Johani 16:17
Johani 16:17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vamwe vadzidzi vake vakataurirana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondioni, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona,’ uye ‘Nokuti ndiri kuenda kuna Baba’?”
Johani 16:17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vamwe vavadzidzi vake vakataurirana, vachiti, “Chinyiko ichi chaanoreva kwatiri, kuti, ‘Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona, uye, nokuti, ndinoenda kuna baba?’
Johani 16:17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vamwe vadzidzi vakataurirana vachiti, “Ko chiiko chaanoti kwatiri kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni uye kozoita chimwe chinguvazve chiduku mozondiona nokuti ndiri kuenda kuna Baba?”
Johani 16:17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋamŋe ʋaʋadzidzi ʋake ʋakataurirana, ʋaciti: Cinyiko ici caanoreʋa kwatiri, kuti: Ciŋguʋa ciɗuku casara, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe, ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona, ʋuye: Nokuti ndinoenda kunaƂaɓa?