Johani 13:12-14
Johani 13:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati apedza kushambidza tsoka dzavo, akapfeka nguo dzake akadzokera panzvimbo yake. Akavabvunza akati, “Munonzwisisa here zvandaita kwamuri? Munondidaidza kuti ‘Mudzidzisi’ uye ndizvozvo chaizvo, nokuti ndizvo zvandiri. Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
Johani 13:12-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati ashambidza tsoka dzavo, akatora nguo dzake, akagarazve, akati kwavari, “Munoziva zvandakakuitirai here? Munondiidza Mudzidzisi, uye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye. Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
Johani 13:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakapedza kuvashambidza tsoka dzavo akapfeka gemenzi rake riya akagara panzvimbo yake akavati: “Munoziva here zvandaita kwamuri? Munonditi Mudzidzisi uye Tenzi; ndizvozvo chaizvo nokuti ndizvozvo zvandiri. Zvino kana ini Tenzi nomudzidzisi wenyu ndakushambidzai tsoka kudai, imi munofanira kushambidzanawo tsoka.
Johani 13:12-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati ashambidza tsoka dzaʋo, akatora ŋguʋo dzake, akagara ɀe, akati kwaʋari: Munoziʋa ɀandakakuitirai here? Munondiidza Mudzidzisi, ʋuye Ishe; munoreʋa ɀakanaka, nokuti ndini iye. Ɀino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemi ʋo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
Johani 13:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)