Johani 17:10-19
Johani 17:10-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvose zvandinazvo ndezvenyu, uye zvose zvamunazvo ndezvangu. Uye kukudzwa kwakauya kwandiri kubudikidza navo. Ini handichagarizve munyika, asi ivo vachiri munyika, uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vadzivirirei nesimba rezita renyu, zita ramakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe. Pandainge ndiinavo, ndakavadzivirira uye ndikavachengeta zvakanaka nezita ramakandipa. Hakuna akarasika kunze kwouyo akatongerwa kuparadzwa kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe. “Zvino ini ndiri kuuya kwamuri, asi ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri munyika, kuitira kuti vave nomufaro wangu wakazara mukati mavo. Ndakavapa shoko renyu uye nyika yakavavenga, nokuti havachisiri venyika sezvandisiri wenyika. Munyengetero wangu hausi wokuti muvabvise panyika asi kuti muvadzivirire pane akaipa. Havasi venyika, seni ndisiri wenyika. Vaitei vatsvene nechokwadi chenyu; shoko renyu ndiro chokwadi. Sezvamakandituma munyika, neniwo ndakavatuma munyika. Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuti naivowo vaitwe vatsvene muzvokwadi.
Johani 17:10-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; ndakudzwa mavari. Ini handichiri munyika, asi ivo vari munyika; ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, muvachengete muzita renyu, ramakandipa, kuti vave vamwe, sesu. Ndichiri navo, ini ndaivachengeta muzita renyu, ramakandipa; hapana mumwe wavo wakarasika, asi mwanakomana wokuraswa, kuti Rugwaro ruitike. Asi zvino ndouya kwamuri; ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadzika mavari. “Ini ndakavapa shoko renyu nyika ikavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisi wenyika. Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete panowakaipa. Havasi venyika, seni ndisi wenyika. “Muvaite vatsvene muchokwadi; shoko renyu ichokwadi. Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika. Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muchokwadi.
Johani 17:10-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvose zvangu ndezvenyu uye zvenyu ndezvangu uyezve ndinowana mbiri mavari. Zvino handichisiri pasi pano asi ivo vari pasi pano ini ndavakuuya kwamuri. Baba vatsvene, vanhu vamakandipa vachengetei muzita renyu. Pandakanga ndiinavo vanhu vamakandipa ndakavachengeta muzita renyu. Ndakavachengetedza zvokuti hapana akarasika kusiya uya wekashambwa kokuraswa kuti Magwaro Matsvene azadzikiswe. Asi zvino ndavakuuya kwamuri ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri pasi pano kuti kufara kwangu kunyatsozara chaizvo mavari. Inini ndakavapa shoko renyu, pasi pakavavenga nokuti havasi vapasi pano sezvandisiriwo wapasi pano. Handisi kunamatira kuti muvabvise pasi pano asi kuti muvadzivirire kune wakaipa uya. Havasi vapasi pano sezvandisiriwo wapasi pano. Vaitei kuti vave vatsvene muchokwadi izwi renyu ichokwadi. Sokundituma kwamakaita pasi pano neniwo ndavakuvatuma kupasi pose. Nokuda kwavo ndinozvipira kuti ivo vazvipirewo kuchokwadi.
Johani 17:10-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀose ɀaŋgu ndeɀenyu, neɀenyu ndeɀaŋgu; ndakudzwa maʋari. Ini handiciri munyika, asi iʋo ʋari munyika; ini ndinoʋuya kwamuri. Ƃaɓa ʋatȿene, muʋaceŋgete muzita renyu, ramakandipa, kuti ʋaʋe ʋamŋe, sesu. Ndiciri naʋo, ini ndaiʋaceŋgeta muzita renyu, ramakandipa; ndakaʋarinda, hapanomumŋe waʋo wakarashika, asi mŋanakomana wokurashwa, kuti Rugwaro ruitike. Asi ɀino ndoʋuya kwamuri; ndinotaura iɀi panyika, kuti ʋaʋe nomufaro waŋgu, wakazadzika maʋari. Ini ndakaʋapa shoko renyu, nyika ikaʋaʋeŋga, nokuti haʋazi ʋenyika, seni ndisi wenyika. Handinyeŋgeteri kuti muʋabvise panyika, asi kuti muʋaceŋgete panowakaipa. Haʋazi ʋenyika, seni ndisi wenyika. Muʋaite ʋatȿene muɀokwaɗi; shoko renyu iɀokwaɗi. Seɀamakandituma panyika imi, saiɀoɀo neni ndakaʋatuma panyika. Ndinoɀiita mutȿene nokuɗa kwaʋo, kuti naiʋo ʋaitwe ʋatȿene muɀokwaɗi.
Johani 17:10-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)