Johani 12:2-7
Johani 12:2-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vakamubikira kudya kwamanheru. Marita akavashandira uye Razaro akanga ari pakati pavanhu vakanga vari patafura naye. Ipapo Maria akatora chinu chamafuta anonhuhwira enaridho, omutengo unokosha kwazvo; akaadururira patsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. Uye imba yakazadzwa nokunhuhwira kwamafuta. Asi mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Iskarioti, uyo akanga achizomupandukira, akazviramba izvozvo akati, “Seiko mafuta aya asina kutengeswa uye mari yacho ikapiwa kuvarombo? Anga achikwana mubayiro wegore rose.” Haana kureva izvi nokuda kwokuti aiva nehanya navarombo, asi nokuti aiva mbavha; sezvo akanga ari mubati wehomwe, aimboba zvainge zvaiswa muhomwe yacho. Jesu akapindura akati, “Muregei akadaro. Zvakanga zvakagadzirirwa kuti iye achengetere mafuta aya zuva rokuvigwa kwangu.
Johani 12:2-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakamuitirapo chirariro; Marita akavashandira; naRazaro akanga ari mumwe wavakanga vagere naye pakudya. Zvino Maria akatora paundi yamafuta enaridho, anomutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta. Ipapo mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Isikarioti akanga achazomupandukira, akati, “Mafuta awa akaregereiko kutengeswa namadhenari mazana matatu, akapiwa varombo?” Asi haana kureva izvozvo kuri kuti akarangarira varombo, asi nokuti aiva mbavha; aigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo. Asi Jesu akati, “Muregei, azvichengetere zuva rokuvigwa kwangu.
Johani 12:2-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakamuitira mabiko ikoko Marita ndiye aivashandira. Razaro ainge ari mumwe wavaidya naye pateburu. Maria akatora hafu yerita yamafuta anokosha enadi chaiyoiyo akazora nawo tsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Imba yakazara nokunhuwirira kwamafuta iwayo. Asi Judhasi mumwe wavadzidzi vake, uya akanga achazomupandukira akati: “Mafuta aya aregerereiko kutengeswa nemari yesirivha yedhenariusi inoita mazana matatu yapihwa kuvarombo?” Akataura izvi kwete pamusana pokuti aiva nehanya navarombo asi pamusana pokuti aiva mbavha. Sezvaakanga ari iye sahomwe aipota achitorawo imwe. Jesu akati, “Muregei henyu, dai anga atoachengetera zvake zuva rokuvigwa kwangu.
Johani 12:2-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakamuitira’po cirayiro; Marta akaʋashandira; naRazaro wakaŋga ari mumŋe waʋakaŋga ʋagere naye pakudya. Ɀino Maria akatora paundi yamafuta enardo, anomuteŋgo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapisika tsoka dzake nevudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta. Ipapo mumŋe waʋadzidzi ʋake, Judasi Iskarioti, wakaŋga acazomupandukira, akati: Mafuta awa akaregereiko kuteŋgeswa namadenari mazana matatu, akapiwa ʋarombo? Asi haana‐kureʋa iɀoɀo kuri kuti wakaraŋgarira ʋarombo, asi nokuti waiʋa mbava; waigara necikwama, acisiɓa ɀaiiswa’mo. Asi Jesu wakati: Muregei, aɀiceŋgetere zuʋa rokuʋigwa kwaŋgu.
Johani 12:2-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)