Johani 15:1-2
Johani 15:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi. Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki vanoritema, asi davi rimwe nerimwe rinobereka michero vanorichekerera kuitira kuti rigozobereka michero yakawanda.
Johani 15:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndini mudzambiringa wechokwadi, baba vangu murimi. Davi rimwe nerimwe riri mandiri, risingabereki michero, vanoribvisa; rimwe nerimwe, rinobereka michero, vanorinatsa, kuti riwedzere michero.
Johani 15:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ini ndini mugirepisi wechokwadi Baba vangu ndivo murimi. Bazi rimwe nerimwe risingabereki muchero vanoribvisa. Uye bazi rimwe nerimwe rinobereka muchero, vanoripemhena kuti ribereke muchero wakawanda.
Johani 15:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndini muzambiriŋga waɀokwaɗi, Ƃaɓa ʋaŋgu murimi. Ƌaʋi rimŋe nerimŋe riri mandiri, risiŋgaɓereki ɀiɓereko, ʋanoribvisa; rimŋe nerimŋe, rinoɓereka ɀiɓereko, ʋanorinatsa, kuti riwedzere ɀiɓereko.