Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 2:12-25

Johani 2:12-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shure kwaizvozvo akaburuka akaenda kuKapenaume namai vake, navanunʼuna vake uye navadzidzi vake. Vakagara ikoko kwamazuva mashoma. Pasika yavaJudha yakati yava pedyo, Jesu akakwira kuJerusarema. Muzvivanze zvetemberi akawana vanhu vachitengesa mombe, makwai nenjiva, uye vamwe vakanga vagere patafura vachitsinhana mari. Saka akaruka tyava yerwodzi, akadzinga vose kubva panzvimbo yetemberi, zvose makwai nemombe; akarasa kwose kwose mari yavakanga vachitsinhana, uye akapidigura tafura dzavo. Akati kuna avo vakanga vachitengesa njiva, “Budisai zvinhu izvi muno! Hamufaniri kushandura imba yababa vangu muchiita musika wokutengeserana!” Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.” Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Ungatipa chiratidzo chipi chingatiradza pachena kuti unoita zvinhu izvi zvose nesimba ripi?” Jesu akavapindura akati, “Paradzai temberi iyi, uye ini ndichaivakazve mumazuva matatu.” VaJudha vakapindura vakati, “Zvakatora makore makumi mana namatanhatu kuti temberi iyi ivakwe, uye iwe uchaimutsa mumazuva matatu?” Asi temberi yaaireva waiva muviri wake. Shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira zvaakanga ambotaura. Ipapo vakatenda Magwaro namashoko akanga ataurwa naJesu. Zvino paakanga ari muJerusarema paMutambo wePasika, vanhu vazhinji vakaona zviratidzo zvaakanga achiita vakatenda muzita rake. Asi Jesu haana kuvimba navo, nokuti aiziva vanhu vose. Akanga asingatsvaki uchapupu hwomunhu pamusoro pomunhu nokuti akanga achiziva zvakanga zviri mumunhu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 2

Johani 2:12-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mushure maizvozvi akadzika kuKapenaumu naamai vake navakomanavanun'una vake navadzidzi vake vakagarako kwamazuva mashoma. Pasika yavaJudha zvayakanga yavapedyo, Jesu akakwira kuJerusaremu. Akasvikoona vanhu vachitengesa muTemberi, mombe nehwai nehangaiwa navaiva mushishi yokutengeserana mari. Akaita tyava nemikosi akadzingira vose kunze kweTemberi, pamwechete nehwai nemombe. Akawodzvorera pasi mari chena yavaitengeserana mari nokupidigurira pasi mateburu avo. Akataurira vainge vachitengesa hangaiwa kuti, “Bvisai zvinhu izvi muno. Hamufaniri kuita imba yaBaba vangu musika.” Vadzidzi vake vakayeuka kuti zvakanyorwa kunzi, “Kudisisa kwandinoita imba yenyu kuchandipedza.” VaJudha vakabva vati kwaari, “Tipe chiratidzo chemvumo yezvawaita izvi.” Jesu akavapindura achiti, “Pazai Temberi iyi, ini ndigoivakazve namazuva matatu.” VaJudha ndokuti, “Zvakatora makore makumi mana anamatanhatu kuvaka Temberi iyi iwe ndipo paungaimise namazuva matatu here?” Asi Temberi yaaitaura waiva muviri wake. Saizvozvo paakamutswa muvafi vadzidzi vake vakarangarira kuti akambozvitaura vakatenda chinyorwa nezwi rakanga rataurwa naJesu. Paakanga ari muJerusaremu kumazuva makuru ePasika vazhinji vakatenda muzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita. Asi Jesu haana kuvimba navo nokuti aiziva vanhu vose. Akanga asina chaangaudzwe nomumwe munhu nezvomunhu nokuti iye pachake aiziva zviri mumunhu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 2

Johani 2:12-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shure kwaiɀoɀo wakaɓurukira Kapernaume, iye namai ʋake naʋanuŋuna, naʋadzidzi ʋake; akagara’po mazuʋa mashomanene. Paseka yaʋaJuda yakaŋga yaʋa pedyo; ɀino Jesu akakwira Jerusarema. Akawana mutembere ʋaiteŋgesa ŋombe namakwai nenjiʋa, naʋaitsinhanha mari, ʋagere’mo. Akaruka tyaʋa yorwonzi, akaɓuɗisa mutembere makwai neŋombe ɀose; akaparadza mari yaʋaitsinhanha, nokuwisa matafura aʋo. Akati kunaʋaiteŋgesa njiʋa: Bvisai ɀinhu iɀoɀo muno; musaita imba yaƂaɓa ʋaŋgu imba yokuteŋgesera. Ʋadzidzi ʋake ʋakaraŋgarira kuti kwakanyorwa, kucinzi: Kushiŋgairira imba yenyu kucandipedza. Ɀino ʋaJuda ʋakapindura, ʋakati kwaari: Uŋgatiratidza ciratidzo ceiko, ɀaunoita ɀinhu iɀoɀo? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Putsai tembere iyi, ini ndicaimutsa ɀe namazuʋa matatu. Ɀino ʋaJuda ʋakati: Tembere iyi yakaʋakwa namakore anamakumi manna namatanhatu, ɀino iwe uŋgaimutsa namazuʋa matatu here? Asi iye wakaŋga acireʋa tembere yomuʋiri wake Ɀino wakati amutswa kuʋakafa, ʋadzidzi ʋake ʋakaraŋgarira, kuti wakaŋga areʋa iɀoɀo; ʋakatenda Rugwaro neshoko rakaŋga rarebga naJesu. Ɀino ŋguʋa yaakaŋga ari Jerusarema pamutambo wepaseka, ʋazhinji ʋakatenda kuzita rake, ʋaciʋona ɀiratidzo ɀaaiita. Asi Jesu haana‐kuɀiisa mumaʋoko aʋo, nokuti wakaŋga aciʋaziʋa ʋose. Wakaŋga asiŋgatȿaki kuti munhu mumŋe apupure ɀomunhu; nokuti wakaŋga aciziʋa iye ɀiri mumunhu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 2