Johani 16:22-24
Johani 16:22-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo nemiwo zvino inguva yenyu yokusuwa, asi ndichakuonai zvakare uye muchafara, uye hakuna achakutorerai mufaro wenyu. Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara.
Johani 16:22-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nemi zvino mune shungu; asi ndichakuonaizve, nomwoyo yenyu ichafara; hakuna munhu angakutorerai mufaro wenyu. “Nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvose zvamunenge muchakumbira kuna baba, vachakupai izvo muzita rangu. Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, muchapiwa, mufaro wenyu uzadzike.
Johani 16:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo imi muri kusuruvara zvino asi ndichakuonaizve. Ipapo mwoyo yenyu ichafara hapana anozokutorerai rufaro rwenyu. Panguva iyoyo hapana chamunozombondibvunza; idi chaizvo ndinoti kwamuri, kana mukakumbira chii zvacho kuna Baba muzita rangu vachakupai. Kusvikira pari zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu chikumbirai muchapiwa kuti rufaro rwenyu ruzare.
Johani 16:22-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nemi ɀino muneshuŋgu; asi ndicakuʋonai ɀe, nomŋoyo yenyu icafara; hakunomunhu uŋgakutorerai mufaro wenyu. Nezuʋa iro hamuŋgazondibvunzi cinhu. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinot kwamuri: Ɀose ɀamuneŋge mucakumbira kunaƂaɓa, ʋacakupai iɀo muzita raŋgu. Kuȿikira ɀino hamuna‐kukumbira cinhu muzita raŋgu; kumbirai, mucapiwa, mufaro wenyu uzadzike.
Johani 16:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)