Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 19:17-37

Johani 19:17-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Akatakura muchinjikwa wake, akabuda akaenda kunzvimbo yeDehenya (zvichireva kuti Gorogota muchiHebheru). Ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navamwe vaviri, mumwe kuno rumwe rutivi nomumwe kuno rumwe rutivi, uye Jesu ari pakati. Pirato akanyora chiziviso akachiisa pamuchinjikwa. Chaiva chakanyorwa kuti: JESU WENAZARETA, MAMBO WAVAJUDHA. VaJudha vazhinji vakaverenga zvakanga zvakanyorwa pachikwangwani ichi, nokuti nzvimbo yakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chikwangwani ichi chaiva chakanyorwa nechiHebheru, chiRatini uye nechiGiriki. Vaprista vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Musanyora kuti, ‘Mambo wavaJudha,’ asi kuti, ‘Munhu uyu akazviti mambo wavaJudha.’ ” Pirato akapindura akati, “Zvandanyora, ndanyora.” Varwi vakati varoverera Jesu pamuchinjikwa, vakabvisa nguo dzake, vakadziita migove mina, mumwe chete kuno mumwe nomumwe wavo, nguo yomukati iriyo yakasara. Nguo iyi yakanga isina pakasonwa, yakangorukwa kubva kumusoro kusvika pasi. Vakataurirana vakati, “Ngatiregei kuibvarura. Ngatikandei mujenya tione kuti ndiani achaitora.” Izvi zvakaitika kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Vakagovana nguo yangu pakati pavo uye vakakanda mijenya pamusoro pechipfeko changu.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa navarwi. Pedyo nomuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, mununʼuna wamai vake, naMaria mukadzi waKiropasi, naMaria Magadharena. Jesu akati aona mai vake ipapo, uye mudzidzi waaida amire pedyo navo, akati kuna mai vake, “Mai, hoyu mwanakomana wenyu,” uye kumudzidzi akati, “Ava mai vako.” Kubva pazuva iro zvichienda mberi, mudzidzi uyu akavatora akaenda navo kumba kwake. Shure kwaizvozvo, achiziva kuti zvose zvainge zvapera zvino, uye kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe, Jesu akati, “Ndava nenyota.” Pakanga pane mudziyo waiva nevhiniga ipapo, saka vakanyika chipanje imomo, vakaisa chipanje pachitanda chehisopi, vakachisimudzira kumuromo waJesu. Akati anwa Jesu akati, “Zvapera.” Nokudaro, akakotamisa musoro wake uye akabudisa mweya wake. Zvino rakanga riri zuva rokugadzirira, uye mangwana acho, rakanga riri zuva rakasanangurwa reSabata. Nokuda kwokuti vaJudha vakanga vasingadi kuti mitumbi isiyiwe iri pamuchinjikwa panguva yeSabata, vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhunwe uye kuti mitumbi ibviswe. Naizvozvo varwi vakauya vakavhuna makumbo omunhu wokutanga uyo akanga arovererwa pamwe chete naJesu, uye vakazovhuna omumwe wacho. Asi vakati vasvika pana Jesu, uye vachiona kuti atofa, havana kuvhuna makumbo ake. Asi, mumwe murwi akamubaya nepfumo parutivi, pakarepo ropa nemvura zvikabuda. Murume akazviona ndiye akapa umboo, uye uchapupu hwake ndohwechokwadi. Anoziva kuti ari kutaura chokwadi, uye anopupura kuitira kuti nemiwo mutende. Zvinhu izvi zvakaitika kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Hakuna kana bvupa rake rimwe richavhunwa,” uye sezvinoreva rumwe Rugwaro runoti, “Vachatarisa iye wavakabaya.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 19

Johani 19:17-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

akabuda, achitakura muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi, “Dehenya,” nechiHebheru ichinzi, “Gorogota,” pavakamurovera pamuchinjikwa, navamwe vaviri naye, mumwe kune rumwe rutivi, mumwe kune rumwe rutivi, Jesu pakati. Pirato akanyorawo rugwaro, pamuchinjikwa; kwakanga kwakanyorwa, kuchinzi, “JESU WENAZARETA, MAMBO WAVAJUDHA.” Zvino vaJudha vazhinji vakarava rugwaro urwo; nokuti nzvimbo iyo pakanga pakaroverwa Jesu pamuchinjikwa, yaiva pedyo neguta; rwakanga rwakanyorwa nechiHebheru, nechiRoma, nechiGiriki. Ipapo vapristi vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Musanyora muchiti, ‘Mambo wavaJudha,’ asi kuti, ‘Iye akati, ndiri mambo wavaJudha.’ ” Pirato akapindura, akati, “Zvandanyora, ndanyora.” Zvino varwi vakati varovera Jesu pamuchinjikwa, vakatora nguo dzake, vakaita migove mina, murwi mumwe nomumwe mugove wake; nenguo yapasiwo. Zvino nguo iyi yakanga isina pakasonwa, asi yakanga yakarukwa yose kubva kumusoro kwayo. Zvino vakataurirana, vachiti, “Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo, tione kuti ichava yaani;” kuti Rugwaro ruitike, runoti, “Vakagovana nguo dzangu pakati pavo, Vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu.” Ndizvo zvakaitwa navarwi. Zvino pamuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, nomunun'una wamai vake, Maria, mukadzi waKiropasi, naMaria Magadharina. Zvino Jesu akati achiona mai vake, nomudzidzi waaida, amirepo, akati kuna mai vake, “Mai tarirai, mwana wenyu.” Ipapo akati kumudzidzi, “Tarira mai vako.” Kubva panguva iyo mudzidzi akavatora, akavaisa kumba kwake. Shure kwaizvozvo, Jesu akati achiziva kuti zvose zvapera, kuti Rugwaro ruitike, akati, “Ndine nyota.” Pakanga pamirepo hari izere nevhiniga; zvino vakaisa chipanje chizere nevhiniga parutanda rwehisopi, vakaruisa kumuromo wake. Zvino Jesu akati agamuchira vhiniga, akati, “Zvapera!” Akakotamisa musoro wake, akapa Mwari mweya wake. Zvino zvawaiva musi woKugadzirira Pasika, vaJudha vakakumbira kuna Pirato kuti makumbo avo avhunwe, vabviswe, kuti mitumbi irege kugara pamuchinjikwa neSabata, nokuti zuva iro reSabata raiva guru. Naizvozvo varwi vakauya, vakavhuna makumbo owokutanga, noomumwe akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye; asi vakati vachisvika kuna Jesu, vachiona kuti atofa hake, havana kuvhuna makumbo ake, asi mumwe murwi wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura zvikabuda. Uyo akaona, ndiye akapupura, uye kupupura kwake ndokwechokwadi; iye anoziva kuti anoreva zvechokwadi, kuti nemiwo mutende. Nokuti izvozvo zvakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti, “Pfupa rake haringavhunwi.” Norumwe Rugwaro runoti, “Vachatarira uyo wavakabowora.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 19

Johani 19:17-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

akabuda akaenda akatakura muchinjikwa wake kunzvimbo inonzi, “Dehenya,” kana kuti, “Gorogota.” MuchiHebheru. Ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa ipapo aina vamwe vaviri vachiti mumwe uku mumwe uku iye ari pakati. Pirato akanyorawo chiga chemhosva yake akachiisa pamuchinjikwa, chakanga chichiti, “JESU WENAZARETI MAMBO WAVAJUDHA.” VaJudha vazhinji vakaverenga chiga chemhosva ichocho nokuti nzvimbo yapakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chakanga chakanyorwa muchiHebheru, nomuchiRatini nomuchiGiriki. Saka vapristi vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Regai kunyora muchiti mambo wavaJudha asi kuti iye ndiye akati ndiri mambo wavaJudha.” Pirato akapindura achiti, “Chandanyora ndanyora.” Masoja paakaroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora hanzu dzake ndokudzikamura mumigove mina, musoja mumwe nomumwe mugove wake. Ndokusara hanzu yomukati. Hanzu iyoyo yakanga isina musono. Yakanga yakarukwa kubva kumusoro kusvika pasi. Nezvo vakataurirana vachiti, “Ngatiregei kuibvarura asi ngatiitirei chin'ange tione kuti ichava yaani.” Izvi zvakaitika kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti, “Vakagovana hanzu dzangu pakati pavo; zvipfeko zvangu vakazviitira chin'ange.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa namasoja. Izvozvo pedyo nomuchinjikwa waJesu Pakanga pamire amai vake nomunun'una waamai vake Maria mudzimai waKiropasi naMaria Magadharena. Jesu paakaona amai vake nomudzidzi wake wapamwoyo akamira pedyo, akati kuna amai vake, “Amai mwana wenyu uyu” Ndokuti kumudzidzi wake, “Amai vako ava.” Kubvira ipapo mudzidzi uya akavatora akavaisa mumusha make. Mushure maizvozvi Jesu paakaona kuti zvose zvazadziswa uye kuti Magwaro Matsvene azadziswe akati, “Ndine nyota.” Ipapo pakanga paine mudziyo uzere waini inovava. Naizvozvo vakaisa chifovefove chizere waini inovava iya pamushenjere vakachiisa pamuromo pake. Jesu paakasveta waini iya inovava akati, “Zvapera.” Akakotamisa musoro ndokubva afa. Zvarakanga riri zuva rokugadzirira Pasika vaJudha vakakumbira Pirato kuti makumbo avo atyorwe uye kuti zvitunha zvibviswe kuti zvitunha zvirege kunge zviri pamuchinjikwa pamusi weSabata nokuti Sabata iroro rakanga riri Sabata guru. Saizvozvo masoja akaenda akatyora makumbo owokutanga neewechipiri weavo vakanga varovererwa pamwechete naye. Asi pavakauya kuna Jesu, vakaona kuti atofa havana kumutyora makumbo. Mumwe musoja akamubaya parutivi pake nepfumo, pakabva pabuda ropa nemvura. Uyo akazviona nameso anopupura; uchapupu hwake ndehwechokwadi. Uye anoziva kuti anotaura chokwadi kuti nemiwo mutendhe nokuti zvinhu izvi zvakaitika kuti chinyorwa chitsvene chizadziswe chinoti, “Hapana bvupa rake richatyorwa.” Uyezve chimwe chinoti, “Vachatarisa uyo wavakabaya.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 19

Johani 19:17-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

akaɓuɗa, acitakura mucinjikwa wake, akaenda kunɀimbo yainzi, Ƌehenya, neciHeberu icinzi Gorgota, paʋakamuroʋera pamucinjikwa, naʋamŋe ʋaʋiri naye, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, Jesu pakati. Pirato akanyora ʋo rugwaro, akaruisa pamucinjikwa; kwakaŋga kwakanyorwa, kucinzi: JESU WENAZARETA, MAMBO WAƲAJUDA. Ɀino ʋaJuda ʋazhinji ʋakaraʋa rugwaro urwo; nokuti nɀimbo iyo pakaŋga pakaroʋerwa Jesu pamucinjikwa, yaiʋa pedyo neguta; rwakaŋga rwakanyorwa neciHeberu, neciRoma, neciGiriki. Ipapo ʋaprista ʋakuru ʋaʋaJuda ʋakati kunaPirato: Musanyora muciti: Mambo waʋaJuda, asi kuti, Iye wakati: Ndiri mambo waʋaJuda. Pirato akapindura, akati: Ɀandanyora, ndanyora. Ɀino ʋarwi ʋakati ʋaroʋera Jesu pamucinjikwa, ʋakatora ŋguʋo dzake, ʋakaita migoʋe minna, murwi mumŋe nomumŋe mugoʋe wake; neŋguʋo yapasi ʋo. Ɀino ŋguʋo iyi yakaŋga isina‐pakasonwa, asi yakaŋga yakarukwa yose kubva kumsoro kwayo. Ɀino ʋakataurirana, ʋaciti: ŋgatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamsoro payo, tiʋone kuti icaʋa yani; kuti Rugwaro ruitike, runoti: Ʋakagoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo, Ʋakakanda mijenya pamsoro pecokufuka caŋgu. Ndiɀo ɀakaitwa naʋarwi. Ɀino pamucinjikwa waJesu pakaŋga pamire mai ʋake, nomunuŋuna wamai ʋake, Maria, mukadzi waKropasi, naMaria Magdarene. Ɀino Jesu wakati aciʋona mai ʋake, nomudzidzi waaiɗa, amire’po, akati kunamai ʋake: Mai, tarirai, mŋanakomana wenyu. Ipapo akati kumudzidzi: Tarira mai ʋako. Kubva paŋguʋa iyo mudzidzi akaʋatora, akaʋaisa kumba kwake. Shure kwaiɀoɀo, Jesu wakati aciziʋa kuti ɀose ɀapera, kuti Rugwaro ruitike, akati: Ndinenyota. Pakaŋga pamire’po hari izere nevinega; ɀino ʋakaisa cipanje cizere nevinega parutanda rwehisopi, ʋakaruisa kumuromo wake. Ɀino Jesu wakati agamucira vinega, akati: Ɀapera! akakotamisa musoro wake, akapa Mŋari mŋeya wake. Ɀino ɀawaiʋa musi woKugadzirira paseka, ʋaJuda ʋakakumbira kunaPirato kuti makumbo aʋo avunwe, ʋabviswe, kuti mitumbu irege kugara pamucinjikwa nesaɓata, nokuti zuʋa iro resaɓata raiʋa guru. Naiɀoɀo ʋarwi ʋakaʋuya, ʋakavuna makumbo owokutaŋga, noomumŋe wakaŋga aroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye; asi ʋakati ʋaciȿika kunaJesu, ʋaciʋona kuti watofa hake, haʋana‐kuvuna makumbo ake, asi mumŋe murwi wakaɓaya rutiʋi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura ɀikaɓuɗa. Uyo wakaʋona, ndiye wakapupura, ʋuye kupupura kwake ndokwaɀokwaɗi; iye unoziʋa kuti unoreʋa ɀirokwaɀo, kuti nemi ʋo mutende. Nokuti iɀoɀo ɀakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti: Fupa rake hariŋgavunwi. Norumŋe Rugwaro ɀe runoti: Ʋacatarira uyo waʋakabvoʋora.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 19

Johani 19:17-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)