Johani 20:19-21
Johani 20:19-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Madekwana ezuva rokutanga revhiki, vadzidzi pavakanga vari pamwe chete, mikova yakazarirwa nokuda kwokutya vaJudha, Jesu akauya akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!” Shure kwokutaura izvi, akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakafara zvikuru pavakaona Ishe. Jesu akatizve kwavari, “Rugare ngaruve kwamuri! Sezvo Baba vakandituma, ndiri kukutumaiwo.”
Johani 20:19-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ava madeko pazuva iro rokutanga revhiki, misuo yapfigwa pavakanga vari vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akauya, akamira pakati pavo, akati kwavari, “Rugare kwamuri!” Zvino akati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake norutivi rwake. Vadzidzi vakafara vachiona Ishe. Jesu akatizve kwavari, “Rugare kwamuri! Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumaiwo.”
Johani 20:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Manheru ezuva rakarero, zuva rokutanga revhiki Jesu akauya mumba maiva navadzidzi; izvozvo makonhi amavakanga vari akanga akaiswa zvihuri pamusana pokutya vaJudha. Akasvikomira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.” Paakataura izvi akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakabva vafara pavakaona Tenzi. Jesu akavatizve, “Rugare ngaruve nemi! Sokundituma kwakaita Baba neni ndinokutumaiwo saizvozvo.”
Johani 20:19-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino aʋa maɗeko pazuʋa iro rokutaŋga reviki, mikoʋa yapfigwa paʋakaŋga ʋari ʋadzidzi nokutya ʋaJuda, Jesu akaʋuya, akamira pakati paʋo, akati kwaʋari: Rugare kwamuri! Ɀino wakati areʋa iɀoɀo, akaʋaratidza ɀanza ɀake norutiʋi rwake. Ʋadzidzi ʋakafara ʋaciʋona Ishe. Jesu akati ɀe kwaʋari: Rugare kwamuri! Ƃaɓa seɀaʋakandituma, neni ndinokutumai ʋo.
Johani 20:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)