Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 11:17-35

Johani 11:17-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana. Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema, uye vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuti vazovanyaradza pakurasikirwa kwavo nehanzvadzi yavo. Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?” Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.” Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi mununʼuna wake Maria. Akati, “Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza.” Maria akati anzwa izvozvo, akasimuka nokukurumidza akaenda kwaari. Zvino Jesu akanga asati apinda mumusha, asi akanga achiri panzvimbo paya paakanga asangana naMarita. VaJudha vakanga vari mumba naMaria, vachimunyaradza, vakati vachiona kuti akurumidza sei kusimuka achibuda kunze, vakamutevera, vachifunga kuti zvimwe akanga oenda kuguva kuti andochema ikoko. Maria akati asvika panzvimbo pakanga pana Jesu uye akamuona, akawira patsoka dzake akati, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Jesu akati achimuona achichema, uye vaJudha vakanga vauya naye vachichemawo, akabatwa neshungu kwazvo mumweya make uye akatambudzika. Akavabvunza akati, “Mamuradzika kupiko?” Vakati kwaari, “Uyai muone, Ishe.” Jesu akachema.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 11

Johani 11:17-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jesu akati achisvika, akamuwana atova mubwiro mazuva mana. Bhetania rakanga riri pedyo neJerusaremu, masitadhia anenge gumi namashanu; vazhinji vavaJudha vakanga vauya kuna Marita naMaria, kuti vavabate ruoko pamusoro pehanzvadzi yavo. Zvino Marita akati achinzwa kuti Jesu wouya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria akagara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Kunyange zvino ndinoziva, kuti zvose zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari achakupai.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu; anotenda kwandiri, kunyange akafa, achararama. “Mumwe nomumwe ari mupenyu, anotenda kwandiri, haangatongofi. Unotenda izvozvo here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe, ndakatenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo ainzi anouya panyika.” Akati areva izvovo, akandodana Maria, munun'una wake, akati kwaari vari voga, “Mudzidzisi asvika, anokudana.” Iye akati achizvinzwa, akakurumidza kusimuka, akaenda kwaari. (Zvino Jesu akanga asati asvika pamusha, asi akanga achiri paya paakachingamidzwa naMarita.) Zvino vaJudha, vakanga vari mumba naye vachimubata ruoko, vakati vachiona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti unoenda kubwiro kundochemako. Zvino Maria akati achisvika kuna Jesu, achimuona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Zvino Jesu akati achimuona achichema, navaJudha vakanga vauya naye, vachichemawo, akafa neshungu mumweya, akatambudzika, akati, “Mamuisepiko?” Vakati kwaari, “Ishe, uyai muone.” Jesu akachema misodzi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 11

Johani 11:17-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu paakasvika akawana Razaro atova muguva kwamazuva mana. Bhetania iri pedyo neJerusaremu, makiromita anenge matatu. VaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuzovabata maoko ehanzvadzi yavo. Marita paakanzwa kuti Jesu avakusvika akaenda kundomuchingura Maria akagara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Tenzi dai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Nyange iye zvino ndinoziva kuti chose chamunokumbira kuna Mwari, Mwari anokupai.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka, pazuva remhedziso.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka nouupenyu. Anotenda mandiri kunyange akafa achava mupenyu. Munhu anogara akabatana neni uye anotenda mandiri haazombofa. Unotenda here izvi?” Akati kwaari, “Hongu, Tenzi chokwadi ndinotenda kuti ndimi Mesia. Mwanakomana waMwari anonzi achauya pasi pano.” Paakataura izvi akaenda akadaidza munun'una wake Maria chinyararire achiti, “Mudzidzisi ari pano uye anokudana.” Paakazvinzwa akabva asimuka nokukurumidza akaenda kwaari. Ipapo Jesu akanga asati apinda mumusha iwoyo. Akanga achiri paya paakachingurana naMarita. Naizvozvo vaJudha vakanga vaina Maria mumba vachimubata maoko, pavakamuona achisimuka nokukurumidza achibuda vakamutevera vachifunga kuti avakuenda kuguva kundochemako. Maria paakasvika paiva naJesu akamuona akawira pasi patsoka dzake achiti, “Tenzi dai makanga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Jesu paakamuona achichema uye vaJudha vaakauya navo vachichemawo, akashungurudzwa mwoyo akatambudzika. Akati, “Makandomuradza kupi?” Vakati kwaari, “Tenzi, uyai muone zvenyu.” Jesu akachema.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 11

Johani 11:17-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jesu wakati aciȿika, akamuwana atoʋa mubgiro mazuʋa manna. Betania rakaŋga riri pedyo neJerusarema, mastadia aneŋge gumi namashanu; ʋazhinji ʋaʋaJuda ʋakaŋga ʋaʋuya kunaMarta naMaria, kuti ʋaʋaɓate ruʋoko pamsoro pehanɀadzi yaʋo. Ɀino Marta wakati acinzwa kuti Jesu woʋuya, akaenda kundomuciŋgamidza; asi Maria wakagara mumba. Marta akati kunaJesu: Ishe, ɗai maiʋa pano, hanɀadzi yaŋgu iŋgaɗai isina‐kufa. Kunyaŋge ɀino ndinoziʋa, kuti ɀose ɀamunokumbira kunaMŋari, Mŋari ucakupai. Jesu akati kwaari: Hanɀadzi yako icamuka ɀe. Marta akati kwaari: Ndinoziʋa kuti ucamuka ɀe pakumuka nezuʋa rokupedzisira. Jesu akati kwaari: Ndini kumuka noʋupenyu; unotenda kwandiri, kunyaŋge akafa, ucararama. Mumŋe nomumŋe uri mupenyu, unotenda kwandiri, haaŋgatoŋgofi. Unotenda iɀoɀo here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe, ndakatenda kuti ndimi Kristu, Mŋanakomana waMŋari, uyo wainzi unoʋuya panyika. Wakati areʋa iɀoɀo, akandoɗana Maria, munuŋuna wake, akati kwaari ʋari ʋoga: Mudzidzisi waȿika, unokuɗana. Iye wakati aciɀinzwa, akakurumidza kusimuka, akaenda kwaari. (Ɀino Jesu wakaŋga asati aȿika pamusha, asi wakaŋga aciri paya paakaciŋgamidzwa naMarta.) Ɀino ʋaJuda, ʋakaŋga ʋari mumba naye ʋacimuɓata ruʋoko, ʋakati ʋaciʋona Maria acikurumidza kusimuka aciɓuɗa, ʋakamuteʋera, ʋaciti, unoenda kubgiro kundocema’ko. Ɀino Maria wakati aciȿika kunaJesu, acimuʋona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; Ishe, ɗai maiʋa pano, hanɀadzi yaŋgu iŋgaɗai isina‐kufa. Ɀino Jesu wakati acimuʋona acicema, naʋaJuda ʋakaŋga ʋaʋuya naye, ʋacicema ʋo, akafa neshuŋgu mumŋeya, akatambudzika, akati: Mamuisepiko? Ʋakati kwaari: Ishe, ʋuyai, muʋone. Jesu akacema misodzi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 11

Johani 11:17-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)