Johani 12:35-36
Johani 12:35-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akati kwavari, “Muchava nechiedza kwechinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, rima risati rasvika. Munhu anofamba murima haazivi kwaanoenda. Vimbai nechiedza muchinacho, kuti mugova vanakomana vechiedza.” Akati apedza kutaura zvinhu izvi, Jesu akabvapo akazvivanza kwavari.
Johani 12:35-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Jesu akati kwavari, “Chiedza chichipo pakati penyu chinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, kuti murege kukundwa nerima; anofamba murima haazivi kwaanoenda. “Muchine chiedza, tendai kuchiedza, mugoitwa vana vechiedza.” Jesu akareva izvozvi, akabva, akazvivanza kwavari.
Johani 12:35-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akavati, “Mwenje uchinemi kwechinguvana fambai muchine mwenje iwoyo kudai, mungadaro mukawirwa nerima. Anofamba murima haazivi kwaanoenda. Muchine mwenje kudai tendai mumwenje kuti muve vana vechiedza.” Jesu paakapedza kutaura izvi akabva akandozvivanza kwavari.
Johani 12:35-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Jesu akati kwaʋari: Ciedza cici’po pakati penyu ciŋguʋa ciɗuku. Fambai mucineciedza, kuti murege kukundwa nerima; unofamba murima haaziʋi kwaanoenda. Mucineciedza, tendai kuciedza, mugoitwa ʋana ʋeciedza. Jesu wakareʋa iɀoɀi, akabva, akaɀiʋanza kwaʋari.
Johani 12:35-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)