Johani 17:18-21
Johani 17:18-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sezvamakandituma munyika, neniwo ndakavatuma munyika. Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuti naivowo vaitwe vatsvene muzvokwadi. “Munyengetero wangu hausi waava voga. Ndinonyengetererawo avo vachazotenda kwandiri kubudikidza nemharidzo yavo, kuti vose vave vamwe, Baba, sezvo imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri. Naivowo ngavave matiri kuitira kuti nyika igotenda kuti makandituma.

Johani 17:18-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika. Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muchokwadi. “Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vanotendawo kwandiri neshoko ravo, kuti vose vave vamwe; semi baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.
Johani 17:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sokundituma kwamakaita pasi pano neniwo ndavakuvatuma kupasi pose. Nokuda kwavo ndinozvipira kuti ivo vazvipirewo kuchokwadi. “Handinamatire ava bedzi asi ndinonamatira avo vachatenda mandiri pamusana pezwi ravo. Kuti vose zvavo vave vamwechete sezvakangoita kuti imi Baba muri mandiri ini ndiri mamuri ivowo ngavave matiri kuti pasi padavire kuti imi ndimi makandituma.
Johani 17:18-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Seɀamakandituma panyika imi, saiɀoɀo neni ndakaʋatuma panyika. Ndinoɀiita mutȿene nokuɗa kwaʋo, kuti naiʋo ʋaitwe ʋatȿene muɀokwaɗi. Handinyeŋgetereri aʋa ɓedzi, asi naiʋo ʋanotenda ʋo kwandiri neshoko raʋo, kuti ʋose ʋaʋe ʋamŋe; semi Ƃaɓa muri mandiri, neni mamuri; kuti naiʋo ʋaʋe matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.
Johani 17:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)