Johani 19:10-11
Johani 19:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pirato akati, “Haudi kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura kana kukuroverera pamuchinjikwa?” Jesu akapindura akati, “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu kana usina kuripiwa richibva kumusoro. Naizvozvo uyo andiisa kwauri ane mhosva yechivi chikuru.”
Johani 19:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Pirato akati kwaari, “Hautauri neni here? Hauzivisu kuti ndine simba rokukusunungura, nesimba rokukurovera pamuchinjikwa?” Jesu akamupindura, akati, “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, kana usina kuripiwa richibva kumusoro; naizvozvo akandiisa kwauri, ane zvivi zvinokunda zvako.”
Johani 19:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo Pirato akati kwaari, “Hausikuda kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura nesimba rokukuroverera pamuchinjikwa?” Jesu akamupindura achiti, “Hamungavi nesimba pandiri kana musina kutoripiwa richibva kumusoro. Nezvo anditurira kwamuri anechitadzo chikuru kupfuura imi.”
Johani 19:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauziʋi su kuti ndinesimba rokukusunuŋgura, nesimba rokukuroʋera pamucinjikwa? Jesu akamupindura, akati: Hauŋgatoŋgoʋi nesimba pamsoro paŋgu, kana usina‐kuripiwa ricibʋa kumsoro; naiɀoɀo wakandiisa kwauri, uneɀiʋi ɀinokunda ɀako.
Johani 19:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)