Johani 2:13-17
Johani 2:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pasika yavaJudha yakati yava pedyo, Jesu akakwira kuJerusarema. Muzvivanze zvetemberi akawana vanhu vachitengesa mombe, makwai nenjiva, uye vamwe vakanga vagere patafura vachitsinhana mari. Saka akaruka tyava yerwodzi, akadzinga vose kubva panzvimbo yetemberi, zvose makwai nemombe; akarasa kwose kwose mari yavakanga vachitsinhana, uye akapidigura tafura dzavo. Akati kuna avo vakanga vachitengesa njiva, “Budisai zvinhu izvi muno! Hamufaniri kushandura imba yababa vangu muchiita musika wokutengeserana!” Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.”
Johani 2:13-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pasika yavaJudha yakanga yava pedyo; zvino Jesu akakwira Jerusaremu. Akawana mutemberi vaitengesa mombe namakwai nenjiva, navaitsinhanha mari, vageremo. Akaruka tyava yorwonzi, akabudisa mutemberi makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo. Akati kuna vaitengesa njiva, “Bvisai zvinhu izvozvo muno; musaita imba yababa vangu imba yokutengesera.” Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.”
Johani 2:13-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pasika yavaJudha zvayakanga yavapedyo, Jesu akakwira kuJerusaremu. Akasvikoona vanhu vachitengesa muTemberi, mombe nehwai nehangaiwa navaiva mushishi yokutengeserana mari. Akaita tyava nemikosi akadzingira vose kunze kweTemberi, pamwechete nehwai nemombe. Akawodzvorera pasi mari chena yavaitengeserana mari nokupidigurira pasi mateburu avo. Akataurira vainge vachitengesa hangaiwa kuti, “Bvisai zvinhu izvi muno. Hamufaniri kuita imba yaBaba vangu musika.” Vadzidzi vake vakayeuka kuti zvakanyorwa kunzi, “Kudisisa kwandinoita imba yenyu kuchandipedza.”
Johani 2:13-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Paseka yaʋaJuda yakaŋga yaʋa pedyo; ɀino Jesu akakwira Jerusarema. Akawana mutembere ʋaiteŋgesa ŋombe namakwai nenjiʋa, naʋaitsinhanha mari, ʋagere’mo. Akaruka tyaʋa yorwonzi, akaɓuɗisa mutembere makwai neŋombe ɀose; akaparadza mari yaʋaitsinhanha, nokuwisa matafura aʋo. Akati kunaʋaiteŋgesa njiʋa: Bvisai ɀinhu iɀoɀo muno; musaita imba yaƂaɓa ʋaŋgu imba yokuteŋgesera. Ʋadzidzi ʋake ʋakaraŋgarira kuti kwakanyorwa, kucinzi: Kushiŋgairira imba yenyu kucandipedza.
Johani 2:13-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)