Johani 14:11-14
Johani 14:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nditendei pandinenge ndichiti, ini ndiri muna Baba uye Baba vari mandiri; kana kuti mutende zviratidzo zvamunoona. Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba. Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.
Johani 14:11-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nditendei kuti ndiri munababa, nababa vari mandiri; kana kusi kudaro, nditendei nokuda kwamabasa amene. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Anotenda kwandiri, mabasa andinoita, iye achaaitawo, achaita makuru kunaawa; nokuti ndinoenda kuna baba. Chinhu chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, kuti baba vakudzwe muMwanakomana. Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita.
Johani 14:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nditendei kuti ini ndiri muna Baba uye kuti Baba vari mandiri kana kuti nditendei nokuda kwamabasa pachawo. “Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, anotenda mandiri achaitawo mabasa andinoita uye achaita mabasa akatokura kupinda aya nokuti ndava kuenda kuna Baba. Chiri chose chamunokumbira muzita rangu ndichachiita kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana. Kana mukakumbira chii zvacho muzita rangu ini ndichachiita.
Johani 14:11-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nditendei kuti ndiri munaƂaɓa, naƂaɓa ʋari mandiri; kana kusi kuɗaro, nditendei nokuɗa kwamaɓasa amene. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, maɓasa andinoita, iye ucaaita ʋo, ucaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaƂaɓa. Cinhu cipi necipi camunokumbira muzita raŋgu, ndicaciita, kuti Ƃaɓa ʋakudzwe muMŋanakomana. Kana mucikumbira cinhu kwandiri muzita raŋgu, ndicaciita.
Johani 14:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)