Johani 14:1-3
Johani 14:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri. Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo. Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri.
Johani 14:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kuna Mwari, mutendewo kwandiri. Mumba mababa vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. “Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozouyazve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapowo.
Johani 14:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Mwoyo yenyu ngairenge kutambudzika tendai muna Mwari mutendewo mandiri. Mumba maBaba vangu kune dzimba dzakawanda dai kwakanga kusina ndingadai ndakakuudzai. Ndiri kuendako kundokugadzirirai pokugara. Kana ndandokugadzirirai pokugara ndichauyazve ndozokutorai kuti kwandichange ndiri, imi muvekowo.
Johani 14:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kunaMŋari, mutende ʋo kwandiri. Mumba maƂaɓa ʋaŋgu munenɀimbo zhinji dzokugara; ɗai kusaiʋa kuɗaro, ndiŋgaɗai ndaikuʋudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozoʋuya ɀe, ndikugamucirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugoʋa’po ʋo.
Johani 14:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)