Johani 20:3-10
Johani 20:3-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Petro nomumwe mudzidzi vakabuda vakaenda kuguva. Vose vari vaviri vaimhanya, asi mumwe mudzidzi akamhanya kukunda Petro akatanga kusvika paguva. Akakotama akatarira mukati pamicheka yakanga iri pasi asi haana kupinda. Ipapo Simoni Petro, uyo akanga ari shure kwake, akasvikopinda muguva. Akaona micheka iri pasi, pamwe chete nomucheka wokuvigwa nawo wakanga uri mumusoro waJesu. Mucheka uyu wakanga wakapetwa uri woga, wakaparadzaniswa nomumwe mucheka. Pakupedzisira mumwe mudzidzi, uya akanga atanga kusvika paguva akapindawo. Akaona akatenda. (Vakanga vasati vanzwisisa kubva muRugwaro kuti Jesu aifanira kumuka kubva kuvakafa.) Ipapo vadzidzi vakadzokera kumusha kwavo
Johani 20:3-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Petirosi akabuda nouya mumwe mudzidzi, vakaenda kubwiro. Vakamhanya vose vari vaviri; uya mumwe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petirosi, akatanga kusvika pabwiro, akakotama achidongorera, akaona micheka iri pasi, asi haana kupinda. Zvino Simoni Petirosi akasvikawo, akapinda mubwiro, akaona micheka iri pasi; nomucheka muduku, wakanga uri mumusoro wake, usati uri kune mimwe micheka, asi wakapetwa uri pamwe woga. Zvino uye mumwe mudzidzi akapindawo, iye akatanga kusvika pabwiro, akaona, akatenda. Nokuti vakanga vachigere kunzwisisa Rugwaro, runoti anofanira kumuka kuvakafa. Zvino vadzidzi vakadzokerazve kumusha kwavo.
Johani 20:3-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pita akabuda pamwechete nomumwe mudzidzi uya vakaenda kuguva kuya. Vakamhanya vose. Mumwe mudzidzi uya akamhanya zvokusiya Pita akandotanga kusvika kuguva. Asi akakotama achidongorera akaona machira erineni ari pakadaro asi iye haana kupindamo. Simoni Pita akazouyawo achimutevera akapinda muguva. Akaonawo machira aya ari pakadaro apo. Nejira duku raiva kumusoro wake rakanga risiri pano mamwe machira asi rakanga rakapetwa riri paro roga. Mumwe mudzidzi uya akatanga kusvika paguva, akapindawo akaona akatenda. Kusvikira ipapo vakanga vasati vanzwisisa Magwaro Matsvene anoti, “Anofanira kumuka kuvakafa.” Vadzidzi vakadzokera kumisha yavo.
Johani 20:3-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Petro akaɓuɗa nouya mumŋe mudzidzi, ʋakaenda kubgiro. Ʋakamhanya ʋose ʋari ʋaʋiri; uya mumŋe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petro, akataŋga kuȿika pabgiro, akakotama aciɗoŋgorera, akaʋona miceka iri pasi, asi haana‐kupinda. Ɀino Simoni Petro akaȿika ʋo, akapinda mubgiro, akaʋona miceka iri pasi; nomuceka muɗuku, wakaŋga uri mumusoro wake, usati uri kunemimŋe miceka, asi wakapetwa uri pamŋe woga. Ɀino uya mumŋe mudzidzi akapinda ʋo, iye wakataŋga kuȿika pabgiro, akaʋona, akatenda. Nokuti ʋakaŋga ʋacigere kunzwisisa Rugwaro, runoti unofanira kumuka kuʋakafa. Ɀino ʋadzidzi ʋakadzokera ɀe kumusha kwaʋo.
Johani 20:3-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)