Johani 14:4-7
Johani 14:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imi munoziva nzira yokuenda nayo kunzvimbo yandiri kuenda.” Tomasi akati kwaari, “Ishe hatizivi kwamuri kuenda, saka nzira yacho tingaiziva seiko?” Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri. Dai maindiziva chaizvo mungadai maizozivawo Baba vangu. Kubvira zvino, munovaziva uye makavaona.”
Johani 14:4-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Napandinoendanapo, imi munoziva nzira.” Tomasi akati kwaari, “Ishe, hatizivi pamunoenda; nzira tingaiziva seiko?” Jesu akati kwaari, “Ndini nzira, nechokwadi, noupenyu; hapana munhu unouya kuna baba, asi nokwandiri. Dai makanga muchindiziva mungadai maizivawo baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.”
Johani 14:4-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nzira yokwandinoenda munoiziva.” Tomasi akati kwaari, “Tenzi hatizivi kwamuri kuenda tingazive sei nzira yoko?” Jesu akamuti kwaari, “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anosvika kuna Baba asina kuuya nokwandiri. Dai maindiziva maizivawo Baba vangu asi kubvira zvino mavakuvaziva uye makavaona.”
Johani 14:4-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Napandinoenda’po, imi munoziʋa nzira. Tomasi akati kwaari: Ishe, hatiziʋi pamunoenda; nzira tiŋgaiziʋa seiko? Jesu akati kwaari: Ndini nzira, neɀokwaɗi, noʋupenyu; hapanomunhu unoʋuya kunaƂaɓa, asi nokwandiri. Ƌai makaŋga mucindiziʋa, muŋgaɗai maiziʋa ʋo Ƃaɓa ʋaŋgu; kubva ɀino munoʋaziʋa, makaʋaʋona.
Johani 14:4-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)