Johani 16:1-28
Johani 16:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndakuudzai zvose izvi kuitira kuti murege kutsauka. Vachakubudisai musinagoge; chokwadi ndechokuti, nguva iri kuuya yokuti munhu anokuurayai achafunga kuti ari kushandira Mwari. Vachaita zvinhu zvakadai nokuti havana kuziva Baba kana ini. Ndakuudzai izvi, kuitira kuti kana nguva yacho yasvika, imi mucharangarira kuti ndakakuyambirai. Handina kukutaurirai izvi pakutanga nokuti ndakanga ndinemi. “Zvino ndava kuenda kune akandituma, asi hakuna mumwe wenyu anondibvunza kuti, ‘Muri kuendepiko?’ Nokuti ndataura zvinhu izvi, mwoyo yenyu yazara neshungu. Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai kuti ini ndiende. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa: pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri; pamusoro pokururama, nokuti ndiri kuenda kuna Baba, kwamusingazondionizve; uye pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atotongwa. “Ndine zvizhinji zvokutaura kwamuri, zvakawanda zvokuti hamungagoni kuzvitakura iye zvino. Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya. Achauyisa kukudzwa kwandiri nokutora pane zvangu achizvizivisa kwamuri. Zvose zvaBaba ndezvangu. Ndokusaka ndakati Mweya achatora zvangu agozvizivisa kwamuri. “Muchinguva chiduku, hamuchazondionizve, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona.” Vamwe vadzidzi vake vakataurirana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondioni, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona,’ uye ‘Nokuti ndiri kuenda kuna Baba’?” Vakaramba vachingobvunzana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Chinguva chiduku’? Hatinzwisisi zvaanoreva isu.” Jesu akaona kuti vaida kumubvunza pamusoro pazvo, saka akati kwavari, “Ko, muri kubvunzana pamusoro pezvandanga ndichireva here pandati, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondionizve, uye shure kwechinguva chiduku muchandiona’? Ndinokuudzai chokwadi, muchachema uye mugoungudza asi nyika ichifara. Muchasuwa, uye kusuwa kwenyu kuchashanduka kukava mufaro. Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika. Naizvozvo nemiwo zvino inguva yenyu yokusuwa, asi ndichakuonai zvakare uye muchafara, uye hakuna achakutorerai mufaro wenyu. Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara. “Kunyange ndanga ndichitaura nomufananidzo, nguva inouya yandisingazotauri nemifananidzo, asi ndichakuudzai pachena pamusoro paBaba vangu. Pazuva iro, muchakumbira muzita rangu. Handisi kuti ndichakumbira Baba panzvimbo yenyu. Kwete, Baba pachavo vanokudai nokuti makandida, uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari. Ndakabva kuna Baba ndikapinda munyika; zvino ndava kusiya nyika ndichidzokera kuna Baba.”
Johani 16:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvinhu izvi ndakakuudzai, kuti murege kugumburwa. Vachakubudisai mumasinagoge; asi nguva inosvika, mumwe nomumwe wakakuurayai, achati anobatira Mwari basa. Zvinhu izvi vachaita, nokuti havana kuziva baba, kana ini. “Asi ndakakuudzai izvi, kuti kana nguva yazvo yasvika, mugozviyeuka, kuti ndakakuudzai. Handina kukuudzai izvi kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemi. Asi zvino ndinoenda kune akandituma; hakuna mumwe wenyu anondibvunza, achiti, ‘Munoendepiko?’ Asi zvino mwoyo yenyu yafa neshungu zvandakakuudzai izvi. Asi ini ndinokuudzai zvechokwadi, kana ndichiti, zviri nani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. “Iye kana asvika achazivisa nyika pamusoro pezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa; pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwandiri; pamusoro pokururama, nokuti ndinoenda kuna baba, hamungazondioni; pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atongwa kare. “Ndine zvizhinji zvandinoda kukuudzai; asi hamugoni kuzvigamuchira zvino. “Asi kana asvika, iye Mweya wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, uye achakuparidzirai zvinouya. Achandikudza, nokuti achatora pane zvangu achikuparidzai izvo. Zvose baba zvavanazvo, ndezvangu; naizvozvo ndakati, achatora pane zvangu, achikuparidzai izvo. “Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve chinguva chiduku, muchandiona.” Zvino vamwe vavadzidzi vake vakataurirana, vachiti, “Chinyiko ichi chaanoreva kwatiri, kuti, ‘Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona, uye, nokuti, ndinoenda kuna baba?’ Naizvozvo vakati, chinyiko chaanoti, ‘Chasara chinguva chiduku?’ Hatizivi chaanotaura.” Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza, akati kwavari, “Munobvunzana here pamusoro pechinhu ichi chandareva, ndichiti, ‘Chasara chinguva chiduku, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona?’ “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mucharira nokuchema imi, asi nyika ichafara; imi muchanzwa shungu, asi shungu dzenyu dzichasanduka mufaro. “Mukadzi kana achipona, anonzwa shungu, nokuti nguva yake yasvika; asi kana apona mwana, haachafungi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu aponwa panyika. Nemi zvino mune shungu; asi ndichakuonaizve, nomwoyo yenyu ichafara; hakuna munhu angakutorerai mufaro wenyu. “Nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvose zvamunenge muchakumbira kuna baba, vachakupai izvo muzita rangu. Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, muchapiwa, mufaro wenyu uzadzike. “Izvi ndakataura kwamuri nemifananidzo, nguva inouya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndichakuparidzira pachena zvababa. “Nezuva iro muchakumbira muzita rangu; handikuudzii, kuti ndichakunyengeterera ini kuna baba; nokuti baba vemene vanokudai, nokuti makandida ini, mukatenda, kuti ini ndakabva kuna baba. Ndakabva kuna baba, ndikauya panyika; ndinobvazve panyika, ndichienda kuna baba.”
Johani 16:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndataura zvose izvi kwamuri kuti murege kurasika. Vachakudzingai mumaSinagogu. Chokwadi, chokwadi nguva iri kuuya yokuti anokuurayai achafunga kuti ari kutoitira Mwari. Vachaita izvozvo nokuti havana kuziva Baba kana kuziva ini. Asi ndataura izvi kwamuri kuti kana nguva yazvo yosvika, muyeuke kuti ndakambokutaurirai nezvazvo. “Handina kunge ndichikutaurirai zvinhu izvi pakutanga nokuti ndanga ndiinemi. Asi zvino ndavakuenda kuna akandituma. Hapana mumwe wenyu ari kumbondibvunza kuti ko muri kuenda kupi? Asi pamusana pokuti ndataura izvi kwamuri masuruvara mwoyo zvikuru. Zvakadaro zvazvo, ndinokuudzai chokwadi, chokuti zvinotokubatsirai kuti ndiende nokuti ndikarega kuenda, Murevereri uya haazouya; asi ndikaenda ndichamutumira kwamuri. Paanouya achazivisa nyika kuti ine mhosva yechitadzo uye kuti ine mhosva pamafungiro ayo nezvoururami uyewo kuti ine mhosva panezvokutonga. Panezve chitadzo, nokuti havadaviri mandiri. Pane zvoururami, nokuti ini ndava kutoenda kuna Baba uye hamuzoramba muchindiona. “Pane zvokutonga, nokuti mutongi wapasi pano ava kutotongwa. “Ndine zvizhinji zvandingade kukutaurirai asi parizvino hamungakwanisani nazvo. Kana Mweya wechokwadi auya achakutungamirirai muchokwadi chose, nokuti anenge asingatauri zvomusoro wake. Zvaanenge anzwa ndizvo zvaanotaura; achakutaurirai zvinhu zvichauya. Achandiwanisa mukurumbira achitora zvandinotaura achizvitaura kwamuri. Zvose zvaBaba ndezvangu, ndokusaka ndati achatora zvandinenge ndataura achikutaurirai. “Kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni kozoita chimwe chinguva chidukuzve mozondiona.” Vamwe vadzidzi vakataurirana vachiti, “Ko chiiko chaanoti kwatiri kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni uye kozoita chimwe chinguvazve chiduku mozondiona nokuti ndiri kuenda kuna Baba?” Vakati, “Anoreveiko nezvaanoti, ‘Kwasara chinguva chiduku.’ Hatizive zvaanoreva.” Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza. Naizvozvo akati kwavari, “Muri kubvunzana zvandanga ndichireva here ndichiti, ‘Kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni. Kwozoita chimwe chinguva chidukuzve mozondiona.’ Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri muchachema nokuungudza asi pasi pari mumafaro. Imi muchasuruvara asi kusuruvara kwenyu kuchasanduka kuchiva kufara. Kana munhukadzi ava kusununguka anorwadziwa, nokuti nguva yake inenge yasvika asi kana asununguka mwana, haazoyeuka kurwadziwa kuya norufaro rwokuti munyika maberekwa munhu. Saizvozvo imi muri kusuruvara zvino asi ndichakuonaizve. Ipapo mwoyo yenyu ichafara hapana anozokutorerai rufaro rwenyu. Panguva iyoyo hapana chamunozombondibvunza; idi chaizvo ndinoti kwamuri, kana mukakumbira chii zvacho kuna Baba muzita rangu vachakupai. Kusvikira pari zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu chikumbirai muchapiwa kuti rufaro rwenyu ruzare. “Ndanga ndichitaura izvi kwamuri namadimikira nguva iri kuuya yandinenge ndisingazotauri kwamuri namadimikira yandinenge ndokutaurirai zviri pachena nezvaBaba. Pazuva iroro muchakumbira muzita rangu; handiti kwamuri ndichakukumbirirai kuna Baba. Aiwa! Ivo Baba pachavo vanokudai nokuti imi makandida uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari. Ini ndakabva kuna Baba ndikauya pasi pano asi zvavapo ndezvokuti ndava kubva pasi ndichienda kuna Baba.”
Johani 16:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀinhu iɀi ndakakuʋudzai, kuti murege kugumburwa. Ʋacakuɓuɗisai mumasinagoge; asi ŋguʋa inoȿika, mumŋe nomumŋe wakakuʋurayai, ucati unoɓatira Mŋari ɓasa. Ɀinhu iɀi ʋacaita, nokuti haʋana‐kuziʋa Ƃaɓa, kana ini. Asi ndakakuʋudzai iɀi, kuti kana ŋguʋa yaɀo yaȿika, mugoɀiraŋgarira, kuti ndakakuʋudzai. Handina‐kukuʋudzai iɀi kubva pakutaŋga, nokuti ndaiʋa nemi. Asi ɀino ndinoenda kunowakandituma; hakunomumŋe wenyu unondibvunza, aciti: Munoendepiko? Asi ɀino mŋoyo yenyu yafa neshuŋgu ɀandakakuʋudzai iɀi. Asi ini ndinokuʋudzai ɀokwaɗi, kana ndiciti: Ɀirinani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisiŋgaendi, Munyaradzi haaŋgaʋuyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndicamutumira kwamuri. Iye kana aȿika, ucaziʋisa nyika pamsoro peɀiʋi, napamsoro pokururama, napamsoro pokutoŋgwa; pamsoro peɀiʋi, nokuti haʋatendi kwandiri; pamsoro pokururama, nokuti ndinoenda kunaƂaɓa, hamuŋgazondiʋoni; pamsoro pokutoŋgwa, nokuti mucinda wenyika ino watoŋgwa. Ndineɀizhinji ɀandinoɗa kukuʋudzai; asi hamugoni kuɀigamucira ɀino. Asi kana aȿika, iye Mŋeya waɀokwaɗi, ucakutuŋgamirirai muɀokwaɗi yose; nokuti haaŋgatauri ɀake, asi ɀaakanzwa, ndiɀo ɀaacataura, ʋuye ucakuparidzirai ɀinoʋuya. Ucandikudza, nokuti ucatora paneɀaŋgu, akakuparidzai iɀo. Ɀose Ƃaɓa ɀaʋanaɀo, ndeɀaŋgu; naiɀoɀo ndakati: Ucatora paneɀaŋgu, akakuparidzai iɀo. Ciŋguʋa ciɗuku casara, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona. Ɀino ʋamŋe ʋaʋadzidzi ʋake ʋakataurirana, ʋaciti: Cinyiko ici caanoreʋa kwatiri, kuti: Ciŋguʋa ciɗuku casara, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe, ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona, ʋuye: Nokuti ndinoenda kunaƂaɓa? Naiɀoɀo ʋakati: Cinyiko caanoti: Casara ciŋguʋa ciɗuku? Hatiziʋi caanotaura. Jesu akaziʋa kuti ʋanoɗa kumubvunza, akati kwaʋari: Munobvunzana here pamsoro pecinhu ici candareʋa, ndiciti: Casara ciŋguʋa ciɗuku, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe, ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona? Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mucarira nokucema imi, asi nyika icafara; imi mucanzwa shuŋgu, asi shuŋgu dzenyu dzicashanduka mufaro. Mukadzi kana acipona, unonzwa shuŋgu, nokuti ŋguʋa yake yaȿika; asi kana apona mŋana, haacafuŋgi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu waponerwa panyika. Nemi ɀino muneshuŋgu; asi ndicakuʋonai ɀe, nomŋoyo yenyu icafara; hakunomunhu uŋgakutorerai mufaro wenyu. Nezuʋa iro hamuŋgazondibvunzi cinhu. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinot kwamuri: Ɀose ɀamuneŋge mucakumbira kunaƂaɓa, ʋacakupai iɀo muzita raŋgu. Kuȿikira ɀino hamuna‐kukumbira cinhu muzita raŋgu; kumbirai, mucapiwa, mufaro wenyu uzadzike. Iɀi ndakataura kwamuri nemifananidzo, ŋguʋa inoʋuya yandisiŋgazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndicakuparidzirai pacena ɀaƂaɓa. Nezuʋa iro mucakumbira muzita raŋgu; handikuʋudziyi, kuti ndicakunyeŋgeterera ini kunaƂaɓa; nokuti Ƃaɓa ʋamene ʋanokuɗai, nokuti makandiɗa ini, mukatenda, kuti ini ndakabva kunaƂaɓa. Ndakabva kunaƂaɓa, ndikaʋuya panyika; ndinobva ɀe panyika, ndicienda kunaƂaɓa.
Johani 16:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)