Johani 15:16-20
Johani 15:16-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Uyu ndiwo murayiro wangu: Dananai. “Kana nyika ichikuvengai, muyeuke kuti yakatanga kuvenga ini. Dai manga muri venyika, ingadai ichikudai sezvainoda vayo. Zvino, hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kuti mubude munyika. Ndokusaka nyika ichikuvengai. Rangarirai mashoko andakataura kwamuri anoti, ‘Hakuna muranda angava mukuru kuna tenzi wake.’ Kana vakatambudza ini, vachakutambudzaiwo imi. Kana vakateerera kudzidzisa kwangu, vachateererawo kudzidzisa kwenyu.
Johani 15:16-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Imi hamuna kundisanangura, asi ini ndakakusanangurai imi, ndikakuisai kuti muende mubereke michero, uye kuti michero yenyu igare; kuti chinhu chipi nechipi chamunenge muchikumbira kuna baba muzita rangu, vakupei icho. “Ndizvozvi zvandinokurayirai, kuti mudane. “Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga ini, isati yakuvengai imi. Kana maiva venyika, nyika yaidana vayo; zvino zvamusati muri venyika, asi ini ndakakusanangurai panyika, saka nyika inokuvengai. Rangarirai shoko randakareva kwamuri, ndichiti, ‘Muranda haasi mukuru kuna ishe wake.’ Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengeta nerenyuwo.
Johani 15:16-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hamuna kundisarudza, asi ini ndini ndakatokusarudzai ndikakupai basa rokuti muende mundobereka muchero uye kuti muchero wenyu uve unogara kuti chipi nechipi chamunokumbira Baba muzita rangu vakupei. Mutemo wandinokutemerai ndouyu wokuti, idanai. “Kana pasi pachikuvengai, zivai kuti pakandivengawo pasati pakuvengai imi. Dai muri vapasi pano, pasi pangadai pachitokudai savanhu vapo. Asi pamusana pokuti hamusi vapasi pano, uye nokuti ndakakutsaurai kubva pasi pano, ndokusaka pasi pachikuvengai. Rangarirai izwi randakutaurirai rokuti muranda haasiri mukuru pana tenzi wake. Kana vakandionesa nhamo, vachakuonesaiwo nhamo. Kana vakachengeta izwi rangu vachachengetawo renyu.
Johani 15:16-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi hamuna‐kundisanaŋgura, asi ini ndakakusanaŋgurai imi, ndikakuisai kuti muende muɓereke ɀiɓereko, ʋuye kuti ɀiɓereko ɀenyu ɀigare; kuti cinhu cipi necipi camuneŋge mucikumbira kunaƂaɓa muzita raŋgu, ʋakupei ico. Ndiɀoɀi ɀandinokurairai, kuti muɗane. Kana nyika icikuʋeŋgai, muziʋe kuti yakandiʋeŋga ini, isati yakuʋeŋgai imi. Kana maiʋa ʋenyika, nyika yaiɗa ʋayo; ɀino ɀamusati muri ʋenyika, asi ini ndakakusanaŋgurai panyika, saka nyika inokuʋeŋgai. Raŋgarirai shoko randakareʋa kwamuri, ndiciti: Muranda haazi mukuru kunashe wake. Kana ʋakanditambudza ini, ʋacakutambudzai nemi ʋo; kana ʋakaceŋgeta shoko raŋgu, ʋacaceŋgeta nerenyu ʋo.
Johani 15:16-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)