Johani 13:1-17
Johani 13:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mutambo wePasika wakanga uchigere kusvika. Jesu akanga achiziva kuti nguva yakanga yasvika yokuti iye abve panyika uye kuti aende kuna Baba. Sezvo akanga achida vake avo vakanga vari munyika, akavaratidza zvino kuzara kworudo rwake. Kudya kwamadekwana kwakanga kwava kugoverwa, uye dhiabhori akanga aisa mumwoyo maJudhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, pfungwa yokuti apandukire Jesu. Jesu akanga achiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose pasi pesimba rake, uye kuti akanga abva kuna Mwari uye kuti aidzokerazve kuna Mwari, saka akasimuka pakudya, akabvisa nguo yake yokunze, uye akamonera tauro muchiuno chake. Shure kwaizvozvo, akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake. Akasvika pana Simoni Petro, iye akati kwaari, “Ishe muri kuda kushambidza tsoka dzangu here?” Jesu akapindura achiti, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.” Simoni Petro akati, “Kwete, imi hamungatongoshambidzi tsoka dzangu.” Jesu akapindura akati, “Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.” Ipapo Simoni Petro akati, “Ishe, ngadzirege kuva tsoka dzangu bedzi asi maoko angu nomusoro wanguwo!” Jesu akapindura akati, “Munhu anenge amboshamba muviri wose, anongoda bedzi kushamba tsoka dzake, muviri wake wose wakachena. Imi makachena, kunyange zvazvo musiri mose vakachena.” Nokuti aiziva kuti ndiani aizomupandukira, ndokusaka akati, havasi vose vakanga vakachena. Akati apedza kushambidza tsoka dzavo, akapfeka nguo dzake akadzokera panzvimbo yake. Akavabvunza akati, “Munonzwisisa here zvandaita kwamuri? Munondidaidza kuti ‘Mudzidzisi’ uye ndizvozvo chaizvo, nokuti ndizvo zvandiri. Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi. Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma. Zvino zvamava kuziva zvinhu izvi, mucharopafadzwa kana mukazviita.
Johani 13:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mutambo wePasika usati wasvika, Jesu akaziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kuna baba, zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, akavada kusvikira pakuguma. Zvino vakati voravira, Dhiabhori atoisa mumwoyo maJudhasi Isikarioti, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire; Jesu achiziva kuti baba vakamupa zvinhu zvose mumaoko ake, uye kuti akabva kuna Mwari, uye kuti anoenda kuna Mwari; akasimuka pakurayira, akabvisa nguo dzake, akatora mucheka, akazvisunga chiuno. Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipukuta nomucheka, waakanga akazvisunga nawo. Akasvika kuna Simoni Petirosi, iye akati kwaari, “Ishe, imi moshambidza tsoka dzangu kanhi?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Chandinoita hauchizivi zvino; asi uchazvinzwisisa pashure.” Petirosi akati kwaari, “Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nokusingaperi.” Jesu akamupindura, akati, “Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni.” Simoni Petirosi akati kwaari, “Dzirege kuva tsoka dzangu dzoga, asi maoko angu nomusoro wanguo.” Jesu akati kwaari, “Akashambidzwa muviri wose, anofanira woga kuti ashambidzwe tsoka dzake, zvino wanaka kwazvo; imi makanaka, asi hamusi mose.” Nokuti akanga achiziva uyo aizomupandukira saka akati, “Hamuna kunaka mose.” Zvino akati ashambidza tsoka dzavo, akatora nguo dzake, akagarazve, akati kwavari, “Munoziva zvandakakuitirai here? Munondiidza Mudzidzisi, uye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye. Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. “Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa mukuru kune akamutuma. Kana muchizviziva izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.
Johani 13:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zuva rePasika risati rasvika Jesu akaziva kuti nguva yake yokusiya pasi achienda kuna Baba yakanga yasvika. Akada vake vakanga vari pasi pano akavada zvokupedzerera. Zvavakanga vari pakudya kwamauro Dhiabhori akanga atoisa muna Judhasi Isikarioti, mwana waSimoni pfungwa yokumupandukira. Jesu aizviziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose mumaoko ake, uye kuti akabva kuna Mwari uyezve kuti akanga avakudzokera kuna Mwari. Naizvozvo akasimuka pakudya akabvisa hanzu yake yepamusoro ndokumonera tauro muchiuno. Akadira mvura mudhishi akatangisa kushambidza tsoka dzavadzidzi achidzipukuta netauro riya raakanga akazvimonera naro. Paakasvika pana Simoni Pita, Pita akati kwaari, “Nhai Tenzi ndimi mungashambidze tsoka dzangu here imi?” Jesu akamupindura achiti, “Zvandiri kuita haungazvizivi iye zvino asi uchazozvinzwisisa pashure.” Pita akati kwaari, “Hamumbofa makashambidza tsoka dzangu.” Jesu akamudaira achiti, “Kana ndisingakushambidze iwe unenge usisina chokuita neni.” Simoni Pita akabva ati kwaari, “Tenzi, kwete tsoka dzangu chete asi maoko angu nomusoro wanguwo.” Jesu akamuti, “Munhu anenge ashamba muviri haana chaanofanira kushambazve kusiya tsoka dzake bedzi nokuti anenge akachena muviri wose. Imi makachena asi kwete mose.” Akadaro nokuti aiziva aizomutengesa. Ndokusaka akati hamusi mose makachena. Paakapedza kuvashambidza tsoka dzavo akapfeka gemenzi rake riya akagara panzvimbo yake akavati: “Munoziva here zvandaita kwamuri? Munonditi Mudzidzisi uye Tenzi; ndizvozvo chaizvo nokuti ndizvozvo zvandiri. Zvino kana ini Tenzi nomudzidzisi wenyu ndakushambidzai tsoka kudai, imi munofanira kushambidzanawo tsoka. Nokuti ndatokupai muenzaniso izvozvi kuti muitewo zvandakuitirai. “Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri mushandi haasi mukuru kupfuura waanoshandira kana anotumwa pane anomutuma. “Kana muchiziva zvinhu izvi muchakomborerwa kana mukazviita.
Johani 13:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mutambo wepaseka usati waȿika, Jesu wakaziʋa kuti ŋguʋa yake yaȿika, kuti abve munyika ino, aende kunaƂaɓa, ɀaakaŋga aiɗa ʋanhu ʋake ʋaiʋa munyika, wakaʋaɗa kuȿikira pakuguma. Ɀino ʋakati ʋorayira, Diaborosi atoisa mumŋoyo maJudasi Iskarioti, mŋanakomana waSimoni, kuti amupandukire; Jesu aciziʋa kuti Ƃaɓa ʋakamupa ɀinhu ɀose mumaʋoko ake, ʋuye kuti wakabva kunaMŋari, ʋuye kuti unoenda kunaMŋari; akasimuka pakurayira, akabvisa ŋguʋo dzake, akatora muceka, akaɀisuŋga ciʋuno. Ɀino akaɗira mvura mumudziyo, akataŋga kushambidza tsoka dzaʋadzidzi ʋake, akadzipisika nomuceka, waakaŋga akaɀisuŋga nawo. Akaȿika kunaSimoni Petro, iye akati kwaari: Ishe, imi moshambidza tsoka dzaŋgu kanhi? Jesu akapindura, akati kwaari: Candinoita hauciziʋi ɀino; asi ucaɀinzwisisa pashure. Petro akati kwaari: Hamuŋgatoŋgoshambidzi tsoka dzaŋgu nokusiŋgaperi. Jesu akamupindura, akati: Kana ndisiŋgakushambidzi, haunomugoʋe neni. Simoni Petro akati kwaari: Dzirege kuʋa tsoka dzaŋgu dzoga, asi maʋoko aŋgu nomusoro waŋgu ʋo. Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa muʋiri wose, unofanira kwoga kuti ashambidzwe tsoka dzake, ɀino wanaka kwaɀo; imi makanaka, asi hamuzi mose. Nokuti wakaŋga aciziʋa uyo waizomupandukira, saka akati: Hamuna‐kunaka mose. Ɀino wakati ashambidza tsoka dzaʋo, akatora ŋguʋo dzake, akagara ɀe, akati kwaʋari: Munoziʋa ɀandakakuitirai here? Munondiidza Mudzidzisi, ʋuye Ishe; munoreʋa ɀakanaka, nokuti ndini iye. Ɀino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemi ʋo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi seɀandakakuitirai ini. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kunashe wake, ʋuye wakatumŋa mukuru kunowakamutuma. Kana muciɀiziʋa iɀi, makaropafadzwa kana muciɀiita.
Johani 13:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)