Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 3:3-17

Johani 3:3-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva.” Nikodhimasi akabvunza akati, “Munhu angaberekwa seiko iye ava mukuru? Zvirokwazvo haangagoni kupinda mudumbu ramai vake kechipiri kuti aberekwe patsva!” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angapinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura uye noMweya. Nyama inobereka nyama, asi Mweya anobereka Mweya. Haufaniri kushamiswa nezvandareva ndichiti, ‘Unofanira kuberekwa patsva.’ Mhepo inovhuvhuta ichienda kwainoda. Unonzwa inzwi rayo, asi haugoni kuziva kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvakaitawo vose vakaberekwa noMweya.” Nikodhimasi akati, “Zvingaitika seiko izvi?” Jesu akati, “Iwe uri mudzidzisi wavaIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi? Ndinokuudza chokwadi, tinotaura zvatinoziva, uye tinopupura zvatakaona, asi hazvo, imi vanhu hamutongogamuchiri uchapupu hwedu. Ndataura kwauri pamusoro pezvinhu zvapanyika uye hautendi; zvino ungatenda sei kana ndikataura pamusoro pezvinhu zvokudenga? Hakuna munhu akamboenda kudenga kunze kwaiye akabva kudenga, iye Mwanakomana woMunhu. Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana woMunhu anofanira kusimudzwawo, kuti ani naani anotenda kwaari ave noupenyu husingaperi. “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 3

Johani 3:3-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Jesu akapindura, akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi kutsva, haangaoni ushe hwaMwari.” Nikodhimo akati kwaari, “Munhu angagoberekwa seiko ava mukuru? Angapindazve mudumbu ramai vake rwechipiri, akaberekwa here?” Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muushe hwaMwari. Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya. Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri, munofanira kuberekwa kutsva. Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa izwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; mumwe nomumwe akaberekwa naMweya akadaro.” Nikodhimo akapindura, akati kwaari, “Zvinhu izvi zvingagoitwa seiko?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Iwe uri mudzidzisi wavaIsiraeri, haunzwisisi zvinhu izvozvi here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, tinotaura zvatinoziva, tinopupura zvatakaona; asi imi hamugamuchiri kupupura kwedu. “Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuudzai zvinhu zvokudenga? “Hakuna munhu akakwira kudenga, asi iye akaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.” Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo, kuti ani naani anotenda kwaari, ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa mumwe woga, kuti ani naani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 3

Johani 3:3-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu akamuti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu asina kuzvarwa patsva haangaoni umambo hwaMwari.’ ” Nikodhimasi akati kwaari, “Ko iye munhu angazvarwe sei iye avamukuru, anogona here kupinda kechipiri munhumbu maamai vake achizozvarwa?” Jesu akapindura achiti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu akasazvarwa nemvura naMweya haangapindi muumambo hwaMwari. Chinenge chazvarwa nenyama inyama chinenge chazvarwa naMweya mweya usashamisike nezvandati unofanira kuzvarwa patsva. Mhepo inovhuvhuta kwainoda, unonzwa kuvhuvhuta kwayo asi hauzivi kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvimwechetezvo nomunhu wose anoberekwa naMweya.’ ” Nikodhimasi akamupindura achiti, “Izvi zvingaitike sei?” Jesu akamupindurawo achiti, “Iwe uri mudzidzisi weIsiraeri kudai haunzwisisi zvinhu izvi sei? Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri tinotaura zvatinoziva uye tinopupura zvatakaona asi hamugamuchiri uchapupu hwedu. Kana ndikakutaurira nezvepasi hamutendi mungatende sei kana ndikataura nezvokudenga. Hapana akambokwira kudenga kusiya iye akaburuka achibva kudenga, mwanakomana womunhu.” Sokusimudzira nyoka mudenga kwakaita Mosesi murenje saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo, kuti munhu wose anotenda maari awane upenyu husingaperi. Mwari akada pasi zvikuru zvokuti akapa Mwanakomana wake mumwechete kuti munhu wose anotenda maari arege kufa, asi kuti awane upenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake pasi kuzopa pasi mhosva asi kuti pasi paponeswe naye.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 3

Johani 3:3-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jesu akapindura, akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi kutȿa, haaŋgaʋoni ʋushe bgaMŋari. Nikodimo akati kwaari: Munhu uŋgagoɓerekwa seiko aʋa mukuru? Uŋgapinda ɀe muɗumbu ramai ʋake rwecipiri, akaɓerekwa here? Jesu akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi nemvura noMŋeya, haaŋgagoni kupinda muʋushe bgaMŋari. Cakaɓerekwa nenyama inyama, cakaɓerekwa noMŋeya, mŋeya. Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri: Munofanira kuɓerekwa kutȿa. Mhepo inovuvuta painoɗa napo, unonzwa inzwi rayo, asi hauziʋi painobva napainoenda; mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa noMŋeya wakaɗaro. Nikodimo akapindura, akati kwaari: Ɀinhu iɀi ɀiŋgagoitwa seiko? Jesu akapindura, akati kwaari: Iwe uri mudzidzisi waʋaIsraeri, haunzwisisi ɀinhu iɀoɀi here? Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Tinotaura ɀatinoziʋa, tinopupura ɀatakaʋona; asi imi hamugamuciri kupupura kweɗu. Kana ndakakuʋudzai ɀinhu ɀenyika, mukasatenda, muŋgagotenda seiko, kana ndicikuʋudzai ɀinhu ɀokuɗeŋga? Hakunomunhu wakakwira kuɗeŋga, asi iye wakaɓuruka kuɗeŋga, iye Mŋanakomana womunhu. Mosesi seɀaakasimudza nyoka murenje, saiɀoɀo Mŋanakomana womunhu unofanira kusimudzwa ʋo, kuti aninani unotenda kwaari, aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. Nokuti Mŋari wakaɗa nyika nokuɗaro, kuti wakapa Mŋanakomana wake wakaɓerekwa mumŋe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. Nokuti Mŋari haana‐kutumira Mŋanakomana wake panyika, kuti atoŋge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 3

Johani 3:3-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)