Johani 15:18-25
Johani 15:18-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Kana pasi pachikuvengai, zivai kuti pakandivengawo pasati pakuvengai imi. Dai muri vapasi pano, pasi pangadai pachitokudai savanhu vapo. Asi pamusana pokuti hamusi vapasi pano, uye nokuti ndakakutsaurai kubva pasi pano, ndokusaka pasi pachikuvengai. Rangarirai izwi randakutaurirai rokuti muranda haasiri mukuru pana tenzi wake. Kana vakandionesa nhamo, vachakuonesaiwo nhamo. Kana vakachengeta izwi rangu vachachengetawo renyu. Zvose izvozvi vachazviita kwamuri pamusana pangu nokuti akandituma havamuzivi. Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chitadzo; asi mhosva yechitadzo ichocho hapana pavachainzvenge napo. Anondivenga anovengawo Baba vangu. Dai ndisina kumboita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nani nani zvake, vangadai vasina chitadzo. Asi zvino vakaaona vakabva vatovenga ini pamwechete naBaba vangu. Izvi zvinozadzisa zvakanyorwa mumutemo wavo zvokuti, ‘Vakandivenga ini ndisina mhosva.’
Johani 15:18-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kana nyika ichikuvengai, muyeuke kuti yakatanga kuvenga ini. Dai manga muri venyika, ingadai ichikudai sezvainoda vayo. Zvino, hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kuti mubude munyika. Ndokusaka nyika ichikuvengai. Rangarirai mashoko andakataura kwamuri anoti, ‘Hakuna muranda angava mukuru kuna tenzi wake.’ Kana vakatambudza ini, vachakutambudzaiwo imi. Kana vakateerera kudzidzisa kwangu, vachateererawo kudzidzisa kwenyu. Vachakubatai nenzira iyi nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi Iye akandituma. Dai ndakanga ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina mhosva yechivi ichi. Zvino, kunyange zvakadaro, havana chikonzero chokuita chivi chavo. Uyo anondivenga anovengawo Baba vangu. Dai ndanga ndisina kuita pakati pavo zvisina kutongoitwa nomunhu, vangadai vasina mhosva yechivi. Asi zvino vakaona zviratidzo izvi, asi vakandivenga ini naBaba vangu. Asi uku ndiko kuzadziswa kwezvakanyorwa muMurayiro wavo zvinoti: ‘Vakandivenga pasina chikonzero.’
Johani 15:18-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga ini, isati yakuvengai imi. Kana maiva venyika, nyika yaidana vayo; zvino zvamusati muri venyika, asi ini ndakakusanangurai panyika, saka nyika inokuvengai. Rangarirai shoko randakareva kwamuri, ndichiti, ‘Muranda haasi mukuru kuna ishe wake.’ Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengeta nerenyuwo. Asi izvi zvose vachakuitirai nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi akandituma. Dai ndisina kuuya, ndikataura navo, vangadai vasina zvivi; asi zvino havana pembedzo yezvivi zvavo. Anondivenga, anovenga nababa vanguo. “Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhu, vangadai vasina zvivi; asi zvino vakaona, nokundivenga ini nababa vangu. “Asi zvakaitwa, kuti shoko rakanyorwa mumurayiro wavo, riitike, rinoti, ‘Vakandivenga ndisina mhosva.’
Johani 15:18-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kana pasi pachikuvengai, zivai kuti pakandivengawo pasati pakuvengai imi. Dai muri vapasi pano, pasi pangadai pachitokudai savanhu vapo. Asi pamusana pokuti hamusi vapasi pano, uye nokuti ndakakutsaurai kubva pasi pano, ndokusaka pasi pachikuvengai. Rangarirai izwi randakutaurirai rokuti muranda haasiri mukuru pana tenzi wake. Kana vakandionesa nhamo, vachakuonesaiwo nhamo. Kana vakachengeta izwi rangu vachachengetawo renyu. Zvose izvozvi vachazviita kwamuri pamusana pangu nokuti akandituma havamuzivi. Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chitadzo; asi mhosva yechitadzo ichocho hapana pavachainzvenge napo. Anondivenga anovengawo Baba vangu. Dai ndisina kumboita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nani nani zvake, vangadai vasina chitadzo. Asi zvino vakaaona vakabva vatovenga ini pamwechete naBaba vangu. Izvi zvinozadzisa zvakanyorwa mumutemo wavo zvokuti, ‘Vakandivenga ini ndisina mhosva.’
Johani 15:18-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana nyika icikuʋeŋgai, muziʋe kuti yakandiʋeŋga ini, isati yakuʋeŋgai imi. Kana maiʋa ʋenyika, nyika yaiɗa ʋayo; ɀino ɀamusati muri ʋenyika, asi ini ndakakusanaŋgurai panyika, saka nyika inokuʋeŋgai. Raŋgarirai shoko randakareʋa kwamuri, ndiciti: Muranda haazi mukuru kunashe wake. Kana ʋakanditambudza ini, ʋacakutambudzai nemi ʋo; kana ʋakaceŋgeta shoko raŋgu, ʋacaceŋgeta nerenyu ʋo. Asi iɀi ɀose ʋacakuitirai nokuɗa kwezita raŋgu, nokuti haʋaziʋi wakandituma. Ƌai ndisina‐kuʋuya, ndikataura naʋo, ʋaŋgaɗai ʋasineɀiʋi; asi ɀino haʋanepembedzo yeɀiʋi ɀaʋo. Unondiʋeŋga, unoʋeŋga naƂaɓa ʋaŋgu ʋo. Ƌai ndisina‐kuita pakati paʋo maɓasa asina‐kumboitwa nomumŋe munhu, ʋaŋgaɗai ʋasineɀiʋi; asi ɀino ʋakaʋona, nokundiʋeŋga ini naƂaɓa ʋaŋgu. Asi ɀakaitwa, kuti shoko rakanyorwa pamurairo waʋo, riitike, rinoti: Ʋakandiʋeŋga ndisinemhoȿa.