɓerekwa noMŋeya, mŋeya. Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri: Munofanira kuɓerekwa kutȿa. Mhepo inovuvuta painoɗa napo, unonzwa inzwi rayo, asi hauziʋi painobva napainoenda; mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa noMŋeya wakaɗaro.
Johani 3:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)