Johani 16:23-24
Johani 16:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Panguva iyoyo hapana chamunozombondibvunza; idi chaizvo ndinoti kwamuri, kana mukakumbira chii zvacho kuna Baba muzita rangu vachakupai. Kusvikira pari zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu chikumbirai muchapiwa kuti rufaro rwenyu ruzare.
Johani 16:23-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara.
Johani 16:23-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvose zvamunenge muchakumbira kuna baba, vachakupai izvo muzita rangu. Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, muchapiwa, mufaro wenyu uzadzike.
Johani 16:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panguva iyoyo hapana chamunozombondibvunza; idi chaizvo ndinoti kwamuri, kana mukakumbira chii zvacho kuna Baba muzita rangu vachakupai. Kusvikira pari zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu chikumbirai muchapiwa kuti rufaro rwenyu ruzare.
Johani 16:23-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nezuʋa iro hamuŋgazondibvunzi cinhu. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinot kwamuri: Ɀose ɀamuneŋge mucakumbira kunaƂaɓa, ʋacakupai iɀo muzita raŋgu. Kuȿikira ɀino hamuna‐kukumbira cinhu muzita raŋgu; kumbirai, mucapiwa, mufaro wenyu uzadzike.