Johani 13:6-10
Johani 13:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akasvika pana Simoni Petro, iye akati kwaari, “Ishe muri kuda kushambidza tsoka dzangu here?” Jesu akapindura achiti, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.” Simoni Petro akati, “Kwete, imi hamungatongoshambidzi tsoka dzangu.” Jesu akapindura akati, “Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.” Ipapo Simoni Petro akati, “Ishe, ngadzirege kuva tsoka dzangu bedzi asi maoko angu nomusoro wanguwo!” Jesu akapindura akati, “Munhu anenge amboshamba muviri wose, anongoda bedzi kushamba tsoka dzake, muviri wake wose wakachena. Imi makachena, kunyange zvazvo musiri mose vakachena.”
Johani 13:6-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akasvika kuna Simoni Petirosi, iye akati kwaari, “Ishe, imi moshambidza tsoka dzangu kanhi?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Chandinoita hauchizivi zvino; asi uchazvinzwisisa pashure.” Petirosi akati kwaari, “Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nokusingaperi.” Jesu akamupindura, akati, “Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni.” Simoni Petirosi akati kwaari, “Dzirege kuva tsoka dzangu dzoga, asi maoko angu nomusoro wanguo.” Jesu akati kwaari, “Akashambidzwa muviri wose, anofanira woga kuti ashambidzwe tsoka dzake, zvino wanaka kwazvo; imi makanaka, asi hamusi mose.”
Johani 13:6-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakasvika pana Simoni Pita, Pita akati kwaari, “Nhai Tenzi ndimi mungashambidze tsoka dzangu here imi?” Jesu akamupindura achiti, “Zvandiri kuita haungazvizivi iye zvino asi uchazozvinzwisisa pashure.” Pita akati kwaari, “Hamumbofa makashambidza tsoka dzangu.” Jesu akamudaira achiti, “Kana ndisingakushambidze iwe unenge usisina chokuita neni.” Simoni Pita akabva ati kwaari, “Tenzi, kwete tsoka dzangu chete asi maoko angu nomusoro wanguwo.” Jesu akamuti, “Munhu anenge ashamba muviri haana chaanofanira kushambazve kusiya tsoka dzake bedzi nokuti anenge akachena muviri wose. Imi makachena asi kwete mose.”
Johani 13:6-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akaȿika kunaSimoni Petro, iye akati kwaari: Ishe, imi moshambidza tsoka dzaŋgu kanhi? Jesu akapindura, akati kwaari: Candinoita hauciziʋi ɀino; asi ucaɀinzwisisa pashure. Petro akati kwaari: Hamuŋgatoŋgoshambidzi tsoka dzaŋgu nokusiŋgaperi. Jesu akamupindura, akati: Kana ndisiŋgakushambidzi, haunomugoʋe neni. Simoni Petro akati kwaari: Dzirege kuʋa tsoka dzaŋgu dzoga, asi maʋoko aŋgu nomusoro waŋgu ʋo. Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa muʋiri wose, unofanira kwoga kuti ashambidzwe tsoka dzake, ɀino wanaka kwaɀo; imi makanaka, asi hamuzi mose.
Johani 13:6-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)