Johani 19:6-7
Johani 19:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vaprista vakuru navatariri vavo vakati vachimuona, vakadanidzira vachiti, “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!” Asi Pirato akapindura achiti, “Mutorei imi mumuroverere. Kana ndirini, handiwani mhosva paari.” VaJudha vakasimbirira vachiti, “Isu tino murayiro, nomurayiro iwoyo, anofanira kufa, nokuti anozviti Mwanakomana waMwari.”
Johani 19:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vapristi vakuru navatariri vakati vachimuona vakadanidzira, vachiti, “Roverai pamuchinjikwa, roverai pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Chimutorai imi, mumuroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.” VaJudha vakamupindura, vakati, “Isu tine murayiro, zvino nomurayiro wedu anofanira kufa, nokuti akazviita Mwanakomana waMwari.”
Johani 19:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vapristi vakuru namapurisa pavakamuona vakabva vadaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa. Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati kwavari, “Chimutoraika iyemi mundomuroverera pamuchinjikwa nokuti ini ndashaya mhosva yaanayo.” VaJudha vakamupindura kuti, “Isu tine mutemo, maererano nomutemo iwoyo anofanira kuti afe nokuti akazviita Mwanakomana waMwari.”
Johani 19:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaprista ʋakuru naʋatariri ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Roʋerai pamucinjikwa, roʋerai pamucinjikwa! Pirato akati kwaʋari: Cimutorai imi, mumuroʋerei pamucinjikwa; nokuti ini handiwani mhoȿa kwaari. ƲaJuda ʋakamupindura, ʋakati: Isu tinomurairo, ɀino nomurairo weɗu unofanira kufa, nokuti wakaɀiita Mŋanakomana waMŋari.
Johani 19:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)