Johani 2:6-7
Johani 2:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakare ipapo pakanga pane makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana. Jesu akati kuvaranda, “Zadzai makate nemvura.” Saka vakaazadza kusvikira pamuromo.
Johani 2:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kwakanga kuna makate matanhatu amabwe, akanga aiswapo netsika yavaJudha yokuzvinatsa, rimwe nerimwe raizadzwa nezviero zviviri kana zvitatu. Jesu akati kwavari, “Zadzai makate nemvura.” Ivo vakaazadza kusvikira pamiromo.
Johani 2:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino ipapo pakanga paina mazigate matanhatu amabwe maererano netsika yavaJudha yokuzvichenura. Rimwe nerimwe rawo raiita marita makumi manomwe anamashanu kusvika kuzana ramarita rina marita gumi namashanu. Jesu akati kwavari, “Zadzai makate aya nemvura.” Ivo vakaazadza kuti tuba.
Johani 2:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kwakaŋga kunamakate matanhatu amabge, akaŋga aiswa’po netsika yaʋaJuda yokuɀinatsa, rimŋe nerimŋe raizadzwa neɀiyero ɀiʋiri kana ɀitatu. Jesu akati kwaʋari: Zadzai makate nemvura. Iʋo ʋakaazadza kuȿikira pamiromo.
Johani 2:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)