Johani 21:20-22
Johani 21:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Petro akacheuka akaona mudzidzi uya aidikanwa naJesu achivatevera. (Ndiye uya akanga akasendamira pana Jesu panguva yechirariro uye akanga ati, “Ishe ndianiko achakupandukirai?”) Petro akati achimuona, akabvunza akati, “Ishe, ko, uyuwo?” Jesu akapindura akati, “Kana ndichida kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe? Unofanira kunditevera iwe.”
Johani 21:20-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Petirosi akatendeuka, akaona uya mudzidzi, aidikanwa naJesu, achitevera; ndiyewo akasendamira pachipfuva chake pachirariro, achiti, “Ishe, ndianiko achakupandukirai?” Zvino Petirosi akati achimuona, akati kuna Jesu, “Ishe, ko uyu uchaitweiko?” Jesu akati kwaari, “Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, uneiko nazvo iwe? Unditevere iwe.”
Johani 21:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pita akatendeuka akaona mudzidzi waJesu wapamwoyo achitevera uya akanga akazembera pachipfuva chake pachirariro, uya uya akati kuna Jesu, “Tenzi ndiani ari kuzokupandukira?” Pita paakamuona akati kuna Jesu, “Nhai Tenzi, ko uyuwo uyu?” Jesu akati kwaari, “Ko kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndadzoka zvinei newe. Chako iwe kunditevera.”
Johani 21:20-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Petro akatendeʋuka, akaʋona uya mudzidzi, waiɗikanwa naJesu, aciteʋera; ndiye ʋo wakasendamira pacifuʋa cake pacirayiro, aciti: Ishe, ndianiko ucakupandukirai? Ɀino Petro wakati acimuʋona, akati kunaJesu: Ishe, ko uyu ucaitweiko? Jesu akati kwaari: Kana ndikaɗa kuti agare kuȿikira ndiciʋuya, uneiko naɀo iwe? Unditeʋere iwe.
Johani 21:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)