Johani 19:16-18
Johani 19:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakupedzisira Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe. Saka varwi vakatora Jesu. Akatakura muchinjikwa wake, akabuda akaenda kunzvimbo yeDehenya (zvichireva kuti Gorogota muchiHebheru). Ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navamwe vaviri, mumwe kuno rumwe rutivi nomumwe kuno rumwe rutivi, uye Jesu ari pakati.
Johani 19:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa. Zvino vakaenda naJesu; akabuda, achitakura muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi, “Dehenya,” nechiHebheru ichinzi, “Gorogota,” pavakamurovera pamuchinjikwa, navamwe vaviri naye, mumwe kune rumwe rutivi, mumwe kune rumwe rutivi, Jesu pakati.
Johani 19:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe pamuchinjikwa. Saizvozvo vakatora Jesu akabuda akaenda akatakura muchinjikwa wake kunzvimbo inonzi, “Dehenya,” kana kuti, “Gorogota.” MuchiHebheru. Ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa ipapo aina vamwe vaviri vachiti mumwe uku mumwe uku iye ari pakati.
Johani 19:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo akamuisa kwaʋari, kuti aroʋerwe pamucinjikwa. Ɀino ʋakaenda naJesu; akaɓuɗa, acitakura mucinjikwa wake, akaenda kunɀimbo yainzi, Ƌehenya, neciHeberu icinzi Gorgota, paʋakamuroʋera pamucinjikwa, naʋamŋe ʋaʋiri naye, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, Jesu pakati.
Johani 19:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)