Johani 19:38-42
Johani 19:38-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo, Josefa weArimatea akakumbira Pirato kuti apiwe mutumbi waJesu. Zvino Josefa akanga ari mudzidzi waJesu, asi muchivande nokuti aitya vaJudha. Akati abvumirwa naPirato, akauya akatora mutumbi waJesu. Akanga achiperekedzwa naNikodhimasi, murume uya akashanyira Jesu usiku. Nikodhimasi akauya nezvakavhenganiswa zvemura negavakava, zvinenge makirogiramu makumi matatu namana. Vakatora mutumbi waJesu, vakauputira vari vaviri nomucheka pamwe chete nezvinonhuhwira. Izvi zvaifambirana netsika dzokuviga dzavaJudha. Panzvimbo iyo pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa, paiva nebindu, uye mubindu imomo, maiva neguva idzva, rakanga risina munhu akamboradzikwamo. Nokuti rakanga riri zuva rokugadzirira ravaJudha, uye sezvo guva raiva pedyo, vakaradzika Jesu imomo.
Johani 19:38-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo Josefa weArimatia, aiva mudzidzi waJesu, asi chinyararire nokutya vaJudha, akakumbira kuna Pirato kuti abvise chitunha chaJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akauya, akabvisa chitunha chake. NaNikodhimowo, iye akambouya kwaari pakutanga usiku, akauya ane mura nearosi zvakavhenganiswa, mapaundi anenge zana. Ipapo vakatora chitunha chaJesu, vakachiputira nemicheka pamwechete nezvinonhuwira, sezvinoita vaJudha pakuviga kwavo. Panzvimbo iyo, paakaroverwa pamuchinjikwa, pakanga pano munda; mumunda imomo maiva nobwiro hutsva, makanga musina kumboiswa munhu. Zvino vakaisa Jesu ipapo, zvawakanga uri musi woKugadzirira kwavaJudha, (nokuti bwiro hwakanga huri pedyo.)
Johani 19:38-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi Josefi wokuArimatia, mudzidzi waJesu womuchivande pamusana pokutya vaJudha, akakumbira Pirato kuti iye aturure chitunha chaJesu. Pirato akamubvumira. Saizvozvo akauya akaturura mutumbi wake. Nikodhimasi uya akambouya kwaari nousiku akauyawo namafuta anonhuwira emura negavakava zvairema makirogiramu anenge makumi matatu ane mana. Vakatora chitunha chaJesu vakachiputira namachira erineni namafuta aya anonhuwirira vachitevedza tsika yechiJudha yokuviga vanhu. Panzvimbo yaakarovererwa pakanga paine bindu. Mubindu imomo maiva neguva idzva makanga musati mambovigwa munhu. Naizvozvo, zvaraiva zuva ravaJudha rokugadzirira Pasika uye guva iroro zvaraiva riri padyo kudaro vakaradzika Jesu imomo.
Johani 19:38-42 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo Josefa weArimatia, waiʋa mudzidzi waJesu, asi cinyararire nokutya ʋaJuda, wakakumbira kunaPirato kuti abvise mutumbu waJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akaʋuya, akabvisa mutumbu wake NaNikodimo ʋo, iye wakamboʋuya kwaari pakutaŋga ʋusiku, wakaʋuya anemura nearosi ɀakaveŋganiswa, mapaundi aneŋge zana. Ipapo ʋakatora mutumbu waJesu, ʋakauputira nemiceka pamŋe cete neɀinonhuwira, seɀinoita ʋaJuda pakuʋiga kwaʋo. Panɀimbo iyo, paakaroʋerwa pamucinjikwa, pakaŋga panomunda; mumunda imomo maiʋa nobgiro bgutȿa, makaŋga musinakumboiswa munhu. Ɀino ʋakaisa Jesu ipapo, ɀawakaŋga uri musi woKugadzirira kwaʋaJuda, (nokuti bgiro bgakaŋga bguri pedyo).
Johani 19:38-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)