Johani 3:14-21
Johani 3:14-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana woMunhu anofanira kusimudzwawo, kuti ani naani anotenda kwaari ave noupenyu husingaperi. “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye. Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari. Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa. Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena. Asi ani naani anorarama muchokwadi anouya muchiedza, kuitira kuti zvaakaita zvionekwe pachena kuti zvakaitwa kubudikidza naMwari.”
Johani 3:14-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo, kuti ani naani anotenda kwaari, ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa mumwe woga, kuti ani naani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye. Anotenda kwaari, haatongwi; asi asingatendi kwaari, atotongwa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari akaberekwa mumwe woga. Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. Nokuti mumwe nomumwe, anoita zvakaipa, anovenga chiedza, haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena. Asi anoita chokwadi, anouya kuchiedza, kuti mabasa ake aonekwe, kuti akaitwa muna Mwari.
Johani 3:14-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sokusimudzira nyoka mudenga kwakaita Mosesi murenje saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo, kuti munhu wose anotenda maari awane upenyu husingaperi. Mwari akada pasi zvikuru zvokuti akapa Mwanakomana wake mumwechete kuti munhu wose anotenda maari arege kufa, asi kuti awane upenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake pasi kuzopa pasi mhosva asi kuti pasi paponeswe naye. Anotenda maari haapihwi mhosva asi asingatendi maari atova nemhosva nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwechete oga waMwari. Mhosva yacho ndeyiyi yokuti chiedza chakauya pasi pano asi vanhu vakada rima panze pokuda chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. Nokuti munhu wose anoita zvakaipa anovenga chiedza uye haauye kuchiedza kuitira kuti mabasa ake arege kuburitswa pachena. Asi anoita zvechokwadi anouya kuchiedza kuti zvionekwe pachena kuti mabasa ake akaitwa muna Mwari.
Johani 3:14-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mosesi seɀaakasimudza nyoka murenje, saiɀoɀo Mŋanakomana womunhu unofanira kusimudzwa ʋo, kuti aninani unotenda kwaari, aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. Nokuti Mŋari wakaɗa nyika nokuɗaro, kuti wakapa Mŋanakomana wake wakaɓerekwa mumŋe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. Nokuti Mŋari haana‐kutumira Mŋanakomana wake panyika, kuti atoŋge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye. Unotenda kwaari, haatoŋgwi; asi usiŋgatendi kwaari, watotoŋgwa, nokuti haana‐kutenda kuzita roMŋanakomana waMŋari wakaɓerekwa mumŋe woga. Kutoŋgwa ndokuku, kuti ciedza cakaȿika panyika, asi ʋanhu ʋakaɗa rima kupfuʋura ciedza, nokuti maɓasa aʋo akaŋga akaipa. Nokuti mumŋe nomumŋe, unoita ɀakaipa, unoʋeŋga ciedza, haaʋuyi paciedza, kuti maɓasa ake arege kuɓuɗiswa pacena. Asi unoita ɀokwaɗi, unoʋuya paciedza, kuti maɓasa ake aʋonekwe, kuti akaitwa munaMŋari.
Johani 3:14-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)