Johani 20:15-17
Johani 20:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Maria achifunga kuti aiva muchengeti webindu, akati, “Ishe, kana mamutora, ndiudzei henyu kwamamuisa ndigomutora.” Jesu akati kwaari, “Maria.” Akatendeukira kwaari akadanidzira nechiHebheru achiti, “Rabhi!” (kureva kuti Mudzidzisi). Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti handisati ndadzokera kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undovaudza kuti, ‘Ndiri kudzokera kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu, naMwari wenyu.’ ”
Johani 20:15-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati kwaari, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Iye achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari, “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei pamamuisa, ndindomutora.” Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akatendeuka, akati kwaari nechiHebheru, “Rabhoni;” ndokuti, “Mudzidzisi.” Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna baba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari, ndinokwira kuna baba vangu nababa venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”
Johani 20:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akati kwaari, “Mudzimai iwe uri kuchemeiko, uri kutsvaga ani?” Zvaakafunga kuti murimi akati kwaari, “Changamire, kana murimi mamubvisa nditaurirei kwamandomuradzika ndindomutora.” Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akabva atendeuka akati kwaari nechiHebheru, “Rabhoni” zvinoreva kuti, “Mudzidzisi.” Jesu akati kwaari, “Usandibate nokuti handisati ndakwira kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undoti kwavari ndiri kuenda kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”
Johani 20:15-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akati kwaari: Mai, munocemeiko? Munotȿaka aniko? Iye aciti ndiye murimi womunda, akati kwaari: Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiʋudzei pamamuisa, ndindomutora. Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeʋuka, akati kwaari neciHeberu: Raboni; ndokuti: Mudzidzisi. Jesu akati kwaari: Usandiɓata, nokuti ndicigere kukwira kunaƂaɓa ʋaŋgu; asi enda kuhama dzaŋgu, uti kwaʋari: Ndinokwira kunaƂaɓa ʋaŋgu naƂaɓa ʋenyu, kunaMŋari waŋgu naMŋari wenyu.
Johani 20:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)