Johani 13:14-17
Johani 13:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi. Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma. Zvino zvamava kuziva zvinhu izvi, mucharopafadzwa kana mukazviita.
Johani 13:14-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. “Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa mukuru kune akamutuma. Kana muchizviziva izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.
Johani 13:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kana ini Tenzi nomudzidzisi wenyu ndakushambidzai tsoka kudai, imi munofanira kushambidzanawo tsoka. Nokuti ndatokupai muenzaniso izvozvi kuti muitewo zvandakuitirai. “Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri mushandi haasi mukuru kupfuura waanoshandira kana anotumwa pane anomutuma. “Kana muchiziva zvinhu izvi muchakomborerwa kana mukazviita.
Johani 13:14-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemi ʋo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi seɀandakakuitirai ini. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kunashe wake, ʋuye wakatumŋa mukuru kunowakamutuma. Kana muciɀiziʋa iɀi, makaropafadzwa kana muciɀiita.
Johani 13:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)