Johani 12:1-36
Johani 12:1-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kwakati kwasara mazuva matanhatu kuti Pasika isvike, Jesu akasvika paBhetani, kuya kwaigara Razaro, uyo akanga amutswa naJesu kubva kuvakafa. Ipapo vakamubikira kudya kwamanheru. Marita akavashandira uye Razaro akanga ari pakati pavanhu vakanga vari patafura naye. Ipapo Maria akatora chinu chamafuta anonhuhwira enaridho, omutengo unokosha kwazvo; akaadururira patsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. Uye imba yakazadzwa nokunhuhwira kwamafuta. Asi mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Iskarioti, uyo akanga achizomupandukira, akazviramba izvozvo akati, “Seiko mafuta aya asina kutengeswa uye mari yacho ikapiwa kuvarombo? Anga achikwana mubayiro wegore rose.” Haana kureva izvi nokuda kwokuti aiva nehanya navarombo, asi nokuti aiva mbavha; sezvo akanga ari mubati wehomwe, aimboba zvainge zvaiswa muhomwe yacho. Jesu akapindura akati, “Muregei akadaro. Zvakanga zvakagadzirirwa kuti iye achengetere mafuta aya zuva rokuvigwa kwangu. Varombo munavo nguva dzose pakati penyu, asi ini hamuzorambi muneni.” Zvichakadaro, vazhinji zhinji vechiJudha vakanzwa kuti Jesu akanga aripo vachibva vauya, kwete nokuda kwake bedzi asi kuti vazoonawo Razaro, waakanga amutsa kubva kuvakafa. Saka vaprista vakuru vakaronga kuurayawo naRazaro, nokuti nokuda kwake, vaJudha vazhinji vakanga vava kubva kwavari vachiisa kutenda kwavo kuna Jesu. Zuva rakatevera ungano huru yavanhu vakanga vauya kuMutambo yakanzwa kuti Jesu akanga ari munzira achiuya kuJerusarema. Vakatora mapazi emichindwe vakaenda kundosangana naye, vachidanidzira vachiti: “Hosana! “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe! “Akaropafadzwa Mambo weIsraeri!” Jesu akati awana mhuru yembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Usatya iwe Mwanasikana weZioni; tarira, mambo wako ari kuuya, akagara pamusoro pemhuru yembongoro.” Vadzidzi vake havana kuzvinzwisisa pakutanga. Vakazoyeuka shure kwokunge Jesu apinda mukubwinya kwake, kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vaita izvozvo kwaari. Zvino vanhu vazhinji vakanga vanaye paakadana Razaro kubva muguva uye akamumutsa kubva kuvakafa vakaramba vachiparadzira shoko iri. Vanhu vazhinji vakabuda kundosangana naye nokuda kwokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichi. Saka vaFarisi vakataurirana vakati, “Onai, hakuna kwatinosvika nazvo izvi. Tarirai kuti nyika inomutevera sei!” Zvino kwakanga kuna vamwe vaGiriki pakati paavo vakanga vakwidza kuMutambo kundonamata. Vakauya kuna Firipi, uyo akanga achibva kuBhetisaidha muGarirea, vaine chikumbiro. Vakati, “Ishe, tinoda kuona Jesu.” Firipi akaenda kundoudza Andirea; Andirea naFiripi vakazoudzawo Jesu. Jesu akapindura akati, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana woMunhu akudzwe. Ndinokuudzai chokwadi, kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu ikafa, inongoramba ichingova yoga. Asi kana ikafa, inobereka mbeu dzakawanda. Munhu anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi munhu anovenga upenyu hwake munyika ino achahuchengetera upenyu husingaperi. Ani naani anondishandira anofanira kunditevera; uye pandinenge ndiri, muranda wangu achavapowo ipapo. Baba vangu vachakudza munhu uyo anondishandira. “Zvino mwoyo wangu uri kurwadziwa, uye ndichati kudiniko? ‘Baba, ndiponesei kubva panguva ino?’ Kwete, ndizvo zvandakauyira panguva ino. Baba, kudzai zita renyu!” Ipapo inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndatorikudza, uye ndicharikudzazve.” Vanhu vazhinji vaivapo uye vakarinzwa vakati kwatinhira; vamwe vakati mutumwa ataura kwaari. Jesu akati, “Inzwi iri harina kuuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu. Zvino ndiyo nguva yokutongwa kwenyika ino; zvino muchinda wenyika ino achadzingwa. Asi ini, pandinenge ndasimudzwa kubva panyika ino, ndichakwevera vanhu vose kwandiri.” Akareva izvi kuti aratidze mafiro aaizoita. Vanhu vazhinji vakati, “Isu takanzwa kubva paMurayiro kuti Kristu achagara nokusingaperi, saka sei muchiti, ‘Mwanakomana anofanira kusimudzwa’? Ndianiko uyu ‘Mwanakomana woMunhu’?” Ipapo Jesu akati kwavari, “Muchava nechiedza kwechinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, rima risati rasvika. Munhu anofamba murima haazivi kwaanoenda. Vimbai nechiedza muchinacho, kuti mugova vanakomana vechiedza.” Akati apedza kutaura zvinhu izvi, Jesu akabvapo akazvivanza kwavari.
Johani 12:1-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mazuva matanhatu Pasika ichigere kusvika, Jesu akasvika Bhetania, paiva naRazaro, wakadeya kumutswa naJesu kuvakafa. Vakamuitirapo chirariro; Marita akavashandira; naRazaro akanga ari mumwe wavakanga vagere naye pakudya. Zvino Maria akatora paundi yamafuta enaridho, anomutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta. Ipapo mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Isikarioti akanga achazomupandukira, akati, “Mafuta awa akaregereiko kutengeswa namadhenari mazana matatu, akapiwa varombo?” Asi haana kureva izvozvo kuri kuti akarangarira varombo, asi nokuti aiva mbavha; aigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo. Asi Jesu akati, “Muregei, azvichengetere zuva rokuvigwa kwangu. Nokuti varombo munavo nguva dzose; asi ini hamuneni nguva dzose.” Zvino vanhu vazhinji-zhinji vokuvaJudha vakanzwa kuti aripo; vakauya, asi havana kuuya nokuda kwaJesu bedzi, asi kuti vaonewo Razaro, waakanga amutsa kuvakafa. Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye naRazarowo, nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vachibva kwavari, vachitenda kuna Jesu. Zvino ava mangwana vanhu vazhinji-zhinji, vakanga vauya kumutambo, vakati vanzwa kuti Jesu auya Jerusaremu, vakatora mashizha emichindwi, vakabuda kundomuchingamidza, vakadanidzira, vachiti, “Hosana! Ngaarumbidzwe anouya muzita raIshe, Mambo wavaIsiraeri.” Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Usatya, mukunda weZioni; tarira Mambo wako anouya, agere pamusoro pemhuru yembongoro.” Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu akati akudzwa, vakazoyeuka, kuti izvozvo zvakanga zvanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vamuitira izvozvo. Zvino vanhu vazhinji vaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abve mubwiro, nokumumutsa kuvakafa, vakapupura. Saka vazhinji vakamuchingamidzawo, nokuti vakanga vanzwa, kuti akaita chiratidzo ichocho. Ipapo vaFarisi vakataurirana, vachiti, “Munoona henyu kuti hamugoni chinhu; tarirai, nyika yose yamutevera.” Zvino kwaiva navamwe vaGiriki pakati pavakanga vakwira kumutambo kundonamatako; ivo vakauya kuna Firipi weBhetisaidha reGariria, vakakumbira kwaari, vachiti, “Ishe, tinoda kuona Jesu.” Firipi akaenda, akandoudza Andireya; Andireya akaenda naFiripi, vakandoudza Jesu. Jesu akavapindura, akati, “Nguva yasvika, kuti Mwanakomana womunhu akudzwe. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana tsanga yezviyo ikasawira muvhu, ikafa, ichagara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji. Anoda upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; noanovenga upenyu hwake panyika ino, achahuchengeta kuupenyu husingaperi. Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri, nomuranda wangu achavapowo. Kana munhu achindishumira, baba vachamukudza. “Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiiko? Baba ndiponesei panguva ino. Asi ndizvo zvandauyira panguva ino. Baba, kudzai zita renyu.” Ipapo izwi rakauya, richibva kudenga, richiti, “Ndatorikudza, ndicharikudzazve.” Zvino vanhu vazhinji, vakanga vamirepo, vachizvinzwa, vakati, “Kwatinhira.” Vamwe vakati, “Mutumwa ataura naye.” Jesu akapindura, akati, “Izwi iri harina kuuya nokuda kwangu asi nokuda kwenyu. Zvino kutongwa kwenyika ino kwavapo, zvino muchinda wenyika ino achadzingwa. Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.” Wakareva izvozvi, achiratidza kufa, kwaaizofa nako. Zvino vanhu vazhinji vakamupindura, vakati, “Isu takanzwa pamurayiro kuti Kristu uchagara aokusingaperi; zvino moreva seiko imi, kuti Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwa? Uyu Mwanakomana womunhu ndianiko?” Ipapo Jesu akati kwavari, “Chiedza chichipo pakati penyu chinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, kuti murege kukundwa nerima; anofamba murima haazivi kwaanoenda. “Muchine chiedza, tendai kuchiedza, mugoitwa vana vechiedza.” Jesu akareva izvozvi, akabva, akazvivanza kwavari.
Johani 12:1-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mazuva matanhatu ePasika asati asvika Jesu akaenda kuBhetania kwaiva naRazaro waakanga amutsa muvafi. Vakamuitira mabiko ikoko Marita ndiye aivashandira. Razaro ainge ari mumwe wavaidya naye pateburu. Maria akatora hafu yerita yamafuta anokosha enadi chaiyoiyo akazora nawo tsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Imba yakazara nokunhuwirira kwamafuta iwayo. Asi Judhasi mumwe wavadzidzi vake, uya akanga achazomupandukira akati: “Mafuta aya aregerereiko kutengeswa nemari yesirivha yedhenariusi inoita mazana matatu yapihwa kuvarombo?” Akataura izvi kwete pamusana pokuti aiva nehanya navarombo asi pamusana pokuti aiva mbavha. Sezvaakanga ari iye sahomwe aipota achitorawo imwe. Jesu akati, “Muregei henyu, dai anga atoachengetera zvake zuva rokuvigwa kwangu. Varombo munavo nguva dzose asi ini hamuneni nguva dzose.” Gungano guru ravaJudha parakanzwa kuti Jesu akanga ariko rakauya kwete pamusana paJesu chete asi kuzoonawo Razaro waakanga amutsa kuvafi. Naizvozvo vapristi vakuru vakarangana kuurayawo Razaro. Chikonzero chacho chiri chokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vavakubva vachinotenda muna Jesu. Zuva ramangwana racho gungano guru ravanhu rakanga rauya kuzuva guru rakanzwa kuti Jesu ari kuuya kuJerusaremu. Nokudaro vakakwanhura mapazi omurara vakaenda kundomugamuchira vachidaidzira vachiti, “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi ndiye mambo weIsiraeri.” Jesu akawona chigondora chedhongi akachitasva sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Usatye zvako iwe mukunda weZioni, tarisa uone mambo wako ari kuuya akatasva pachigondora chedhongi.” Pakutanga vadzidzi vake, izvi havana kuzvinzwisisa. Asi Jesu paakawana mukurumbira wake ndopavakayeuka kuti izvi zvakambenge zvakanyorwa nezvake uye kuti ndizvo zvakanga zvaitika kwaari. Chikwata chavanhu chakanga chinaye paakadaidza Razaro muguva akamumutsa muvafi, chakamupupurira. Chakaendera chikwata ichocho kundomuchingura, ndechokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichocho. VaFarisei vakataurirana kuti, “Chitarisaika muone. Hapana chamunombogona kuita. Onai nyika yotomutevera.” Pakati pevanhu vakaenda kundonamata kuzuva guru paiva navamwe vaGiriki. Ivava vakaenda kuna Firipi aibva kuBhetisaidha muGarirea vakati kwaari, “Changamire tinodawo kuona Jesu.” Firipi akaenda akandotaurira Andireya. Andireya akaenda naFiripi vakandoudza Jesu. Jesu akavapindura achiti, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana womunhu zvino achiwana mukurumbira. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kusatoti tsanga yekoroni yawira muvhu ikafa inoramba ichingova yoga asi ikafa inobereka muchero wakawanda. Anoda upenyu hwake anorasikirwa naho, asi uyo anovenga upenyu hwake pasi pano anohuchengeta kusvikira kuhupenyu husingaperi. Anoda kundishandira, anofanira kunditevera, kwandinenge ndiri, mushandi wangu ndokwaanofanirawo kuva. Munhu akandishandira, Baba vachamukudza. “Iye zvino ndiri kushushikana mumwoyo Ndoti kudiiko? Baba ndipunyutseiwo kunguva iyi asi aiwa, inga zvenguva iyi ndizvo zvandakavinga wani. Baba rumbidzai zita renyu.” Ipapo izwi rakabva kudenga richiti, “Ndakarirumbidza uye ndicharirumbidzazve.” Chikwata chavanhu chakanga chiripo chakazvinzwa. Vakati, “Kwatinhira,” vamwewo vakati, “Mutumwa waMwari ataura kwaari.” Jesu akapindura achiti, “Izwi iri rauyira imi kwete ini.” Zvino kutongwa kwapasi pano kwasvika. Zvino mutongi wapasi pano ava kudzingirwa kunze. Iniwo kana ndarembedzwa pamusoro payo nyika, ndichakwezvera vanhu vose kwandiri. Akataura izvi achiratidza rufu rwaaizofa narwo. Gungano rakamupindura richiti, “Isu takanzwa muMutemo kuti Mesia achagara nokusingaperi. Ko zvino ungati sei Mwanakomana womunhu anofanira kuti asimudzwe. Ndianiko Mwanakomana womunhu iyeyo?” Jesu akavati, “Mwenje uchinemi kwechinguvana fambai muchine mwenje iwoyo kudai, mungadaro mukawirwa nerima. Anofamba murima haazivi kwaanoenda. Muchine mwenje kudai tendai mumwenje kuti muve vana vechiedza.” Jesu paakapedza kutaura izvi akabva akandozvivanza kwavari.
Johani 12:1-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mazuʋa matanhatu paseka icigere kuȿika, Jesu wakaȿika Betania, paiʋa naRazaro, wakaɗeya kumutswa naJesu kuʋakafa. Ʋakamuitira’po cirayiro; Marta akaʋashandira; naRazaro wakaŋga ari mumŋe waʋakaŋga ʋagere naye pakudya. Ɀino Maria akatora paundi yamafuta enardo, anomuteŋgo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapisika tsoka dzake nevudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta. Ipapo mumŋe waʋadzidzi ʋake, Judasi Iskarioti, wakaŋga acazomupandukira, akati: Mafuta awa akaregereiko kuteŋgeswa namadenari mazana matatu, akapiwa ʋarombo? Asi haana‐kureʋa iɀoɀo kuri kuti wakaraŋgarira ʋarombo, asi nokuti waiʋa mbava; waigara necikwama, acisiɓa ɀaiiswa’mo. Asi Jesu wakati: Muregei, aɀiceŋgetere zuʋa rokuʋigwa kwaŋgu. Nokuti ʋarombo munaʋo ŋguʋa dzose; asi ini hamuneni ŋguʋa dzose. Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋokuʋaJuda ʋakanzwa kuti uri’po; ʋakaʋuya, asi haʋana‐kuʋuya nokuɗa kwaJesu ɓedzi, asi kuti ʋaʋone ʋo Razaro, waakaŋga amutsa kuʋakafa. Asi ʋaprista ʋakuru ʋakaraŋgana kuti ʋaʋuraye naRazaro ʋo, nokuti nokuɗa kwake ʋaJuda ʋazhinji ʋakaŋga ʋacibva kwaʋari, ʋacitenda kunaJesu. Ɀino aʋa maŋgwana ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋakaŋga ʋaʋuya kumutambo, ʋakati ʋanzwa kuti Jesu woʋuya Jerusarema, ʋakatora mashizha emicindwe, ʋakaɓuda kundomuciŋgamidza, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana! Ŋgaarumbidzwe unoʋuya muzita raShe, Mambo waʋaIsraeri. Jesu akati awana mŋana wemboŋgoro, akagara pamsoro payo, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Usatya, mukunda weZioni; tarira Mambo wako unoʋuya, agere pamsoro pemhuru yemboŋgoro. Ʋadzidzi ʋake haʋana‐kunzwisisa iɀoɀi pakutaŋga; asi Jesu wakati akudzwa, ʋakazoraŋgarira, kuti iɀoɀo ɀakaŋga ɀanyorwa pamsoro pake, ʋuye kuti ʋakaŋga ʋamuitira iɀoɀo. Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋaiʋa naye pakuɗana kwake Razaro kuti abve mubgiro, nokumumutsa kuʋakafa, ʋakapupura. Saka ʋazhinji ʋakamuciŋgamidza ʋo, nokuti ʋakaŋga ʋanzwa, kuti wakaita ciratidzo iceco. Ipapo ʋaFarise ʋakataurirana, ʋaciti: Munoʋona henyu kuti hamugoni cinhu; tarirai, nyika yose yamuteʋera. Ɀino kwaiʋa naʋamŋe ʋaGiriki pakati paʋakaŋga ʋakwira kumutambo kundonamata’ko; iʋo ʋakaʋuya kunaFiripo weBetsaida reGarirea, ʋakakumbira kwaari, ʋaciti: Ishe, tinoɗa kuʋona Jesu. Firipo akaenda, akandoʋudza Andreasi; Andreasi akaenda naFiripo, ʋakandoʋudza Jesu. Jesu akaʋapindura, akati: Ŋguʋa yaȿika, kuti Mŋanakomana womunhu akudzwe. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana tsaŋga yeɀiyo ikasawira muvu, ikafa, icagara iri yoga; asi kana ikafa, inoɓereka ɀiɓereko ɀizhinji. Unoɗa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; nounoʋeŋga ʋupenyu bgake panyika ino, ucabguceŋgeta kuʋupenyu bgusiŋgaperi. Kana munhu acindishumira, ŋgaanditeʋere; napandineŋge ndiri, nomuranda waŋgu ucaʋa’po ʋo. Kana munhu acindishumira, Ƃaɓa ʋacamukudza. Ɀino mŋeya waŋgu unomanikidzwa; ndicatiyiko? Ƃaɓa ndiponesei paŋguʋa ino. Asi ndiɀo ɀandaʋuyira paŋguʋa ino. Ƃaɓa, kudzai zita renyu. Ipapo inzwi rakaʋuya, ricibva kuɗeŋga, riciti: Ndatorikudza, ndicarikudza ɀe. Ɀino ʋanhu ʋazhinji, ʋakaŋga ʋamire’po, ʋaciɀinzwa, ʋakati: Kwatinhira. Ʋamŋe ʋakati: Mutumŋa wataura naye. Jesu akapindura, akati: Inzwi iri harina‐kuʋuya nokuɗa kwaŋgu, asi nokuɗa kwenyu. Ɀino kutoŋgwa kwenyika ino kwaʋa’po, ɀino mucinda wenyika ino ucadziŋgwa. Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndicakweʋera ʋose kwandiri. Wakareʋa iɀoɀi, aciratidza kufa, kwaaizofa nako. Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakamupindura, ʋakati: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu ucagara nokusiŋgaperi; ɀino moreʋa seiko imi, kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kusimudzwa? Uyu Mŋanakomana womunhu ndianiko? Ipapo Jesu akati kwaʋari: Ciedza cici’po pakati penyu ciŋguʋa ciɗuku. Fambai mucineciedza, kuti murege kukundwa nerima; unofamba murima haaziʋi kwaanoenda. Mucineciedza, tendai kuciedza, mugoitwa ʋana ʋeciedza. Jesu wakareʋa iɀoɀi, akabva, akaɀiʋanza kwaʋari.
Johani 12:1-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)