Johani 17:15-19
Johani 17:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munyengetero wangu hausi wokuti muvabvise panyika asi kuti muvadzivirire pane akaipa. Havasi venyika, seni ndisiri wenyika. Vaitei vatsvene nechokwadi chenyu; shoko renyu ndiro chokwadi. Sezvamakandituma munyika, neniwo ndakavatuma munyika. Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuti naivowo vaitwe vatsvene muzvokwadi.
Johani 17:15-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete panowakaipa. Havasi venyika, seni ndisi wenyika. “Muvaite vatsvene muchokwadi; shoko renyu ichokwadi. Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika. Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muchokwadi.
Johani 17:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Handisi kunamatira kuti muvabvise pasi pano asi kuti muvadzivirire kune wakaipa uya. Havasi vapasi pano sezvandisiriwo wapasi pano. Vaitei kuti vave vatsvene muchokwadi izwi renyu ichokwadi. Sokundituma kwamakaita pasi pano neniwo ndavakuvatuma kupasi pose. Nokuda kwavo ndinozvipira kuti ivo vazvipirewo kuchokwadi.
Johani 17:15-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Handinyeŋgeteri kuti muʋabvise panyika, asi kuti muʋaceŋgete panowakaipa. Haʋazi ʋenyika, seni ndisi wenyika. Muʋaite ʋatȿene muɀokwaɗi; shoko renyu iɀokwaɗi. Seɀamakandituma panyika imi, saiɀoɀo neni ndakaʋatuma panyika. Ndinoɀiita mutȿene nokuɗa kwaʋo, kuti naiʋo ʋaitwe ʋatȿene muɀokwaɗi.
Johani 17:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)