Johani 13:1-5
Johani 13:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mutambo wePasika wakanga uchigere kusvika. Jesu akanga achiziva kuti nguva yakanga yasvika yokuti iye abve panyika uye kuti aende kuna Baba. Sezvo akanga achida vake avo vakanga vari munyika, akavaratidza zvino kuzara kworudo rwake. Kudya kwamadekwana kwakanga kwava kugoverwa, uye dhiabhori akanga aisa mumwoyo maJudhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, pfungwa yokuti apandukire Jesu. Jesu akanga achiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose pasi pesimba rake, uye kuti akanga abva kuna Mwari uye kuti aidzokerazve kuna Mwari, saka akasimuka pakudya, akabvisa nguo yake yokunze, uye akamonera tauro muchiuno chake. Shure kwaizvozvo, akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake.
Johani 13:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mutambo wePasika usati wasvika, Jesu akaziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kuna baba, zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, akavada kusvikira pakuguma. Zvino vakati voravira, Dhiabhori atoisa mumwoyo maJudhasi Isikarioti, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire; Jesu achiziva kuti baba vakamupa zvinhu zvose mumaoko ake, uye kuti akabva kuna Mwari, uye kuti anoenda kuna Mwari; akasimuka pakurayira, akabvisa nguo dzake, akatora mucheka, akazvisunga chiuno. Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipukuta nomucheka, waakanga akazvisunga nawo.
Johani 13:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zuva rePasika risati rasvika Jesu akaziva kuti nguva yake yokusiya pasi achienda kuna Baba yakanga yasvika. Akada vake vakanga vari pasi pano akavada zvokupedzerera. Zvavakanga vari pakudya kwamauro Dhiabhori akanga atoisa muna Judhasi Isikarioti, mwana waSimoni pfungwa yokumupandukira. Jesu aizviziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose mumaoko ake, uye kuti akabva kuna Mwari uyezve kuti akanga avakudzokera kuna Mwari. Naizvozvo akasimuka pakudya akabvisa hanzu yake yepamusoro ndokumonera tauro muchiuno. Akadira mvura mudhishi akatangisa kushambidza tsoka dzavadzidzi achidzipukuta netauro riya raakanga akazvimonera naro.
Johani 13:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mutambo wepaseka usati waȿika, Jesu wakaziʋa kuti ŋguʋa yake yaȿika, kuti abve munyika ino, aende kunaƂaɓa, ɀaakaŋga aiɗa ʋanhu ʋake ʋaiʋa munyika, wakaʋaɗa kuȿikira pakuguma. Ɀino ʋakati ʋorayira, Diaborosi atoisa mumŋoyo maJudasi Iskarioti, mŋanakomana waSimoni, kuti amupandukire; Jesu aciziʋa kuti Ƃaɓa ʋakamupa ɀinhu ɀose mumaʋoko ake, ʋuye kuti wakabva kunaMŋari, ʋuye kuti unoenda kunaMŋari; akasimuka pakurayira, akabvisa ŋguʋo dzake, akatora muceka, akaɀisuŋga ciʋuno. Ɀino akaɗira mvura mumudziyo, akataŋga kushambidza tsoka dzaʋadzidzi ʋake, akadzipisika nomuceka, waakaŋga akaɀisuŋga nawo.
Johani 13:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)